Isaya 2 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Rugare runounzwa naMwari

1Zvinhu zvakaoneswa Isaya mwanakomana waAmozi zvakanangana nenyika yokwaJudha neguta reJerusaremu,

2Zvichazoitika pamazuva ari kuuya

kuti gomo reTemberi yaTenzi

richanyatsoti dzu-u

pamusoro pemamwe makomo

zvokupfuurira zvikomo kureba

marudzi ose achakotonokera kwariri;

3ndudzi dzavanhu dzisingaverengeki

dzichauyako dzichiti,

“Uyai tikwire kugomo raTenzi,

kuTemberi yaMwari waJakobho

atidzidzise nzira dzake

kuti tigofamba mumakwara ake.”

Ndinodaro nokuti muGomo reZioni

ndimo munobva mutemo

uye shoko raTenzi rinobva muJerusaremu.

4Achatonga marudzi ose evanhu

achienzanisa mhosva dzendudzi dzavanhu dzakawanda;

vachapfura mapakatwa avo

vachiaita miromo yemagejo,

mapfumo vachiaita majeko okupemhenesa.

Hakuna rudzi ruchazosimudzira

rumwe rudzi zvarwo bakatwa,

zvokudzidzisana kurwa hondo

pachange pasisina.

5Douyai nhaimi vemba yaJakobho

tifambe muchiedza chaTenzi.

Kuzvikudza kuchaparadzwa

6Chiripo ndechokuti imi makaramba vanhu venyu,

imba yaJakobho pamusana pokuti

mavari muzere vashoperi vokumabvazuva

nevanofembera namaminimini sevaFirisitia

uye vanotorovana zvavo maoko nevechirudzi.

7Nyika yavo izere nesirivha nendarama,

upfumi hwavo hauverengeki.

Nyika yakazara namabhiza,

ngoro dzavo dzehondo hadziverengeki.

8Nyika yavo izere zvifananidzo zvokunamata

vanopfugamira basa ravakaita namaoko avo

zvinhu zvavakaita ivo neminwe yavo.

9Ipapo munhu anoninipiswa,

munhu anodukupiswa.

Musavaregerere zvitadzo zvavo!

10Pindai mubako,

hwandai muvhu,

muhwande hasha dzaTenzi

muhwande mbiri youkuru hwake.

11Kutarisa kwomunhu

kune kuzvikudza mukati, kuchadukupiswa

kuzvikudza kwomunhu kuchininipiswa.

Tenzi ndiye chete acharumbidzwa musi iwoyo.

12Ndinodaro nokuti

Tenzi wehondo nehondo, ane zuva rake,

zuva raachaworora kudada kwose nokuzvikudza

achiwororawo zvose, manyawi nokuzvitutumadza.

13Zuva raachaworora miti

yose yemisidhari yokuRebhanoni

ina manyawi, inozvitutumadza

achiworora miti yose yemioku yokuBhashani

14achiwororawo makomo marefu ose

nokuworora zvikomo zvose zvakati dzu-u kumira.

15Achaworora nharire ndefu yose yose

nokuwororawo guta rose rakavakirwa netsvingo

16achiworora ngarava dzose dzokuTarishishi

kuworora zvinhu zvose zvinoyevedza

zvakaitwa noumhizha.

17Kuzvikudza kwomunhu kuchaninipiswa

kuzvitutumadza kwomunhu kuchadukupiswa

Tenzi ndiye chete acharumbidzwa musi iwoyo.

18Zvezvifananidzo zvokunamata izvi

zvichanyatsopera.

19Vanhu vachapinda mumapako ematombo

nomuninga dzepasi apa

vachihwanda kutyisa kwaTenzi

nokuhwanda mbiri youkuru hwake

paachasumukira nyika kuzoidederesa.

20Musi iwoyo vanhu vacharasa

zvifananidzo zvavo zvokunamata zvesirivha

nezvifananidzo zvavo zvokunamata zvendarama

zvavakanga vazvigadzirira kuti vapfugamire

vachizvirasira kunhuta nokuturemwaremwa

21kuti vapinde mumapako amatombo

nomumitswe yamazitombo

vohwanda kutyisa kwaTenzi

vachihwanda mbiri youkuru hwake

paachasumukira nyika kuzoidederesa.

22Siyanai nomunhu anongovawo zvake

nemweya wokufema mumhuno

nokuti chii chaari chaicho?

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help