Jobhu 27 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Jobhu anotaurazve kuti haana mhosva

1Jobhu akaenderera mberi nenyaya yake achiti,

2“Ndinopika naMwari mupenyu

nokundinyima ruenzaniso rwangu

iye Samasimbaose akandishungurudza mwoyo.

3Kana ndichiri kufema mweya kudai,

mweya waMwari uchiri mumhuno dzangu,

4muromo wangu haumbotaura nhema,

rurimi rwangu harumbotaura zvounyengedzi.

5Hazvimbofa zvakaitika kuti

nditi imi muri pachokwadi.

Kusvikira ndife zvangu,

handisi kuzokanda pasi kuva pachokwadi kwangu,

ururami hwangu handimbohukanda pasi.

6Hana yangu haindipire mhosva

zvandakaita mazuva angu ose.

7Dai muvengi wangu

akawana chinowana munhu akaipa.

Iye anondipandukira awane

chinowana asina kururama,

8nokuti chitarisiro chomunhu asiri munamati chii

kana Mwari amuparadza,

kana Mwari amutorera upenyu hwake?

9Mwari achanzwa kuchema kwake here

kana nhamo yamuwira,

10anofadzwa here naSamasimba

achadaidza kuna Mwari nguva dzose here?

11Ndichakudzidzisai zvesimba raMwari

handidi kukuvanzirai zvinofungwa naSamasimba.

12Ko inga mose makazviona wani,

ko kutaura zvisina maturo kwabvepi?

Zofa—Mubayiro wavana vavaipi

13“Uyu ndiwo mubayiro waMwari

kumunhu akaipa nenhaka inowaniswa naSamasimba

kune vano utsinye.

14Vana vavo vanogona kuwanda zvavo

asi vanowandira kuuraiwa nebakatwa rehondo

uye vana vavo vanenge vasina kudya kwakawanda.

15Vanorarama vake, denda richavaendesa kumakuva

chirikadzi dzavo hadzivachemi.

16Kunyange zvake akaunganidza mari sevhu

uye kunyange akaunganidza mbatya semunyakwe,

17anogona kuisona asi mururami

ndiye anoipfeka, mari yake ichagovanwa navarurami.

18Imba yaanovaka yakaita sedandemutande

sedumba rinovakwa nomutariri wenzvimbo.

19Anogona kundorara ari mupfumi

asi hazviitiki zvakare

paanoti pepu upfumi hwake panenge pasisina.

20Anowirwa nokutya samapopopo emvura

usiku anotututswa nechamupupuri.

21Mhepo yokumabvazuva inomutututsa

yoenda naye ichimubvisa panzvimbo yake.

22Inobonderera paari zvisina tsitsi

iye achiita bara chairo kutiza.

23Inomuitira ruzha

ichimufuridza panzvimbo pake.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help