1Pavakati vapedza kudya nokunwa nguva yokundorara yava kuda kusvika, jaya riya rakabviwa naro mumba mokudyira rikaendwa naro mumba mokurara.
2Tobhiya akayeuka zano raakapiwa naRafaeri akaenda kuhomwe yake akatoramo mwoyo nechiropa chehove iya akaisa tunhindi twaizvozvi izvi parusenzi rwaitsva.
3Utsi hwehove iyi hwakanhuhwira dhimoni, iro ndiye hutu kutizira kuIjipiti nomumhepo. Rafaeri akarironda ikoko akabva angosvikorisunga mbira dzakondo.
4Izvozvo vabereki vakanga vabuda zvavo vasiya vapfiga gonhi. Tobhiya akamuka pamubhedha akati kuna Sara, “Muka hanzvadzi! Iwe neni tinofanira kunamata tichikumbira Tenzi kuti atinzwirewo nyasha atidzivirirewo.”
5Sara akasimuka, vakabva vatangisa kunamata kuti vadzivirirwe. Tobhiya akatanga achiti,
“Ngaarumbidzwe Mwari wamadzibaba edu
zita renyu ngarirumbidzwe
narini narini wose.
Matenga ngaakurumbidzei
pamwechete nezvose zvamakasika, nokusingaperi.
6“Ndimi makasika Adhamu
ndimizve makasika Evha mukadzi wake
kuti ave mubatsiri nomutsigiri wavo
rudzi rwavanhu rukabva pavaviri ivava.
Imi ndimi makati,
‘hazvina kunaka kuti munhu agare ari oga
ngatimusikirei mubatsiri akafanana naye.’
7Saizvozvowo ini handizi kuwanana
nehanzvadzi yangu iyi pamusana,
pehavi dzomuviri wangu.
Ndiri kuzviita ndine chinangwa kwacho.
Tiitireiwo tsiye nyoro munzwire tsitsi mukadzi uyu,
neniwo, mutisvitsewo pakutochembedzana tiri tose.”
8Vose vakati pamwechete, “Ameni! Ngazvive saizvozvo,”
9ndokubva varara zvavo usiku ihwohwo. Asi Ragueri akamuka akadaidza vashandi vake vakauya vakamubatsira kuchera guva.
10Ragueri akanga achizviti, “Dai matenga angorega kuti afe! Tinganyarire kupi nokushorwa.”
11Pakapera guva kucherwa, Ragueri akadzokera kumba ndokudaidza mudzimai wake
12akati, “Tuma musikana kumba uku kundoona kuti Tobhiya achiri mupenyu here nokuti kana afa tingangomuviga pasina mumwe azviziva.”
13Musikana wacho akadaidzwa, rambi rikabatidzwa, gonhi rikazururwa musikana ndokupinda. Akasvikowana vaviri ava vakatofa zvavo nehope.
14Akabuda akaita kazevezeve kuvataurira achiti, “Haana kufa makanaka umu.”
15Ragueri akarumbidza Mwari Wedenga achiti,
“Ngaarumbidzwe Mwari wangu
nokurumbidzwa kwose kutsvene
dai mukangorumbidzwa zvenyu nokusingaperi.
16Ngaarumbidzwe pamusana pokuti
ndiye akaita kuti ndifare.
Zvandaitya hazvina kuitika,
asi makatotiitira ngoni dzisingatauriki.
17Munofanira zvenyu kurumbidzwa
nokuti makaitira tsiye nyoro
mwanakomana uyu anongova
ndiye oga mwana mumba mavo
nomwanasikana uyu anongovawo
ndiye oga mwana mumba mavo.
Changamire, vanzwireiwo nyasha muvadzivirire
muite kuti upenyu hwavo
vachingova mukufara nomunyasha.”
18Akati vashandi vake vafushire guva racho kusati kwaedza.
19Akati mudzimai wake aite mabiko chaiwo okudya. Ragueri akaenda kudanga rake rezvipfuwo akadzoka nenzombe mbiri nehwayana ina akati dzibikwe ndokubva kugadzirira kwatanga.
20Akazodaidza Tobhiya akati, “Zvokuti ubve pano kusati kwapera masvondo maviri, handidi kumbozvinzwa. Pauri pano ndopauchatombogara uchidya uchinwa zvako neni uchifadza mwanasikana wangu mushure memadzudzo ake ose.
21Shure kwaizvozvo ndopaunozotora zvako chikamu chepakati napakati chezvandinazvo zvose uende nazvo zvako pasina zvokukwereta, kana chimwe chinokudzivisa wodzokera zvako kuna baba vako. Kana ini nomudzimai wangu tazofao, iwe unozotorazve chimwe chikamu chacho. Tsunga mwoyo mwanangu! Ndiri baba vako, Edhina ndimai vako. Ramangwana tiri vabereki vako sezvatiri kune hanzvadzi yako. Tsunga mwoyo mwanangu.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.