1Naizvozvo vanhu ivava
vakarangwa zvinokodzerana navo,
vachirangwa nezvipuka zvakaita saizvozvo
vachitambudzwa nebvakanyira rezvipukanana.
2Panze pokuranga vanhu venyu
makatovaratidza mwoyo wakanaka.
Makavapa zvihuta kuti vadye,
manyautsamukanwa chaiwo kunaka.
3Asi vamwe ava pavainge voda kudya,
vaisvipa mwoyo nokusemeswa nezvipukanana
zvakatumwa kwavari.
Asi vanhu venyu vakangoti shayei
chokudya kwakanguva kadiki
vakazodya dapurahunanzva chairo.
4Zvakanga zvakafanira kuti
vanhu ava vakanga vachidzvinyirira vanhu
vanzwiswe nenzara.
Asi kuvanhu venyu makangovaratidza zvenyu
kuti vavengi vavo varwadziswa zvakadii.
VaIjipiti navaIsiraeri: Hwiza nenyoka yendarira5Zviya vanhu venyu zvavakavingwa nezvikara zvinotyisa,
vachifa nokurumwa nenyoka dzinozvongonyoka,
hamuna kuzoramba makashatirirwa
kusvikira pokupedzisira.
6Vakatambudzika kwechinguva sokuvayambira chete
vakawana kununurwa kwechipameso
kuvayeuchidza zvinonzi nomutemo wenyu vaite,
7nokuti ani naani ainge achitarisa aibva aponeswa,
haaiponeswa nechaaitarisa chacho
asi kuti nemi pachenyu,
Muponesi wavanhu vose.
8Nokuita ikoku makasakisa kuti
vavengi vedu vabvume kuti
imi ndimi munonunura vanhu pauipi hwose,
9nokuti ivo vaifa nokurumwa nehwiza nenhunzi,
chokuvarapa pasina,
nokuti vaikodzera kurangwa
nezvinhu zvakadai.
10Asi vana venyu havana kukurirwa
kana namazino enyoka dzino uturu
nokuti tsitsi dzenyu dzakavabatsira dzikavaponesa.
11Vairumwa kuti vayeuke
zvamakanga mavataurira,
asi vaizokurumidza zvavo kuponeswa,
kuitira kuti vangadaro vakati
tiya tiya kukanganwa,
vasisasimuki vasisatirimuki kumwoyochena wenyu.
12Hausi muti, kana mushonga wokuzora waivarapa,
asi izwi renyu, Tenzi, rinoporesa vanhu vose.
13Imi mune simba roupenyu norufu,
munodzikisa munhu kumusuo wenzvimbo yavakafa,
muchimudzosazve.
14Munhu nouipi hwake
anogona zvake kuuraya munhu
asi haakwanisi kudzosera
mweya kana waenda,
haagonizve kusunungura mweya
wapinda muusungwa ihohu.
VaIjipiti navaIsiraeri: mvura nomoto15Hazvigoneki kupunyuka muruoko rwenyu,
16nokuti vasinganamati vairamba kukuzivai
vakarohwa noruoko rwenyu rune simba;
vakaramba vangonzi tsvometsvome
nedzvotsvoma remvura inotyisa,
uye chimvuramahwe
nedutu remvura isingaperi
moto ukavaroromesa.
17Chinonyanya kushamisa ndechokuti,
mumvura macho
munodzima zvose,
ndimo makatonyanya kubvira moto;
chikonzero chacho chiri chokuti
masimba ose apasi anorwira vakarurama.
18Pane pamwe moto pawaimboti dzikirei
kuitira kuti zvipukanana
zviya zvirege kutsva,
zvakatumirwa vasiri vanamati,
kuti vazvionere kuti kutonga
kwaMwari kwanga kuchivaronda.
19Pane imwe nguva wainganduma kwazvo
mukati memvura kupfuura moto kuti
uparadze zvibereko zvenyika ine mhosva.
MANA20Panze pokuvaitira izvozvi makatopa,
vanhu venyu chokudya chavatumwa,
mukavatumira chingwa chaibva kudenga,
pasina zvokumboshanda,
chaive chingwa chokungotora uchidya
chakazara nomunakiro wose,
chaigutsikanisa munhu ari wose.
21Kuvapa kwamaiita chokudya
kwairatidza kunaka
kwamakaita kuvana venyu,
munhu wose aichidya ainzwa chichimunakira,
chaipinduka chonaka sezvaidiwa nomunhu.
22Chaiva sechando kana mazaya echando
asi moto wakatadza kuchinyungurutsa,
kuitira kuti vaIsiraeri
vazive kuti mbeswa dzavavengi vavo,
dzaiparadzwa nomoto muchivhuramahwe,
uchipenga mukati memvura yainaya.
23Kuitira kuti varurami vawane chokudya
moto wakanganwa simba rawo raunawo.
24Zvisikwa zvenyu zvinokuteererai,
imi Musiki wazvo,
zvichiita nesimba razvo rose
kuranga vasina kururama,
zvichizvinyevenura
kuti zvipfavire vanovimba nemi.
25Ndizvowo panguva iyoyo zvisikwa zvaizvipindura
zvichizviita zvinhu zvakasiyana–siyana
muchizvishandisa kugutsa vanhu
maererano nezvaidiwa nomunhu mumwe nomumwe
26kuti vana venyu vepamwoyo
vadzidze kuti hazvisiri zvirimwa
zvinoraramisa munhu,
asi kuti izwi renyu Tenzi
ndiro rinochengetedza
vose vanovimba nemi.
27Nokuti zvisina kuparadzwa nomoto zvakanyungurutswa
nakakudziya kezuva parakangoti kamwenje bhaa,
28kuti zvizivikanwe kuti munhu anofanira kumuka,
zuva risati rabuda kuti akutendei uye kuti
akunamatei pakubuda kwezuva.
29Nokuti chitarisiro chavasingatendi
chinonyunguruka sechando chapachando
chichizoyerera semvura isina basa.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.