1Mushure maSamueri makazomuka Natani
aiporofita panguva yaDhavhidhi.
Dhavhidhi2Sokusarudzwa kunoitwa mafuta emanda apamupiro wokuwadzana.
Ndiko kusarudzwa kwakaitwa Dhavhidhi mukati mavaIsiraeri.
3Aitamba neshumba sembudzana,
aitamba nezvikara sehwayana dzomudanga.
4Handiti paujaya hwake akauraya gandanga
akanyadzurudza vanhu vokwake
akavheyesa ruoko rwake nedombo muchivhiriri
akakobora naro Goriati aizvitutumadza.
5Nokuti akachema kuna Tenzi Mwari Wokumusorosoro,
akasimbisa ruoko rwake rworudyi
kuti auraye murwi akanga akasimba,
achimutsazve simba ravaIsiraeri.
6Naizvozvo vakamurumbidzira zvuru zvake gumi,
vachimurumbidza pamusana pechikomborero chaMwari
paakazomupa chiremba choumambo chino mukurumbira,
7akauraya vavengi vake kumativi ose;
akatsakatisa vaFirisitiya, mhandu dzake
akaparadza simba ravo kusvikira pari nhasi.
8Muna zvose zvaaiita aitenda Anoera Wokumusorosoro
namashoko okurumbidza.
Aiimba nomwoyo wake wose,
uye aida musiki wake.
9Akasarudza vaimbi vaaiti vave pamberi peatari
kuti nemazwi avo vaimbe mumhanzi unotapira.
10Akaita kuti mazuva makuru ave akanakisisa
akaatemerawo nguva yaanofanira kuchengetwa
gore rose panenge pachirumbidzwa zita raMwari rinoera
Nzvimbo Inoera yaiunga kubvira mangwanani.
11Mwari akamuregerera zvitadzo zvake
akaitawo kuti simba rake
rirambe richingokura–kura nokusingaperi;
akatsidzirana naye chitenderano chezvoumambo,
omupa chigaro choumambo hwaIsiraeri chino mukurumbira.
Soromoni12Mushure maDhavhidhi kwakauya mwana wake
mukomana akangwara
akagara akafaranuka pamusana pezvakaitwa nababa vake.
13Soromoni akatonga mumazuva orugare;
Mwari akaita kuti kumativi ose kuve norunyararo,
kuitira kuti iye Soromoni agone kumuvakira imba
yaaizoisa zita rake
achimugadzirira Nzvimbo Inoera yokugara nokugara.
14Mambo Soromoni, hakusiri kungwara kwakadaro
kwamakanga makaita muchiri muduku,
makanga makazara norunzwisiso kuti fasha sorwizi.
15Pfungwa dzenyu dzaisvika pasi pose,
makapazadza netsumo dzenyu uye namadimikira enyu.
16Mukurumbira wezita renyu
wakasvika kuzvitsuwa zviri kure
uye maidiwa pamusana porugare rwenyu.
17Dzimbo dzenyu netsumo nemienzaniso yenyu
uye mhinduro dzenyu zvaive zvinhu zvenyu zvinoshamisa
vanhu vapasi pose.
18Muzita raTenzi Mwari
anonzi Mwari weIsiraeri,
makaunganidza ndarama samarata,
nesirivha mukaiunganidza somutobvu zvawo.
19Asi makadzoka mopa muviri wenyu kuvanhukadzi,
mukava muranda pamusana pehavi dzomuviri wenyu.
20Makazviipisira zita,
mukan'oresa chizvarwa chenyu.
Naizvozvo makamutsira vana venyu hasha dzaMwari,
vakashatiriswa nokuzungaira kwenyu.
21Umambo hwenyu hwakabva hwakamurwa napakati,
zvokuti maEfuremu makazomuka umambo hwakapanduka.
22Asi Mwari haazombodzokera shure pamaitiro ake etsitsi,
kana kudzokera shure pane zvaanenge ataura.
Haaparadzi chizvarwa chomusarudzwi wake,
kana kutsakatisa chizvarwa chomunhu waimuda.
Saizvozvo akaita kuti kwaJakobho kuve nechitsama chakasara
akapawo Dhavhidhi mudzi wakatunga uchibva paari.
Rehobhoamu23Soromoni paakandozorora namadzitateguru ake,
akasiya mumwe wavanakomana vake,
akanga ari zirema romunhu risinganzwisisi,
ndiye Rehobhoamu akazopandutsa vanhu
pamusana pezvaakatema kuti zviitwe.
Jerobhoami24Jerobhoamu, mwanakomana waNebati,
akarunzirawo vaIsiraeri kuti vatadzire Mwari
akadzidzisa vokwaEfuremu nzira dzokutadzira Mwari nadzo.
Zvitadzo zvavo zvakaramba zvichingowanda,
zvikazoita kuti vadzingirwe kunze kwenyika yavo,
25nokuti vakatsvaga mitoo yose yokutadzira nayo, Mwari
Mwari akasvika pakuvaranga.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.