1 Vanamakabhi 2 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

II: MATATIASI ANOTANGISA HONDO INOERAKurwira chitendero kwakaita Matatiya

1Mumazuva iwayo Matatiya mwanakomana waJohani mwanakomana waSimeoni mumwe mupristi wokuvanakomana vokwaJoyaribhu, akatama muJerusaremu akandogara kuModheini.

2Iye aiva navanakomana vashanu vaidaidzwawo namamwe mazita aya anoti:

Johani ainzi Gadhi

3kwouya Simoni ainzi Tasi

4naJudhasi ainzi Makabheusi

5poti Ereazari ainzi Avharani

kwozoti Jonatani ainzi Apusi.

6Matatiya akaona kushonha Mwari ikoko kwaiitika muJudha'mu nomuJerusaremu

7achiti,

“Obabawe kani!

Chandakazvarirwa zvangu! Kuti ndione here chokwadi

zvinhu zvakadai,

kuparadzwa kwavanhu vokwangu,

nokuparara kweguta rinoera?

Kugara here, ini, chokwadi mariri,

iro rachinzi sunde zvaro kudai

mumaoko evavengi,

Nzvimbo Inoera yachinzi tindindi

mumaoko avatorwa?

8“Temberi yaro yareruka

yaita somunhu asisina chiremera,

9midziyo yayo ine mbiri,

yakapambwa ikaendwa nayo kuutapwa,

pwere dzaro dzakaurayiwa mumigwagwa yaro,

vechidiki varo vasamhuka vachiurayiwa namapakatwa nemhandu.

10“Ruripowo here rudzi rwavanhu

rusina kumbogara nhaka mumuzinda yarwo

rusinawo kumbopamba zvinhu zvaro.

11“Zvishongo zvaro zvose zvakatorwa,

harisisiri guta rakasununguka

rave guta rouranda.

12“Tarisai muone Nzvimbo yedu Inoera.

Tarisai zvenyu muone runako rwedu,

mungoonawo zvenyu mukurumbira wedu,

zvose zvaparara!

Vanhu vechirudzi vakazvin'oresa.

13Chaticharambira tiri vapenyu chii ipapa?”

14Matatiya navanakomana vake vakabva vabvarura hanzu dzavo vakapfeka hanzu dzamasaga vakaungudza kuchema zvinosiririsa kwazvo.

Kuramba kwakaita Matatiya kupira kuna vamwari vasirivo

15Mamwe makurukota okwamambo aiva nebasa rokuona kuti kuramba Mwari kuri kuitwa vakasvikawo kuguta reModheini kuti vanhu vapire chibairo ichocho.

16Vazhinji vomuIsiraeri vakenda kwaari Matatiya navana vake ivava vakandounganawo ikoko.

17Makurukota amambo akati kuna Matatiya, “Iwe uri mutungamiriri mukuru muguta rino iri uye uri munhu anoremekedzwa anotsigirwa navanakomana navakoma navanun'una.

18Saka chiuya iwe uve ndiwe wokutanga kuita zviri kudiwa namambo sezvakangoitwawo navamamwe marudzi vakasara Jerusaremu. Nokudaro iwe navanakomana vako munobva mazoverengwawo pakati peshamwari dzamambo. Uyezve iwe navanakomana vako mucharemekedzwa nokupiwa kwamuchaitwa sirivha nendarama nezvipo zvakawanda.”

19Asi Matatiya akapindura achiita zvokudaidzira achiti,

“Kunyange mamwe marudzi ose avanhu vari

kutongwa namambo vakamuteerera

vakazvisarudzira kuita zvaanenge ati iye

zviitwe mumwe nomumwe achisiyana

nechitendero chamadzibaba avo,

20asi ini navanakomana vangu navakomanavanun'una vangu tichatevedza

chitenderano chamadzibaba edu.

21Hazvifaniri kumbofa zvakaitika kuti

isu tisiyane nomutemo nemirao.

