Tobhiti 10 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Izvozvo zuva nezuva, Tobhiti akanga ava kuverenga mazuva okufamba rwendo rwokuendako nokudzoka. Mazuva acho ose akakwana, asi mwanakomana wake akanga asati adzoka,

2ndokuzviti, “Zvichida pane chakamunonotsa ikoko. Dai zvikangorega kuti Gabhaeri akafa! Pamwe kwanga kusina munhu wokumupa mari yacho!”

3Akatanga kushushikana mumwoyo.

4Vadzimai vake Ana, vaingoramba vachiti, “Mwana wangu akafa chete! Zvokuverengerwawo pakati pavapenyu hapasisina!” Vaibva vatanga kusvimha misodzi nokuchema mwana wavo. Vakaramba vachingoti,

5“Maiwe, chandakakuregera mwanangu uchienda, iyewe mwenje wamaziso angu.”

6Tobhiti aipindura achiti, “Aiwa kani hanzvadzi. Rega kufunga zvakadaro. Zvose zviri kumufambira zvakanaka'ku. Pane chimwe chakaitikako chakavanonotsa. Nyakuperekedzana naye munhu watinovimba naye uyezve mumwe wehama dzedu. Usarase mwoyo hanzvadzi. Achasvika zvinouno.”

7Asi ivo vaingoti, “Chindiregai zvangu! Musade kundinyengedza. Mwana wangu akafa.” Mazuva ose amai ava vainge vongoti vharavhazhu vobuda vondotarisa nzira yakaenda nomwana wavo. Zvainge zvava zvokunge maziso avo chete ndiwo anoona. Zuva paraizongoti dokei, vaizodzokerazve kumba vachingosvimha misodzi nokuungudza usiku hwose vasingagoni kukotsira.

Mushure memazuva gumi namana amabiko aya akanga atsidzwa naRagueri okuitira kuroorwa kwemwanasikana wake, Tobhiya akaenda kwavari akati, “Chiregai zvenyu ndichienda, baba naamai vangu havasisina chitarisiro chokundiona zvakare. Saka ndiri kukukumbirai baba kuti muchindirega ndichidzokera kumusha kwababa vangu. Ndakakuudzai kushungurudzika kwavaiva nako pandakabvako.”

8Ragueri akati kuna Tobhiya, “Gara zvako mwanangu chimbogara zvako neni. Ini ndichatumira nhume kuna baba vako Tobhiti dzokumutaurira nezvako.”

9Asi Tobhiya akaramba achingovagombedzera achiti, “Aiwa. Ndiri kukukumbirai kuti muchindibvumirawo kuti ndichidzokera zvangu kumusha kwababa vangu.”

10Ragueri akaturira mumaoko ake mukadzi wake Sara kuti achimuchengeta. Ragueri akapa Tobhiya hafu youpfumi hwavo hwaiti: varanda vechirume nevechikadzi nemombe nehwai namadhongi nengamera nembatya nemari nezvimwe zvinhu zvomumba.

11Vakabva vavarega voenda zvavo vachifara. Kuna Tobhiya, vakamutaurira mazwi okuonekana naye okuti,

“Uvewo noutano hwakanaka!

Ufambe zvakanaka, mwanangu,

Mwari Wedenga ngaakunzwire nyasha,

iwe nomudzimai wako Sara.

Ndinotarisira kuona vana venyu

ndisati ndafa.”

12Kumwana wake Sara, akati,

“Chienda zvako kumusha kwavatezvara vako,

pamusana pokuti kubvira zvino,

vangavawo vabereki vako sevakakupa upenyu.

Chienda zvako norugare mwanangu.

Ndinotarisira kunzwa zvakanaka chete nezvako,

upenyu hwangu hwose.”

Ragueri akaonekana navo ndokubva

ndokuvarega voenda zvavo.

13Edhina akazotiwo kuna Tobhiya, “Mwanangu, hama, dai Tenzi angofadzwa zvake kuti mudzokere zvakanaka. Ndinotarisira kuva mupenyu kuti ndione vana vako nomwanasikana wangu, Sara ndisati ndafa. Mwanasikana wangu uyu ndinomuisa mumaoko ako Tenzi achiona kuti umuchengete. Usambomugumbura zvako upenyu hwako hwose, enda zvako norugare mwanangu. Kubvira zvino ndava amai vako, Sara yava hanzvadzi yako. Dai tose tangogara waro tichifara kudai, mazuva ose oupenyu hwedu.” Edhina akavatsvoda vose vari vaviri ndokuvatarisa voenda zvavo vachifara.

14Tobhiya akabva mumusha maRagueri mwoyo wake wakanyatsogadzana. Mukufara kwake ikoku akarumbidza Tenzi Wedenga napasi, mambo wezvose zviripo pamusana porufaro rwakazouya munzendo dzake. Tobhiya akakumbirira Ragueri nomudzimai wake Edhina achiti, “Dai ndikazongofara zvangu nokukuremekedzai misi yose youpenyu hwangu!”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help