Muparidzi 4 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Udzvinyiriri, kushingairira nebasa, nokushaya shamwari

1Uyewo ndakazorangarirazve ndikaona kudzvinyirira kunoitwa pasi pedenga.

Panoti misodzi yokudzvinyirirwa kunoitwa vanhu

vasina anovanyaradza,

vanodzvinyirira vamwe zvakaipa ndivo vane masimba

vasina anovanyaradza.

2Ndakakungura kuti zvavo vakafa,

vakatofa kare vari nani zvavo

pane vapenyu, vachino upenyu.

3Asi ari nani kupinda vose vari vaviri

munhu asina zvake kumbovapo

asina zvake kumboona zviito zvakaipa

zvinoitwa pasi pedenga.

4Uyewo ndakaona kuti

kushingaira nebasa kose kunoitwa

nokubudirira kose kunoitwa

kunobva mumapitse

anoita munhu kune mumwe wake.

Kana izvozvi hazvinzwisisiki

uye kunongova kudzingirira mhepo.

5Benzi romunhu rinogara maoko

rigopera muviri nokuonda.

6Asi zviri nani kuva neruoko rumwechete runerunyararo

pane maoko maviri

ari kushingaira nebasa

achidzingirira zvawo mhepo.

7Panezvimwezve zvandakaonawo kuti hazvinzwisisiki pasi pedenga.

8Pangave nomunhu anongova oga, asina mwana kana munun'una asi asingazorore kushingaira nebasa maziso ake asingambogutsikani noupfumi hwake hwose nokuti haambozvibvunza kuti, “Ko wandiri kutamburira kudai ndiani ndichizvishaisa mufaro zvangu.” Izvozviwo izvi hazvinzwisisiki uye ibasa risina chinofadza mariri.

9Vanhu vaviri vari nani pane mumwechete, nokuti zvavanoita zvinobuda zvakanaka.

10Nokuti kana vakapunzika mumwe achasimudza mumwe wake; asi hamheno zvake anongova oga. Kana akawira pasi hapana anomusimudza.

11Chimwezve ndechokuti

vaviri vakarara pamwechete

vanodziirirwa.

Ko anenge ari oga anodziirwa sei?

12Munhu angagone zvake kukurira munhu ari oga

asi vaviri vanogona kumirisana naye.

Tambo yakakoswa netambo nhatu

haikurumidzi kudambuka.

Kusimudzirwa mune zvapasi hakuna maturo

13Zvirinani kuva munhu wechidiki asi ane ungwaru kupinda kuva mambo akwegura asi asina ungwaru asingagone kugamuchira mazano avamwe,

14angave zvake munhu akabva kujere achienda paumambo kana kunge akaberekwa ari murombo munyika yamambo wake.

15Ndakaona vose vapenyu vanofamba-famba pasi pedenga uyewo ndakaonawo mumwe wechidiki achitora nzvimbo yamambo

16achitungamirira vanhu vasingaverengeki kuwanda. Zvakadaro zvazvo vaizotevera mushure make havana kumufarira. Izvi hazvina maturo uye kunongova kudzingirira mhepo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help