Sira 38 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Murapi nomurwere

1Remekedza murapi pamusana

pebasa rake kwauri.

Nokuti naiyewo akasikwa naMwari.

2Kurapa kunobva

kuna Wokumusorosoro,

kwakafanana nechipo chinobva kuna mambo.

3Ruzivo rwomurapi runomuita kuti ave munhu anokudzikana,

kunyange pana vakuru vakuru anoremekedzwa.

4Mwari akasika miti yokurapisa ichibva muvhu,

munhu anofunga haamboishora.

5Handiti zvakaitika kuti

kamuti kakapindura mvura ikava inonwika,

zvikaonesa simba raMwari?

6Mwari akapa vanhu ruzivo rwezvemishonga,

kuitira kuti vagomurumbidza

pamusana pamabasa ake anoshamisa.

7Murapi anorapa nemiti, uye, anonyaradzisawo nayo

kurwadza kwechirwere;

magodobori emishonga anoziva kuisanganisa.

8Izvi zvinotaura kuti Mwari haazorori kuita basa rake,

ndiye anoita kuti utano huve pasi pose.

9Mwanangu, kana wava kurwara usaore mwoyo

namata kuna Mwari iye achakurapa.

10Siyana nezvakaipa zvako, uite zvakanaka,

shambidza mwoyo wako zvitadzo zvose.

11Pira mupiro wako wechibairo chinonhuwirira

nomupiro wechirango woupfu hwekoroni

hwakanyatsokuiwa udire mafuta pamupiro wako

uchipira zvakawanda sokugona kwako

12wozobva woti murapi achirapa zvake,

nokuti naiyewo akasikwa naMwari,

asasiyane newe,

nokuti unoda rubatsiro rwake.

13Dzimwe nguva upenyu hwomurwere huri mumaoko avarapi,

14nokuti naivowo vanoteterera kuna Mwari

kuti avabatsire kuona chirwere, vagorapa murwere

kuitira kuti vachengetedze upenyu

vamurape agorarama.

15Munhu anotadzira Musiki wake achiona,

angaende here chokwadi kundozviisa mumaoko omurapi?

Kuchema vafi

16Mwanangu, buritsa zvako misodzi uchichema munhu afa.

Ungudza zvako uchiratidza kubayiwa mwoyo,

ugozobva wofukidza mufi nefuko sezvaanokodzera,

usarege kumuviga.

17Buritsa misodzi uchitambura, ucheme nomwoyo wose,

uye, chengeta mazuva okuchema mufi, zvina maererano

nokuremekedzwa kwaunofanira kuitwa,

ringave rimwechete, kana maviri, kuti kutsoropodza

kusavepo ugozobva wozvinyaradza mukusuwa kwako.

18Kusuruvara kunogona kuuraya munhu,

uye, kurwadziwa mwoyo kunopedza simba.

19Shungu dzokuchema ngadzipere nokuvigwa kwomufi,

nokuti kugara uchichema kunopedza munhu.

20Mwoyo wako ngauchirega kuramba uchafunga nhamo,

dzingira kure pfungwa idzodzo, ugoyeukawo

maperero anoita upenyu.

21Usakanganwe kuti hakuendwi kuchidzokwa

chaunobatsira akafa apa nazvo hapana, chako iwe ipapa

kuzvikuvadza kwoga.

22Yeuka kuti nzira yandakatarirwa

ndiyo yauchatarirwawo

nhasi ndezvangu mangwana zvichakuwanawo.

23Kana akafa aradzikwa, pfungwa dzokumufunga

ngadzichigumawo.

Kana mweya wake wabuda iwe chizvidzora mwoyo.

Kubatikana nebasa roumhizha

24Muzivisisi wamabhuku anowana ungwaru nokuti ane nguva;

munhu asingawandirwi namabasa amaoko anova mungwaru.

25Mubati wegejo angave mungwaru sei?

Rufaro rwake ruri pachihwepu,

anochaira nzombe dzake asingasiyani nadzo,

haana chaanotaura asi zvenzombe bedzi.

26Pfungwa yake inongova yemiforo yaanoita;

kana kwadoka anoshayiswa hope nokukodza matsiru ake.

27Ndizvowo zvinoita mhizha yose

nomusevenzi, kushanda siku nesikati.

Vane basawo rokunyerenyeta micherechedzo patutombo

twetudhindo nokuvavarira kwazvo kuita micherechedzo

yakasiyana–siyana.

Vanoisa mwoyo yavo pabasa kuti mufananidzo ubude

wakatodzana nechinhu sezvachiri

achishayiswa hope achida kunyatsoupedzisa.

28Ndizvowo zvino mupfuri ari pachido,

ari mukupfura utare

anofunga zvaachaita nesimbi.

Anobvuraudzwa nomoto,

achitumhiswa nokupisa kwevirira romoto.

Kunyaudza kwenyundo kunomudzivira nzeve,

maziso ake ari pachifananidzo chaanenge achida kupfura.

Anoisa mwoyo wake pabasa kuti aripedze,

anoshaiswa hope achiedza kunyatsoripedzeredza.

29Ndizvowo zvino muumbi wehari, agere pabasa rake,

tsoka dzake dzichitenderedza

chigadzikiro chokuumbira hari.

Pfungwa dzake dzinenge dziri pabasa rake chete.

Zvose zvaanoita zvinenge zvakafanorongwa

anoumba namaoko ake.

30Ruoko ndirwo runoita kuti

kubude hari ine chimiro chakati,

asi tsoka ndidzo dzinenge dzichifambisa chigadzikiro.

Anoisa mwoyo wake pabasa kuti anyatsotsvenenzvera hari,

ozorara achenesa bisiro rehari.

31Vose, ivava chavanovimba nacho, maoko avo;

mumwe nomumwe ano umhizha hwebasa rake.

32Pasina ivo hakuna maguta angavepo,

kana venzendo navagari vamaguta pangadai pasina.

33Asi kana kuchinzi ngakugarwe dare ravanhu

havatsvagwe kuti vavepo.

Havana zvigaro zvapamusoro padare.

Havasiri vatongi vemhosva,

uye, havana unyanzvi hwezvoMutemo.

Kana chirango chinopiwa havachinzwisisi.

Havakwanisi kutaura nezvemitemo yokuzvibata

kana kuenzanisa mhosva,

kutaura netsumo hakusi kwavo

34asi ndivo vokutsigisa mabasa apasi pose,

uye, chavanonamatira umhizha hwavo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help