1Remekedza murapi pamusana
pebasa rake kwauri.
Nokuti naiyewo akasikwa naMwari.
2Kurapa kunobva
kuna Wokumusorosoro,
kwakafanana nechipo chinobva kuna mambo.
3Ruzivo rwomurapi runomuita kuti ave munhu anokudzikana,
kunyange pana vakuru vakuru anoremekedzwa.
4Mwari akasika miti yokurapisa ichibva muvhu,
munhu anofunga haamboishora.
5Handiti zvakaitika kuti
kamuti kakapindura mvura ikava inonwika,
zvikaonesa simba raMwari?
6Mwari akapa vanhu ruzivo rwezvemishonga,
kuitira kuti vagomurumbidza
pamusana pamabasa ake anoshamisa.
7Murapi anorapa nemiti, uye, anonyaradzisawo nayo
kurwadza kwechirwere;
magodobori emishonga anoziva kuisanganisa.
8Izvi zvinotaura kuti Mwari haazorori kuita basa rake,
ndiye anoita kuti utano huve pasi pose.
9Mwanangu, kana wava kurwara usaore mwoyo
namata kuna Mwari iye achakurapa.
10Siyana nezvakaipa zvako, uite zvakanaka,
shambidza mwoyo wako zvitadzo zvose.
11Pira mupiro wako wechibairo chinonhuwirira
nomupiro wechirango woupfu hwekoroni
hwakanyatsokuiwa udire mafuta pamupiro wako
uchipira zvakawanda sokugona kwako
12wozobva woti murapi achirapa zvake,
nokuti naiyewo akasikwa naMwari,
asasiyane newe,
nokuti unoda rubatsiro rwake.
13Dzimwe nguva upenyu hwomurwere huri mumaoko avarapi,
14nokuti naivowo vanoteterera kuna Mwari
kuti avabatsire kuona chirwere, vagorapa murwere
kuitira kuti vachengetedze upenyu
vamurape agorarama.
15Munhu anotadzira Musiki wake achiona,
angaende here chokwadi kundozviisa mumaoko omurapi?
Kuchema vafi16Mwanangu, buritsa zvako misodzi uchichema munhu afa.
Ungudza zvako uchiratidza kubayiwa mwoyo,
ugozobva wofukidza mufi nefuko sezvaanokodzera,
usarege kumuviga.
17Buritsa misodzi uchitambura, ucheme nomwoyo wose,
uye, chengeta mazuva okuchema mufi, zvina maererano
nokuremekedzwa kwaunofanira kuitwa,
ringave rimwechete, kana maviri, kuti kutsoropodza
kusavepo ugozobva wozvinyaradza mukusuwa kwako.
18Kusuruvara kunogona kuuraya munhu,
uye, kurwadziwa mwoyo kunopedza simba.
19Shungu dzokuchema ngadzipere nokuvigwa kwomufi,
nokuti kugara uchichema kunopedza munhu.
20Mwoyo wako ngauchirega kuramba uchafunga nhamo,
dzingira kure pfungwa idzodzo, ugoyeukawo
maperero anoita upenyu.
21Usakanganwe kuti hakuendwi kuchidzokwa
chaunobatsira akafa apa nazvo hapana, chako iwe ipapa
kuzvikuvadza kwoga.
22Yeuka kuti nzira yandakatarirwa
ndiyo yauchatarirwawo
nhasi ndezvangu mangwana zvichakuwanawo.
23Kana akafa aradzikwa, pfungwa dzokumufunga
ngadzichigumawo.
Kana mweya wake wabuda iwe chizvidzora mwoyo.
Kubatikana nebasa roumhizha24Muzivisisi wamabhuku anowana ungwaru nokuti ane nguva;
munhu asingawandirwi namabasa amaoko anova mungwaru.
25Mubati wegejo angave mungwaru sei?
Rufaro rwake ruri pachihwepu,
anochaira nzombe dzake asingasiyani nadzo,
haana chaanotaura asi zvenzombe bedzi.
26Pfungwa yake inongova yemiforo yaanoita;
kana kwadoka anoshayiswa hope nokukodza matsiru ake.
27Ndizvowo zvinoita mhizha yose
nomusevenzi, kushanda siku nesikati.
Vane basawo rokunyerenyeta micherechedzo patutombo
twetudhindo nokuvavarira kwazvo kuita micherechedzo
yakasiyana–siyana.
Vanoisa mwoyo yavo pabasa kuti mufananidzo ubude
wakatodzana nechinhu sezvachiri
achishayiswa hope achida kunyatsoupedzisa.
28Ndizvowo zvino mupfuri ari pachido,
ari mukupfura utare
anofunga zvaachaita nesimbi.
Anobvuraudzwa nomoto,
achitumhiswa nokupisa kwevirira romoto.
Kunyaudza kwenyundo kunomudzivira nzeve,
maziso ake ari pachifananidzo chaanenge achida kupfura.
Anoisa mwoyo wake pabasa kuti aripedze,
anoshaiswa hope achiedza kunyatsoripedzeredza.
29Ndizvowo zvino muumbi wehari, agere pabasa rake,
tsoka dzake dzichitenderedza
chigadzikiro chokuumbira hari.
Pfungwa dzake dzinenge dziri pabasa rake chete.
Zvose zvaanoita zvinenge zvakafanorongwa
anoumba namaoko ake.
30Ruoko ndirwo runoita kuti
kubude hari ine chimiro chakati,
asi tsoka ndidzo dzinenge dzichifambisa chigadzikiro.
Anoisa mwoyo wake pabasa kuti anyatsotsvenenzvera hari,
ozorara achenesa bisiro rehari.
31Vose, ivava chavanovimba nacho, maoko avo;
mumwe nomumwe ano umhizha hwebasa rake.
32Pasina ivo hakuna maguta angavepo,
kana venzendo navagari vamaguta pangadai pasina.
33Asi kana kuchinzi ngakugarwe dare ravanhu
havatsvagwe kuti vavepo.
Havana zvigaro zvapamusoro padare.
Havasiri vatongi vemhosva,
uye, havana unyanzvi hwezvoMutemo.
Kana chirango chinopiwa havachinzwisisi.
Havakwanisi kutaura nezvemitemo yokuzvibata
kana kuenzanisa mhosva,
kutaura netsumo hakusi kwavo
34asi ndivo vokutsigisa mabasa apasi pose,
uye, chavanonamatira umhizha hwavo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.