Jobhu 35 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Mwari ndiye anopa vanhu rufaro

1Erihu akatizve,

2“Munofunga kuti zvakanaka here

zvokuti makarurama pamberi paMwari?”

3Muchitoti zvenyu kwaari,

“Hazvinei nemi uye zvinondibatsirei

kana ndikakutadzirai Mwari

kana ndikarega kukutadzirai.”

4Ini ndichakupindurai

pamwechete neshamwari dzenyu.

5Tarisai kudenga muone makore

ari pamusoro kupinda imi.

6Kana mukatadzira Mwari

chamunenge momurwadzisa ipapo chii?

Kana kukanganisa kwenyu kukawanda

iye chamunomuita chii?

7Chamunomuwanisa nokururama kwenyu chii?

Chaanowana kwamuri chii?

8Uipi hwenyu hunorwadza

mumwe munhu akaita semi,

ururami hwenyu hunobatsira munhu.

9Pamusana poudzvinyiriri

kwakawanda, vanhu vanochema

vanochemera rubatsiro pamusana

pechisimba choruoko rwavane simba.

10Asi hapana anoti,

“Mwari Musiki wangu aripi

iye anopa kuti vanhu vaimbe usiku.

11Iye anodzidzisa isu vanhu kupinda mhuka dzenyika

achitiita isu vakangwara kupinda shiri dzedenga.

12Vanhu vanochema asi haapinduri

pamusana pokuzvikudza kwavanhu vakaipa.

13Ichokwadiwoka kuti Mwari haateereri

kuchema kusina maturo

iye Samasimba haambozviitira hanya.

14Zvinobva zvatonyanya kuipa

kana imi muchitoti zvenyu hamumuoni

inga nyaya iri pamberi pake wani,

chenyu imi kumirira zvenyu.

15Asi nokuti Mwari nehasha dzake

haasi kuranga

achiita seasingazivi zvake kukanganisa kwacho.

16Jobhu ndipo paanobva amwauka zvake kutaura

achiondomoka zvake

kutaura twakawanda twaasingazivi.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help