1Isu hama dzenyu dzechiJudha tiri muJerusaremu
nedzemunyika yeJudhia
tinokunyorerai imi hama dzedu dzechiJudha dzokuIjipiti
tichikukwazisai tichiti
dai zvikakunakirai muve norugare.
2Dai Mwari angokuitiraiwo zvakanaka uye
dai akangorangarira chitenderano chake
naAbhurahamu naIsaki naJakobho, varanda
vake vakatendeka.
3Dai angokupaiwo mose mwoyo wokuda
kumupfugamira mugoita zvaanoda nomwoyo
wakasimba uye nomwoyo unoda.
4Dai akangokuzarurirai ndangariro dzenyu
kumutemo wake nemirao yake uye auyisewo rugare.
5Dai angonzwa minamato yenyu
awadzane nemi angoregawo
kukufuratirai panguva yenyu yokutambura.
6Izvozvi isu tiri kutokunamatirai kuno'ku.
7Mukutonga kwaDhemetiriusi, mugore rezana namakumi matanhatu nechipfumbamwe isu vaJudha takakunyorerai tiri parumano nenhamo yakanga yatiwira mumakore iwayo mushure mokunge Jasoni navamwe vake vapandukira nyika inoera noumambo
8vakapisa suo guru nokudeura ropa ravanhu vasina mhosva. Isu takateterera kuna Tenzi tikanzwikwa tikapira chibayiro nomupiro wembesanwa. Takatungidzawo marambi tikarongawo zvingwa.
9Zvino mochionawo kuti machengeta Mazuva Makuru aMatumba mumwedzi weKisirevhu mugore rezana namakumi masere nechisere.Tsamba yechipiri
10“Isu vomuJerusaremu navari muJudhia nedare
remakurukota naJudhasi tinokunyorerai imi
vaArisitobhurusi vokumhuri yavapristi vakazodzwa,
iyemi mudzidzisi wamambo Toremi navaJudha
vari muIjipiti. Tinokukwazisai tichikusimbisai.
Kurangwa kwaAndiokusi naMwari11“Zvatakadai kununurwa naMwari munjodzi dzakaomarara
kudaro, tinomutenda zvikuru kwazvo nokutsigirana
nesu kwaakaita kurwisa mambo.
12Tinodaro nokuti akadzinganisa vanhu
vakanga vachirwisa guta rinoera.
13Chakaitika ndechokuti mutungamiriri paakasvika
kuPezhiya aine hondo yaiita sokunge
isingambomirisanwa nayo,
vakaitwa kanyama kanyama mutemberi
yomumwe mwari wechikadzi ainzi
Nanea nounyengedzi hwakaitwa
navapristi vaNanea
14Andiokusi akaenda kunzvimbo iyoyo aine
unyengedzi hwokuita sokunge
ari kuda kundowanana naNanea wacho.
Akaenda aine shamwari dzake kuti awane pfuma
zhinji yeroora
15Vapristi vetemberi yaNanea vakanga vati
upfumi ihwohwo pachena ware ware,
Andiokusi akauya imomo navarume
vashomashoma mukati mechidziro chepanhandare inoera,
paakangoti pindeimo ivo ndokubva vati
gonhi retemberi iyoyi zarirei.
16Vakabva vazarura mumwe musuo
wapagudzururu rayo vakakanda mabwe vakauraya
mutungamiriri wacho navarwi vake vakavadidimura–dimura
ndokuvadimbura musoro ndokukanda zvidiku izvozvo
kunze kuvanhu.
17Mwari wedu ngaarumbidzwe nenzira dzakasiyana–siyana
akatsividza vanhu vasingaremekedzi zvinhu zvinoera.
Kuchengetedzwa kunoshamisa kwakaitwa moto unoera18“Sezvo pamusi wamakumi maviri
nechishanu wemwedzi weKisirevhu isu tichange
tichipemberera kuchenurwa kweTemberi,
tinoona zvakafanira kukuzivisai
kuitira kuti imiwo mugopemberera Mazuva Makuru aMatumba
neZuva Guru reMoto wakapiwa Nehemiya uya
wokuvaka Temberi neatari pavakapira zvibayiro.