22Hatisi kuzomboteerera shoko ramambo

tichitsaukira uku kana uku pachitendero chedu.”

23Paakangopedza kutaura mazwi iwaya, mumwe muJudha akauya mberi vamwe vose vachiona kuzopira chibairo paatari muModheini imomo maererano nechirevo chamambo.

24Matatiya achizviona akavira neshungu zvikamushungurudza mumwoyo akakurirwa nehasha dzakarurama akamhanya akamuuraya paatari ipapo.

25Nguva yakareyo akabva aurayawo gurukota ramambo riya rainge richimanikidza vanhu kuita chibairo, akapazira pasi atari.

26Saizvozvo akatsva neshungu dzokuda mutemo saizvozvi izvi, sezvakaita Finehasi neshungu dzaakapedzera pana Zimuri mwanakomana waSaru.

27Matatiya akadaidzira muguta imomo achiita zvokushevedzera achiti, “Wose ane shungu dzokuda mutemo anotsigirana nechitenderano, ngaauye kuno tiende!”

28Iye navanakomana vake vakatizira kumakomo vakasiya zvose zvavaiva nazvo muguta.

29Aida kugara mugariro wakarurama neworuenzaniso, vazhinji, vakadzika kurenje kundogara ikoko,

30iye navana vake navadzimai nezvipfuwo zvavo pamusana pokuti vakanga vapinda parumano nepfumvu.

31Shoko rakandosvitswa munzeve dzamakurukota amambo nokuzvikwata zvavarwi muJerusaremu, Guta raDhavhidhi rokuti vanhu vaye vakaramba kuteerera chirevo chamambo, vakadzika kunzvimbo dzokuhwanda kurenje.

32Vanhu vakawanda vakavaronda vakavabata ndokudzika musasa wavo wamatendhe pakatarisana navo vachigadzirira zvokurwisana navo pazuva reSabata.

33Vakavati, “Zvakwana izvozvi. Chibudai muite zviri kunzi namambo zviitwe murarame.”

34Asi iye akati, “Hatisi kuzobuda kana kuzoita zvacho zviri kunzi namambo zviitwe tichiton'oresa zvedu zuva reSabata.”

35Vavengi vake vakabva vaita karikiriki kundomurwisa.

36Asi havana kana kumbomupindura kana kupotsera dombo zvaro kwaari kunyange kudzivira misuo yenzvimbo dzavainge vakahwanda

37nokuti vakazviti, “Regai tisve tafa zvedu tisina mhosva, denga napasi zvitipupurirewo kuti muri kutiuraya pasina mhosva.”

38Saizvozvo vakamurwisa pamusi weSabata vakafa ivo navakadzi vavo navana vavo nezvipfuwo zvavo vari chiuru chimwechete chavanhu.

Kuurayiwa kwevaJudha vasina kuda kurwisa pamusi weSabata

39Matatiya navamwe vake pavakazvinzwa vakavachema zvikurusa

40vakataurirana vachiti, “Tikaita zvaita hama dzedu izvi tikaramba kurwisa marudzi aya tichizvidzivirira upenyu nemirao yedu, vachatipedza kuti dhu panyika pasina nenguva yose.”

41Nezvo musi iwoyo vakabva vaita chibvumirano ichi chinoti,

“Wese anenge auya kuzotirwisa pamusi

weSabata, ngatimurwisei.

Hatifanire kuti tife sezvakaita hama

dzedu dzakafira zvadzo munzvimbo

dzavo dzokuhwanda.”

42Chimwe chikwata chinonzi chavaHasidhiya, mvumba chaidzo dzeIsiraeri dzokurwa hondo, dzakabatana navo pamwechete nomunhu wose akazvipira nokuda kwomutemo.

43Uye navose vakanga vatiza kupunyuka nhamo dzavo dzakanga dzavawira vakabatanawo navo votsigirana navo.

44Vakaronga hondo, nehasha dzavo idzodzo vakauraya vatadzi, nokutsamwa kwavo vakauraya vanhu vasina mutemo. Vakapunyuka rufu vakati ware kutizira kune vechirudzi kundopotera.

