Sira 47 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Natani

1Mushure maSamueri makazomuka Natani

aiporofita panguva yaDhavhidhi.

Dhavhidhi

2Sokusarudzwa kunoitwa mafuta emanda apamupiro wokuwadzana.

Ndiko kusarudzwa kwakaitwa Dhavhidhi mukati mavaIsiraeri.

3Aitamba neshumba sembudzana,

aitamba nezvikara sehwayana dzomudanga.

4Handiti paujaya hwake akauraya gandanga

akanyadzurudza vanhu vokwake

akavheyesa ruoko rwake nedombo muchivhiriri

akakobora naro Goriati aizvitutumadza.

5Nokuti akachema kuna Tenzi Mwari Wokumusorosoro,

akasimbisa ruoko rwake rworudyi

kuti auraye murwi akanga akasimba,

achimutsazve simba ravaIsiraeri.

6Naizvozvo vakamurumbidzira zvuru zvake gumi,

vachimurumbidza pamusana pechikomborero chaMwari

paakazomupa chiremba choumambo chino mukurumbira,

7akauraya vavengi vake kumativi ose;

akatsakatisa vaFirisitiya, mhandu dzake

akaparadza simba ravo kusvikira pari nhasi.

8Muna zvose zvaaiita aitenda Anoera Wokumusorosoro

namashoko okurumbidza.

Aiimba nomwoyo wake wose,

uye aida musiki wake.

9Akasarudza vaimbi vaaiti vave pamberi peatari

kuti nemazwi avo vaimbe mumhanzi unotapira.

10Akaita kuti mazuva makuru ave akanakisisa

akaatemerawo nguva yaanofanira kuchengetwa

gore rose panenge pachirumbidzwa zita raMwari rinoera

Nzvimbo Inoera yaiunga kubvira mangwanani.

11Mwari akamuregerera zvitadzo zvake

akaitawo kuti simba rake

rirambe richingokura–kura nokusingaperi;

akatsidzirana naye chitenderano chezvoumambo,

omupa chigaro choumambo hwaIsiraeri chino mukurumbira.

Soromoni

12Mushure maDhavhidhi kwakauya mwana wake

mukomana akangwara

akagara akafaranuka pamusana pezvakaitwa nababa vake.

13Soromoni akatonga mumazuva orugare;

Mwari akaita kuti kumativi ose kuve norunyararo,

kuitira kuti iye Soromoni agone kumuvakira imba

yaaizoisa zita rake

achimugadzirira Nzvimbo Inoera yokugara nokugara.

14Mambo Soromoni, hakusiri kungwara kwakadaro

kwamakanga makaita muchiri muduku,

makanga makazara norunzwisiso kuti fasha sorwizi.

15Pfungwa dzenyu dzaisvika pasi pose,

makapazadza netsumo dzenyu uye namadimikira enyu.

16Mukurumbira wezita renyu

wakasvika kuzvitsuwa zviri kure

uye maidiwa pamusana porugare rwenyu.

17Dzimbo dzenyu netsumo nemienzaniso yenyu

uye mhinduro dzenyu zvaive zvinhu zvenyu zvinoshamisa

vanhu vapasi pose.

18Muzita raTenzi Mwari

anonzi Mwari weIsiraeri,

makaunganidza ndarama samarata,

nesirivha mukaiunganidza somutobvu zvawo.

19Asi makadzoka mopa muviri wenyu kuvanhukadzi,

mukava muranda pamusana pehavi dzomuviri wenyu.

20Makazviipisira zita,

mukan'oresa chizvarwa chenyu.

Naizvozvo makamutsira vana venyu hasha dzaMwari,

vakashatiriswa nokuzungaira kwenyu.

21Umambo hwenyu hwakabva hwakamurwa napakati,

zvokuti maEfuremu makazomuka umambo hwakapanduka.

22Asi Mwari haazombodzokera shure pamaitiro ake etsitsi,

kana kudzokera shure pane zvaanenge ataura.

Haaparadzi chizvarwa chomusarudzwi wake,

kana kutsakatisa chizvarwa chomunhu waimuda.

Saizvozvo akaita kuti kwaJakobho kuve nechitsama chakasara

akapawo Dhavhidhi mudzi wakatunga uchibva paari.

Rehobhoamu

23Soromoni paakandozorora namadzitateguru ake,

akasiya mumwe wavanakomana vake,

akanga ari zirema romunhu risinganzwisisi,

ndiye Rehobhoamu akazopandutsa vanhu

pamusana pezvaakatema kuti zviitwe.

Jerobhoami

24Jerobhoamu, mwanakomana waNebati,

akarunzirawo vaIsiraeri kuti vatadzire Mwari

akadzidzisa vokwaEfuremu nzira dzokutadzira Mwari nadzo.

Zvitadzo zvavo zvakaramba zvichingowanda,

zvikazoita kuti vadzingirwe kunze kwenyika yavo,

25nokuti vakatsvaga mitoo yose yokutadzira nayo, Mwari

Mwari akasvika pakuvaranga.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help