1“Mwari wamadzitateguru angu, Tenzi wetsitsi,
imi makasika zvinhu zvose nezwi renyu,
2imi noungwaru hwenyu, makasika kuti munhu
ave noutongi hwezvisikwa zvose zvamakaita,
3uye kuti atonge pasi pose noutsvene noururami,
uye kuti kutonga mhosva ari pachokwadi,
4ndipeiwo ungwaru hunogara nemi
pachigaro chenyu choumambo,
musandibvisewo mukati mavaranda venyu.
5Inga ndiri muranda wenyu wani
mwanakomana womurandakadzi wenyu
ini ndonda zvayo inoupenyu upfupi,
munhu asinganzwisisi ruenzaniso nemitemo,
6kunge dare kuti
munhu akauwana
pakati pavanhu
iye asina ungwaru hunobva kunemi,
anoonekwa somunhu pasina.
7Ndimi makandisarudza
kuti ndive mambo wavanhu venyu,
kuti nditonge vana venyu
vakomana navasikana.
8Ndimizve makati temberi ivakwe
pamusoro pegomo renyu
rinoera, uye kuti pavakwe atari
muguta ramunogara
mufananidzo wetendhe iya inoera
yamakagadzirira kubva pakutanga.
9Imi ndimi mune ungwaru,
hunoziva mabasa enyu,
hwakanga huripo pamaisika pasi pose;
hunoziva chinokufadzai,
nechinopindirana nemitemo yenyu.
10Hutumirei kwandiri
kubva kumatenga enyu anoera;
uye kubva pachigaro chenyu chembiri,
hutumei huzova neni, hushande neni,
kuti ndizive zvinokufadzai
11nokuti ihwo hunoziva zvose,
uye hunonzwisisa zvose.
Huchanditungamirira nouchenjeri
mune zvandinoita,
huchindivhenekera nokupenya kwokuvapo kwahwo.
12Naizvozvo zviito zvangu
zvichave zvinogamuchirika.
Ndichatonga vanhu venyu noruenzaniso,
ndichazokodzerana nechigaro
choumambo chababa vangu.
13“Ndiani angazive zano raMwari?
Ndianiwo zvake angabate zvinodiwa naTenzi?
14Nokuti kufunga kwedu vanhu hakuna maturo,
uye mazano edu nezvirongwa zvedu zvinokundikana;
15nokuti muviri unofa unoremera mweya,
tendhe rakaumbwa nevhu
rinoremedza pfungwa inofunga.
16Hatitomboziva zvinhu zviri pasi pano sezvazviri,
kanawo zviri padyo totoshingaira
kuti tizviwane,
ko, kutozoti zviri kudenga,
ndiani angagone kuzvitsvaga akazviwana?
17Zano renyu ndiani ati aridzidza,
kusatoti mamupa ungwaru,
muchimutumira mweya wenyu anoera
anobva kudenga?
18Uku ndiko kuraramiswa
kwakaitwa makwara avanhu vapasi pano,
vakadzidziswa zvinokufadzai
vachizoponeswa noungwaru.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.