1Jobhu akaenderera mberi nenyaya yake achiti,
2“Ndinopika naMwari mupenyu
nokundinyima ruenzaniso rwangu
iye Samasimbaose akandishungurudza mwoyo.
3Kana ndichiri kufema mweya kudai,
mweya waMwari uchiri mumhuno dzangu,
4muromo wangu haumbotaura nhema,
rurimi rwangu harumbotaura zvounyengedzi.
5Hazvimbofa zvakaitika kuti
nditi imi muri pachokwadi.
Kusvikira ndife zvangu,
handisi kuzokanda pasi kuva pachokwadi kwangu,
ururami hwangu handimbohukanda pasi.
6Hana yangu haindipire mhosva
zvandakaita mazuva angu ose.
7Dai muvengi wangu
akawana chinowana munhu akaipa.
Iye anondipandukira awane
chinowana asina kururama,
8nokuti chitarisiro chomunhu asiri munamati chii
kana Mwari amuparadza,
kana Mwari amutorera upenyu hwake?
9Mwari achanzwa kuchema kwake here
kana nhamo yamuwira,
10anofadzwa here naSamasimba
achadaidza kuna Mwari nguva dzose here?
11Ndichakudzidzisai zvesimba raMwari
handidi kukuvanzirai zvinofungwa naSamasimba.
12Ko inga mose makazviona wani,
ko kutaura zvisina maturo kwabvepi?
Zofa—Mubayiro wavana vavaipi13“Uyu ndiwo mubayiro waMwari
kumunhu akaipa nenhaka inowaniswa naSamasimba
kune vano utsinye.
14Vana vavo vanogona kuwanda zvavo
asi vanowandira kuuraiwa nebakatwa rehondo
uye vana vavo vanenge vasina kudya kwakawanda.
15Vanorarama vake, denda richavaendesa kumakuva
chirikadzi dzavo hadzivachemi.
16Kunyange zvake akaunganidza mari sevhu
uye kunyange akaunganidza mbatya semunyakwe,
17anogona kuisona asi mururami
ndiye anoipfeka, mari yake ichagovanwa navarurami.
18Imba yaanovaka yakaita sedandemutande
sedumba rinovakwa nomutariri wenzvimbo.
19Anogona kundorara ari mupfumi
asi hazviitiki zvakare
paanoti pepu upfumi hwake panenge pasisina.
20Anowirwa nokutya samapopopo emvura
usiku anotututswa nechamupupuri.
21Mhepo yokumabvazuva inomutututsa
yoenda naye ichimubvisa panzvimbo yake.
22Inobonderera paari zvisina tsitsi
iye achiita bara chairo kutiza.
23Inomuitira ruzha
ichimufuridza panzvimbo pake.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.