Jobhu 31 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Mhosva ini handina

1Ini ndakatsidzira maziso angu

kuti haachazotarisa musikana ndichimuchiva.

2Pakadaro ndingawane mugove wei

kubva kuna Mwari kumusoro kana nhaka yangu,

kubva kuna Samasimba kumusoro.

3Handiti vasina kururama

vanowirwa here nenhamo

navaiti vezvakaipa vachiwirwawo nejambwa?

4Asi iye, handiti anoona magariro angu

achiverengawo nhanho dzangu dzose?

Kana ndakatadza ngandipiwe shamhu yezvizvi

5Dai kuri kuti ndakashamwaridzana nenhema

rutsoka rwangu ruchimhanyirirana nounyengedzi,

6Mwari ngaandiere muchikero chiri pachokwadi

achaziva kuzvibata kwangu.

7Kana ndakatsauka panzira

ndikatevera meso meso angu,

uye kana maoko angu anechakaipa chakanamirana nawo,

8pakadaro regai ndidyare

asi mumwe ave ndiye anochidya

uye mbeswa dzangu ngadzidzipurwe zvadzo.

9Kana ndakatorwa mwoyo nomumwe mukadzi

uye kana ndakamiramira pamusuwo womumwe wangu

10mudzimai wangu ngaanokuya mbeswa dzomumwe

atorwe zvake nomumwe murume.

11Nokuti ingadai iri mhaka yakaipisisa kwazvo.

Hungadai huri huipi hunofanira kurangwa navatongi.

12Ungadai uri moto unoparadza nokusingaperi

ungadai uchitopisa zvinhu zvangu zvose

kusvika pokupedzisira pazvo.

13Kana ndakaramba kunzwa chichemo

chomuranda wangu wechirume

kana wechikadzi chokundinyunyutira,

14ndinozoita sei kana Mwari asimuka,

kana wobvunza ndichamupindurei.

15Ko iye akandisika munhumbu

haasiriye akavasikawo here?

Akatisika tose, haasiriye mumwechete here?

16Kana ndarambira chaidiwa nomurombo

kana kudzimaidza chirikadzi,

17kana kudya ndoga mukonde

ndichinyima nherera

18nokuti kubvira pahuduku hwake

ndaimurera sababa

kubvirawo mudumbu mamai vake ndakamutungamirira.

19Dai kuri kuti ndakaona

munhu achiparara pamusana pokushaya hembe

kana kuti murombo asina chokupfeka

20kana kuti muviri wake

usina chaungati ngandikomborerwe nacho

pamusana pokumudziisa nemvere dzehwai dzangu.

21Kana dai kuri kuti ndakasimudza ruoko rwangu

kurwisana nenherera

ndichiziva kuti ndine simba padare,

22pakadaro bendekete rangu ngarikwachukire pasi

ruoko rwangu rwudambuke pamasanganirano arwo

23nokuti ndaitya nhamo yaizobva kuna Mwari

uye handaimbopamira noukuru hwake.

24Dai ndakaisa mwoyo wangu mundarama

kuti ndichiti ndarama ndiyo yondovimba nayo.

25Dai ndaifarisa pamusana pokuwanda kwoupfumi hwangu

kana kuti ndawana zvakawanda namaoko angu.

26Dai kuri kuti ndakatarisa zuva nezuva

ndakambotorwawo mwoyo

parino penya kana nemwedzi mukufamba kwawo kunoyevedza

27ndikatorwa mwoyo ndikazviombera muchivande

28chingadai chiri chitadzo chinofanira

kurangwa navatongi nokuti

ndingadai ndisina kutendeka kuna Mwari wokumusorosoro.

29Dai kuri kuti ndakafarira kuparara kwomuvengi wangu

kana kufara paainge awirwa nenhamo.

30Handina kurasa muromo ndichiti

dai awana chinomuwana.

31Pane womumusha mangu here akanga asingati,

Ndiani asina kumboguta nenyama yake?

32Hapana muenzi akamborara panze

mukova wangu waigara wakazurukira vaenzi.

33Dai kuri kuti ndakavigiridza uipi hwangu kuvanhu

nokuviga uipi hwangu mumwoyo

34pamusana pokutya uzhinji hwavanhu

kana kutya kushorwa nemhuri

zvokuti ndainyarara ndisingabudi mumba.

Shoko rokupedzisa kusimbisisa kuti havana mhosva

35Dai ndiine angandinzwewo zvake

ini ndasaina;

iye Samasimbaose ngaachindipindura;

mupomeri wangu ngaaite mhosva yangu yokunyora,

36ndingatoita yokutakura pafudzi,

ndaitosungirira mumusoro sendaza,

37ndaimurondedzera zvose zvandakaita,

ndaienda kwaari somuchinda.

38Kana kuri kuti nyika yangu yakachema neni

zvichibatsirana nemakoronga,

39kana ndakadya chayo pasina muripo

ndikakonzera rufu rwavaridzi vayo,

dai mukamera zvamo minzwa panze pekoroni

uye sora panze peBhari.

40Ndipo pakaperera Jobhu kutaura.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help