Jobhu 37 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Izvozvi zvinoita kuti

mwoyo wangu udedere

zvokutenge uchasvetuka panzvimbo pawo.

2Dotererai munzwe kutinhira kwezwi rake,

maungira anobva mumuromo wake,

3Anoati tupfunu nedenga rose,

nemheni yake inosvika kumativi ose enyika.

4Mushure mayo izwi rake rinotinhira

anoriridza nezizwi rake rinoremekedzwa

mheni haaidzore kana izwi rake ranzwika.

5Mwari anodzvova nezwi rinoshamisa.

Anoita zvishamiso zvatisingakwanisi kunzwisisa

6nokuti anoti chando ngachidonhe panyika

anotiwo kuhore kana mvura yokunaya

ngainaye zvine simba.

7Anombomisa vanhu mabasa amaoko avo

kuitira kuti munhu wose azive mabasa ake.

8Ipapo zvikara zvinotombopinda mumatanga azvo

zvichitombogara imomo mumapako azvo.

9Dutu remhepo rinobva kumaodzanyemba

nemhepo yechando inovhuvhuta ichibva kuchamhembe.

10Nezwi raMwari kunouya chando

mvura yakapararira inogwamba nokukurumidza.

11Anozadza makore makobvu nemvura

makorewo achiwadzura mheni uko nokoko.

12Makore anopidiguka-pidiguka

achipishinuka kuenda nerimwe divi

achitungamirirwa naMwari kuitira kuti

aite zvose zvaanenge ati aite

pasi pasi panogara vanhu.

13Anoita kuti zviitike kunyika yake,

iri shamhu kana mwoyochena wake.

14Teerera unzwe iwe Jobhu.

Dai ukamboti mirei urangarire

mabasa aMwari anoshamisa.

15Unoziva here kuti Mwari anoatonga sei

nokuita kuti mheni ipenye mumakore?

16“Unoziva here kuti makore anoyangarara

sei mudenga umu,

basa roruzivo ruzere rwaMwari.

17Iwe unodikitira muhembe dzako

pamusana pemhepo yokumaodzanyemba.

18Ungakwanise here iwe kuita zvaanoita

zvokutambanudza ziendanakuenda redenga,

rakaomarara sechiringiriro choutare

hwakaita zvokunyungurutswa?

19Chitiudza zvokumutaurira,

hapana chatinokwanisa kuronga

nokuda kwerima ratiri.

20Zvandinotaura handiti zvinosvitswa kwaari,

kungatova kuzvitsvagira kuparadzwa ikoko.

21Pane nguva dzokuti

cheidza chinenge chisingaoneki chakadzivirirwa namakore

kusvikira mhepo yapfuura ichiabvisa.

22Kuchamhembe kunobuda

ruvara runenge ndarama,

chiremera chinenge chiri chaMwari chinotyisa.

23Samasimba, asingabatiki,

ari pamusorosoro apo nesimba aine ruenzaniso,

noururami hwakawanda asina waanokanganisira.

24Ndokusaka vanhu vachimuremekedza

iyewo asingambotarisi zvake munhu anozvitora.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help