Hosea 4 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Tenzi ane mhosva yaari kupa vaIsiraeri

1Chinzwai munzwe shoko raTenzi,

“Imi vanhu veIsiraeri,

nokuti Tenzi ane mhosva yaari kupa

imi vagari venyika ino,

pamusana pokuti

chokwadi hapasisina,

mwoyo wakanaka hapasisina,

kana kuziva Mwari chaiko

hapasisina munyika'mu.

2Kupika nhema nokureva nhema

nokuuraya, nokuba nokuita upombwe,

uye utsinye husina muganhu,

uyezve kuuraya kusina magumo.

3Ndokusaka nyika ichichema kudai,

vosewo vagere mairi, vapera simba,

uyewo mhuka dzesango

neshiri dzedenga

kunyange hove dzegungwa

dzichabviswa.”

Tenzi anotaurira vapristi zvitadzo zvavo

4“Asi zvokupomerana mhosva

regai zvenyu kupomerana,

kana kutsoropodzana

nokuti chaiye wandinopa mhosva

ndiwe iyewe mupristi.

5Uchadzadzarika masikati machena

muporofitawo achadzadzarika

pamwechete newe nousiku.

Ndichaparadza Isiraeri amai venyu ivavo.

6Vanhu vangu vaparara

nokushaya ruzivo

pamusana pokuti

iwe wakaramba ruzivo,

iniwo ndinokuramba

kuti uve mupristi kwandiri.

Pamusana pokukanganwa

kwawakaita mutemo waMwari wako,

iniwo pachangu

ndichakanganwawo vana vako.

7“Sokuwanda kwamakaita, imi vapristi

ndokuwandawo kwakaita zvitadzo zvenyu kwandiri.

Mhiri yenyu ndichaisandura ndikaiita nyadzi.

8Zvitadzo zvavanhu vangu

ndizvo zvinokuraramisai

ndokusaka muchitosuwira kuti

dai zvitadzo zvatonyanya kuwanda.

9Sezvinenge zvaita mupristi

ndizvowo zvichange zvakaita vanhu

ndichakurangirai maitiro enyu

ndichatsividza zviito zvenyu.

10Kudya, muchadya zvenyu

asi musingaguti,

zvoufeve izvi muchiita

asi pasina vana vanoberekwa

nokuti makafuratira Tenzi

muchifarira ufeve.

Kunamata zvifananidzo imhosva kuna Mwari

11“Waini newaini itsva

zvinotora vanhu mwoyo.

12Vanhu vangu vanondobvunzira

kuchinhu chechimuti zvacho

mudonzvo wavo uriwo

unovaitira maminimini,

nokuti mweya woupfambi

wakavateteretsera mutome.

Vanosiya Mwari wavo

vachienda kundoita zvoufeve.

13Zvavanoita zvacho ndezvokuti,

vanondopira zvibayiro

pamusoro pamakomo

vachipira mipiro

pamusoro pezvikomo

pasi pemuoku nomupopura

nomuti womuterebhini

nokuti mumvuri wayo wakanaka.

“Ndokusaka vanasikana venyu

vachiita zvavo upfambi,

varoorawo venyu

vachiita zvavo upombwe.

14Handisi kuzoranga vanasikana venyu

ivo vanoita upfambi vacho

kunyange ivo varoora venyu

vacho vanoita upombwe

nokuti varumewo pachavo

vanotsaukawo nepfambi.

Vanopirawo zvibayiro

pamwechete nemhombwe

kana zvifeve zvetemberi.

Zvino vanhu vasinganzwisisi

vachasvika mukuparara.

15“Iwe Isiraeri

kunyange zvazvo uchiita ufeve

vokwaJudha ngavarege

kubatwa mumhosva idzodzo.

Ngavarege kundopira kuGirigari

kana kukwira kuBhetiavheni

kunyange kupika vachiti,

‘NaTenzi chaiye mupenyu.’ ”

16Isiraeri itsvuura muromo chaiyo,

tsiru zvaro risingabatiki,

pakadaro, Tenzi ndipo paangavafudze here

sehwayana zvadzo

dziri mumafaro akafara?

17VokwaEfuremu vapindwawo

nomweya wokunamata zvifananidzo,

varegei vakadaro.

18Chikwata zvacho

chezvidhakwa zvavanhu

vanongoda zvoufeve.

Vanotorwa mwoyo chaizvo

nezvinhu zvakafumuka

kutodarika chaizvo kuda kwavanoita

zvinhu zvinovapa chimiro.

19“Vapindwa nomweya iwoyu unovatututsa,

zvezvibayiro zvavo izvozvi zvichavanyadzisa.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help