Ungwaru 16 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

VaIjipiti navaIsiraeri: Mhuka dzaiuraya neshiri dzaiponesa

1Naizvozvo vanhu ivava

vakarangwa zvinokodzerana navo,

vachirangwa nezvipuka zvakaita saizvozvo

vachitambudzwa nebvakanyira rezvipukanana.

2Panze pokuranga vanhu venyu

makatovaratidza mwoyo wakanaka.

Makavapa zvihuta kuti vadye,

manyautsamukanwa chaiwo kunaka.

3Asi vamwe ava pavainge voda kudya,

vaisvipa mwoyo nokusemeswa nezvipukanana

zvakatumwa kwavari.

Asi vanhu venyu vakangoti shayei

chokudya kwakanguva kadiki

vakazodya dapurahunanzva chairo.

4Zvakanga zvakafanira kuti

vanhu ava vakanga vachidzvinyirira vanhu

vanzwiswe nenzara.

Asi kuvanhu venyu makangovaratidza zvenyu

kuti vavengi vavo varwadziswa zvakadii.

VaIjipiti navaIsiraeri: Hwiza nenyoka yendarira

5Zviya vanhu venyu zvavakavingwa nezvikara zvinotyisa,

vachifa nokurumwa nenyoka dzinozvongonyoka,

hamuna kuzoramba makashatirirwa

kusvikira pokupedzisira.

6Vakatambudzika kwechinguva sokuvayambira chete

vakawana kununurwa kwechipameso

kuvayeuchidza zvinonzi nomutemo wenyu vaite,

7nokuti ani naani ainge achitarisa aibva aponeswa,

haaiponeswa nechaaitarisa chacho

asi kuti nemi pachenyu,

Muponesi wavanhu vose.

8Nokuita ikoku makasakisa kuti

vavengi vedu vabvume kuti

imi ndimi munonunura vanhu pauipi hwose,

9nokuti ivo vaifa nokurumwa nehwiza nenhunzi,

chokuvarapa pasina,

nokuti vaikodzera kurangwa

nezvinhu zvakadai.

10Asi vana venyu havana kukurirwa

kana namazino enyoka dzino uturu

nokuti tsitsi dzenyu dzakavabatsira dzikavaponesa.

11Vairumwa kuti vayeuke

zvamakanga mavataurira,

asi vaizokurumidza zvavo kuponeswa,

kuitira kuti vangadaro vakati

tiya tiya kukanganwa,

vasisasimuki vasisatirimuki kumwoyochena wenyu.

12Hausi muti, kana mushonga wokuzora waivarapa,

asi izwi renyu, Tenzi, rinoporesa vanhu vose.

13Imi mune simba roupenyu norufu,

munodzikisa munhu kumusuo wenzvimbo yavakafa,

muchimudzosazve.

14Munhu nouipi hwake

anogona zvake kuuraya munhu

asi haakwanisi kudzosera

mweya kana waenda,

haagonizve kusunungura mweya

wapinda muusungwa ihohu.

VaIjipiti navaIsiraeri: mvura nomoto

15Hazvigoneki kupunyuka muruoko rwenyu,

16nokuti vasinganamati vairamba kukuzivai

vakarohwa noruoko rwenyu rune simba;

vakaramba vangonzi tsvometsvome

nedzvotsvoma remvura inotyisa,

uye chimvuramahwe

nedutu remvura isingaperi

moto ukavaroromesa.

17Chinonyanya kushamisa ndechokuti,

mumvura macho

munodzima zvose,

ndimo makatonyanya kubvira moto;

chikonzero chacho chiri chokuti

masimba ose apasi anorwira vakarurama.

18Pane pamwe moto pawaimboti dzikirei

kuitira kuti zvipukanana

zviya zvirege kutsva,

zvakatumirwa vasiri vanamati,

kuti vazvionere kuti kutonga

kwaMwari kwanga kuchivaronda.

19Pane imwe nguva wainganduma kwazvo

mukati memvura kupfuura moto kuti

uparadze zvibereko zvenyika ine mhosva.

MANA

20Panze pokuvaitira izvozvi makatopa,

vanhu venyu chokudya chavatumwa,

mukavatumira chingwa chaibva kudenga,

pasina zvokumboshanda,

chaive chingwa chokungotora uchidya

chakazara nomunakiro wose,

chaigutsikanisa munhu ari wose.

21Kuvapa kwamaiita chokudya

kwairatidza kunaka

kwamakaita kuvana venyu,

munhu wose aichidya ainzwa chichimunakira,

chaipinduka chonaka sezvaidiwa nomunhu.

22Chaiva sechando kana mazaya echando

asi moto wakatadza kuchinyungurutsa,

kuitira kuti vaIsiraeri

vazive kuti mbeswa dzavavengi vavo,

dzaiparadzwa nomoto muchivhuramahwe,

uchipenga mukati memvura yainaya.

23Kuitira kuti varurami vawane chokudya

moto wakanganwa simba rawo raunawo.

24Zvisikwa zvenyu zvinokuteererai,

imi Musiki wazvo,

zvichiita nesimba razvo rose

kuranga vasina kururama,

zvichizvinyevenura

kuti zvipfavire vanovimba nemi.

25Ndizvowo panguva iyoyo zvisikwa zvaizvipindura

zvichizviita zvinhu zvakasiyana–siyana

muchizvishandisa kugutsa vanhu

maererano nezvaidiwa nomunhu mumwe nomumwe

26kuti vana venyu vepamwoyo

vadzidze kuti hazvisiri zvirimwa

zvinoraramisa munhu,

asi kuti izwi renyu Tenzi

ndiro rinochengetedza

vose vanovimba nemi.

27Nokuti zvisina kuparadzwa nomoto zvakanyungurutswa

nakakudziya kezuva parakangoti kamwenje bhaa,

28kuti zvizivikanwe kuti munhu anofanira kumuka,

zuva risati rabuda kuti akutendei uye kuti

akunamatei pakubuda kwezuva.

29Nokuti chitarisiro chavasingatendi

chinonyunguruka sechando chapachando

chichizoyerera semvura isina basa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help