Mabasa 15 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Musangano mukuru wokuJerusaremu

1Kwakauya vamwe varume vachibva kuJudhea vachidzidzisa vehama kuti, “Kana musina kudzingiswa zvinoenderana noMutemo waMosesi, hamugoni kuponeswa.”

2Pauro naBhanabhasi havana kuwirirana navo uye vakakavadzana navo zvikuru. Pauro naBhanabhasi navamwe vavo vakazosarudzwa kuti vaende kuJerusaremu kuna vapositori navakuru vakuru nezvenyaya iyi.

3Saizvozvo zvavakatumwa nesangano kuenda rwendo rwavo vakapfuura nomuFonikia nomuSamaria vachirondedzera kutendeuka kwevechirudzi. Izvi zvakafadza kwazvo vose vehama.

4Pavakasvika Jerusaremu vakagamuchirwa nesangano navapositori navakuru vakuru vakarondedzera zvose zvavakaitiswa naMwari.

5Asi vamwe vatendi vebato ravaFarisei vakasimuka vakati, “Vanhu ava vanosungirwa kudzingiswa uye kuvaudza kuti vanofanira kuchengeta Mutemo waMosesi.”

6Vapositori navakuru vakuru vakaungana kuti vafunge nezvenyaya iyi.

7Pashure pokunge patauriranwa zvikuru, Pita akasimuka akati kwavari, “Hama, imi munoziva kuti pamazuva okutanga, Mwari akandisarudza pakati penyu kuti vechirudzi vanzwe kubva pamuromo pangu dama reShoko Rakanaka kuti vadavire.

8Mwari anoziva mwoyo womunhu akazvitsigira nokuvapa Mweya Mutsvene sezvaakangoitawo kwatiri.

9Haana kumbotisianisa navo asi akachenesa mwoyo yavo nechitendero.

10Zvino munoedzerei Mwari nokuisa joko pamutsipa yavadzidzi risina kukwanisa kutakurwa namadzibaba edu kana nesu?

11Asi tinotenda kuti tichaponeswa nenyasha dzaTenzi Jesu sokuponeswa kwavachaitwa.”

12Gungano rakati zii kunyarara. Vakateerera Bhanabhasi naPauro vachirondedzera zviratidzo nezvishamiso zvakaitwa naMwari nemavari pakati pevechirudzi.

13Pavakapedza kutaura, Jemusi akapindura achiti, “Varume hama, nditeererei.

14Simoni atitaurira kuti Mwari akashanyira sei vechirudzi, nokutora vanhu mukati mavo vanodaidzwa nezita rake.

15Izvi zvinowirirana namashoko avaporofita sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi,

16“ ‘Mushure mezvo ndichadzoka

ndigovakazve imba yokwaDhavhidhi

yadai kuputsika.

Ndichagadziridza matongo ayo ndiamutsurudze

17kuti vamwe vanhu vose

vatsvake Tenzi nevechirudzi vose

vanodaidzwa nezita rangu.

18Ndizvo zviri kutaura Tenzi

akazivisa zvinhu izvi

kubvira pasi chigare.’

19“Naizvozvo ini ndinofunga kuti hatifaniri kunetsa vechirudzi vanotendeukira kuna Mwari.

20Asi ngativanyorerei kuti varege kusvibiswa nezvifananidzo zvokunamata; varege upombwe nenyama isina kusinzwa nomusiya.

21Nokuti kubvira pazvizvarwa zvokutanga mutemo waMosesi wakaparidzwa muguta roga roga uye unoverengwa mumasinagogu pamaSabata ose ose.”

Tsamba yeSangano kune vechirudzi vakatendeuka

22Zvakaonekwa chiri chinhu chakanaka kuvapositori navakuru vakuru nesangano rose kusarudza varume pakati pavo vokutuma kuAndiyoku naPauro naBhanabhasi. Vakatuma Judhasi anonzi Bharisabhasi naSirasi

23vakanga vari vatungamiri pakati pevehama netsamba iyi:

“Ndisu vehama, navapositori navakuru vakuru

tinokunyorerai imi vehama vechirudzi muri muAndiyoku

nekuSiria nekuSirisia tichikukwazisai.

24Pamusana pokuti takanzwa kuti

kune vamwe vanhu vakabva kwatiri vakakunetsai

namashoko vachikudzongodzai mwoyo

kunyange tisina kuvatuma.

25Isu takaungana kudai,

uye tawirirana, tazviona zvakanaka,

kuti tisarudze varume, tivatume kwamuri

pamwechete naBhanabhasi naPauro,

26varume vakaisa upenyu hwavo parumano

nokuda kwaTenzi wedu Jesu Kristu.

27Naizvozvo tatumira Judhasi naSirasi vachatsinhira

pachavo zvimwechetezvo nemiromo yavo.

28Zvaonekwa zviri zvinhu zvakanaka

kuna Mweya Mutsvene nokunesu, kuti tirege kukuremedzai

nezvinopfuura izvi chete zvinodiwa,

29zvokuti: imi musiyane nezvinhu zvakabairwa

zvifananidzo zvokunamata,

murege musiya nenyama isina kusinzwa uye upombwe.

Kana mukarega izvi munoita zvakanaka.

Musare zvakanaka.”

30Naizvozvo pavakanzi vachienda zvavo vakadzika kuAndiyoku. Vakati vaunganidza vanhu vakavagamuchidza tsamba iya.

31Pavakaiverenga vakafara nokukurudzirwa ikoko.

32Judhasi naSirasi vaiva ivo vaporofita vakakurudzira vehama namazwi akawanda vakavasimbisa.

33Pavakaona vapedza nguva yakati kuti vakavaperekedza kuti vaende norugare kune vakanga vavatuma. Kune vakanga vavatuma.

35Pauro naBhanabhasi vakasara muAndiyoku vachidzidzisa nokuparidza shoko raTenzi pamwechetewo nevamwe.

IV: NZENDO DZAPAUROKuparadzana kwaPauro naBhanabhasi

36Mushure memazuva akati kuti Pauro akati kuna Bhanabhasi, “Uya tidzokere tindoshanyira vehama muguta rimwe nerimwe matakaparidza shoko raTenzi tione kuti vakadii.”

37Asi Bhanabhasi aida kuti vaende pamwechete naJohani anonzi Mako.

38Asiwo Pauro akanga achifunga kuti zvakanga zvakanaka kurega kuenda nomunhu akanga ambosiyana navo muPamufiria uye munhu akanga asina kuenda navo kubasa iroro.

39Pakamuka gakava guru zvokuti vakabva vaparadzana. Bhanabhasi, akatora Mako akaenda nechikepe kuSaipurasi.

40Pauro akasarudza Sirasi. Vakaenda vapedza kukumikidzwa nevehama kunyasha dzaTenzi.

41Akaenda nokuSiria nokuSirisia achisimbisa masangano.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help