1Shoko iri nderechokwadi rinoti kana munhu akavavarira kuva mubhishopi ari kuda basa rakakosha kwazvo.
2Mubhishopi haafaniri kuva nechaanoshorwa nacho. Anofanira kuva murume womukadzi mumwechete asiri muraradzi, munhu anonzwisisa ane chiremera anoziva kugamuchira vaenzi uye mudzidzisi kwaye;
3asi chidhakwa chomunhu kana munhu anoda zvokurwa asiri munhu ane mwoyo munyoro kwete munhu wenharo kana anokarira mari.
4Anofanira kuva munhu anofambisa mhuri yake zvakanaka ana vana vanoteerera, ano rukudzo muna zvose.
5Zviripo ndezvokuti kana munhu asingazivi kufambisa mhuri yake, angachengete sei sangano raMwari.
6Haafaniri kuva mutendi mutsva nokuti angadaro akazvitutumadza nokuzvikudza achizowana chirango chaDhiabhori.
7Uyewo anofanira kuva nezita rakanaka kune vokunze angadaro akafumurwa akapinda muriva raDhiabhori.
Madhikoni8Ndizvo zvimwechetezvo navaDhikoni, vanofanira kuva vanhu vakadzikama kwete tsukukuviri dzavanhu kana zviradza zvewaini kana vanhu vanokarira upfumi.
9Vanosungirwa kuchengetedza zvakavandika zvechitendero nehana yakachena
10uye ngavatange vaongororwawo. Kana vabudirira kuti havana chinoshoreka vangapinde zvavo mubasa roudhikoni.
11Vakadziwo ngavave vakatsiga vasina makuhwa vasiri zvidhakwa, vakatendeka muna zvose.
12Madhikoni anofanira kuva murume womukadzi mumwechete uye vanhu vanochengeta vana vavo nemhuri dzavo zvakanaka.
13Avo vanoita basa ravo zvakanaka samadhikoni vanozviwanira zita rakanaka uye chivimbo chikuru muchitendero chavo muna Kristu Jesu.
Chakavandika chikuru chakazoburitswa pachena14Ndiri kukunyorera tsamba iyi ndichitarisira kuuya kwauri nokukurumidza.
15Asi kana ndikanonotswa, iwe unenge waziva kuti munhu anofanira kuzvibata sei mumhuri yaMwari, iro sangano raMwari mupenyu, musimboti nehwaro hwaicho chokwadi.
16Tinopupura kuti zvakavandika zvechitendero chedu zvikuru kwazvo zvokuti:
akaonekwa akaratidzwa pachena aine muviri
akapembedzwa naMweya
akaonekwa navatumwa
akaparidzwa kumarudzi
akatendwa pasi pose
akazokwira kudenga aine mbiri.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.