45Matatiya navamwe vake vakabvongodza nenyika vachipazira pasi dziatari.

46Vakomana vose vavaiwana munyika yeIsiraeri, vasina kudzingiswa, vaivadzingisa vachiita zvokumanikidza.

47Vakavhima tsvuuramuromo dzavanhu, zvavaiita izvozvi zvakabudirira.

48Vakanunura mutemo mumaoko mevechirudzi namadzimambo. Havana kuzombobvumidza kuti mutadzi asumudze musoro.

Rufu rwaMatatiya

49Zvino mazuva okuti Matatiya achifa akanga osvika, akazotaura kuvanakomana vake achiti,

“Mazuva ano kuzvikudza nokushora kwava kutowanda,

mazuva avanhu vasina hanya nomurau,

mazuva oumharadzi nehasha dzisina kunaka.

50Zvino vanangu itai shungu nomutemo

mupirire upenyu hwenyu chitenderano chamadzibaba edu.

51Rangarirai mabasa akaitwa namadzibaba,

muzvizvarwa zvavo vakazviwanira mukurumbira mukuru,

nezita rinogara nokusingaperi.

52Handiti Abhurahamu akaonekwa kuti akatendeka,

atombotanga aedzwawo zvikamuita

kuti anzi mururami?

53Josefi, panguva yake yenhamo

akachengeta mutemo,

akazova changamire weIjipiti

54Finehasi, baba vedu, pamusanawo

pokuti aiva munhu azere chaizvo neshungu,

akazviwanira upristi hwechitenderano chisina mugumo.

55Joshua, pamusana pokuita zvaakanga anzi aite,

akazova mutongi muIsiraeri.

56Karebhu, pamusanawo pokuti akapupura pachena,

pane gungano ravanhu, akazviwanira

nhaka munyika macho,

57kwouyawo Dhavhidhi, pamusanawo petsiye

dzake nyoro, akagara nhaka yechigaro

choumambo nokusingaperi.

58“Eriya, pamusana peshungu dzake nomutemo dzakadzama,

akatakurwa akaendwa naye kudenga.

59Hananiya naAzariya naMishaeri,

vakavimba naMwari vakanunurwa

murimi romoto.

60Dhanieri pamusanawo pokuti akanga ari

munhu asina chakaipa chaaiita, akanunurwa

mukanwa moshumba.

61Saka tarisai muone kuti pachizvarwa

nechizvarwa hapana akavimba naMwari akazoshaya simba.

62Musatye mazwi omutadzi

pamusana pokuti mbiri yake ichasanduka

kuva ndove nehonye.

63Nhasi angave nembiri asi mangwana kuvapo,

anenge asisipo nokuti anenge

adzokera kuvhu uye mano

ake anenge anyangarika.

64Vanangu tsungai mwoyo mukure makasimba pakuchengeta

mutemo nokuti,

mukadaro muchava nomukurumbira chaiwo.

65“Zvino chinzwai, mukoma wenyu uyu,

Simoni ndinomuziva kuti munhu

anoungwaru pakupa mazano,

muteererei nguva dzose.

Ndiye ava kuva baba kwamuri.

66Judhasi Makabheusi kubvira pauduku

hwake anga achingova mvumba yokurwa hondo,

ndiye achava mutungamiriri wehondo yenyu

kuti arwise vechirudzi ava.

67Munofanira kukokorodza vose vanochengeta

mutemo mutsividze zvakaipa zvakaitirwa vanhu venyu.

68Nyatsotsividzai zvizere marudzi aya

asi imi muchiteerera mutemo.”

69Akazovakomborera ndokubva

aendawo zvake kwakaenda vamwe kumadzibaba ake.

70Akazofa zvake ava nezana namakumi mana

amakore ana makore matanhatu,

akavigwa muguva ramadzibaba ake kuModheini.

Isiraeri yose yakamuchema zvakanyanya.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help