19“Tinodaro nokuti pakatapwa madzibaba edu
achiendeswa kuPezhiya,
vapristi vakazvipira mukunamata,
vakatora mumwe moto wapaatari vakandoviga
mugomba rakaoma kwavakachenjerera
kuti kurege kuzombowana kana anokuziva.
20Kuzoti kwapera makore akawanda
pazvakazofadzawo Mwari
Nehemiya atumwa namambo wePezhiya
akazotuma zvizukuru zvavapristi,
vacho vaya vokumboviga moto uya kundoutora.
Zvino pavakadzoka kwatiri neshoko rokuti hatina
kuwana moto tazongowana zvimwe zvibotabota zvikobvu.
Nehemiya akavati endai mundozvikokora muuye nazvo.
21Zvinhu zvezvibayiro zvacho
pazvakange zvopirwa, Nehemiya
akaudza vapristi kuti vasase zvibotabota izvozvo pahuni
napane zvakanga zvarongererwa padziri.
22Izvi pazvakanga zvaitwa,
kwaperawo chinguva chakati kuti uye
zuva rakambenge ranzi namakore gude gude,
rati bha kuonekwa kwakan'anduka zimoto guru zvokuti
vose vakakatyamadzwa nazvo.
23Paingunotsva chibayiro ichocho, vapristi
vapristi vainamata navamwe vose.
Jonatani mupristi mukuru ndiye aitungamirira vamwe vose
vachibvumira sezvaiita Nehemiya.
24“Zvairehwa nomunamato wacho ndezvizvi izvi,
‘Tenzi we–e Tenzi Mwari, Musiki wezvinhu zvose,
imi munotyisa mune simba noruenzaniso netsitsi.
Ndimi moga mambo mune tsiye nyoro!
25Ndimi moga Mupanegombe! Ndimi moga mune
ruenzaniso, Samasimbaose,
Chidzachapo anonunura Isiraeri
munhamo dzayo dzose,
makasarudza madzibaba edu mukavaita venyu,
26tambirai chibayiro ichi chapirirwa vanhu
vose veIsiraeri, muchengetedze mugove wenyu muuerese.
27Kokorodzai vanhu vedu vakadai kupararira,
musunungure vanenge vari varanda
mukati mevechirudzi, tarisai vanhu vakaitwa
sukunasai navanoshorwa, muite kuti vechirudzi
vazive kuti imi ndimi Mwari wedu.
28Onesai nhamo vanodzvinyirira,
vamwe, vanonyomba vachizvitutumadza.
29Simai vanhu venyu muNzvimbo yenyu Inoera
sokutsidzwa kwazvakaitwa naMosesi.’ ”
30Vapristi vakabva vaimba nziyo.
31Mipiro yechibayiro payakapera kutsva, Nehemiya akati zvinenge bota zviya zvakanga zvasara zvinofanira kudururirwa pamazitombo makuru.
32Izvi pazvakaitwa rimi romoto rakan'anduka, asi pakavhenekawo chiedza chapaatari, rakabva radzima.
33Kuzoti nyaya iyi yazivikanwa, yasvitswa kuna mambo wavanhu vePezhiya kuti munzvimbo makambenge mavigwa moto navapristi vakatapwa makawanika zvimwe zvinhu zvainge bota zvakazopisiswa mipiro yechibayiro naNehemia navamwe vake
34mambo akatsvagurudza nyaya iyoyi akandovakirira nzvimbo iyoyi akaiita kuti ive nzvimbo ioera.
35Mambo akapanana navaaida zvipo zvakanakisisa kwazvo zvizhinji.
36Nehemia navamwe vake vakatumidza zvakaitika izvozvi zita rokuti, “Nefutari” zvinoreva kuti kuchenura, asi vanhu vazhinji vanotumidza izvi zita rokuti Nefuta.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.