1 Vakorinde 11 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

C: KUZVIBATA PAMUNAMATO WAPARUZHINJIVakadzi ngavafukidze musoro pamunamato waparuzhinjiMadzimai ngaazvibate pamunamato

1Nditevedzerei sokutevedzerawo kwandinoita Kristu.

2Ndinokurumbidzai nokundiyeuka kwenyu muna zvose uye nokuchengeta kwenyu magamuchidzanwa sokukudzidzisai kwandakaita.

3Asi ndinoda kuti muzive kuti Kristu ndiye musoro womurume oga oga, murumewo ndiye musoro womukadzi wake, Mwari ari iye musoro waKristu.

4Saka murume anonamata kana kuporofita akafukidza musoro anozvishoresa musoro wake.

5Asi mukadzi wose anonamata kana kuporofita asina kufukidza musoro anozvishoresa musoro wake. Zvakangofanana nokunge akaveurwa musoro wose.

6Kana mukadzi asingazvifukidzi musoro ngaaveure vhudzi rake. Zvino kana zviri zvakafumuka kuti mukadzi aguswe kana kuveurwa, ngaazvifukidze musoro nevhoiri.

7Murume haafaniri kuzvifukidza musoro nokuti iye mufananidzo nembiri yaMwari. Asi mukadzi imbiri yomurume,

8nokuti murume haana kuitwa achibva pamukadzi asi mukadzi akaitwa achibva pamurume.

9Uye murume haana kusikirwa mukadzi asi mukadzi akasikirwa murume.

10Pamusana paizvozvo mukadzi anofanira kuva nevhoiri mumusoro pamusana pavatumwa.

11Zvakadaro zvazvo, muna Tenzi, mukadzi haagoni kuvapo pasina murume, murumewo haagoni kuvapo pasina mukadzi.

12Sokuitwa kwakaitwa mukadzi achibva kumurume saizvozvowo murume anoberekwa nomukadzi. Asi vose vanobva kuna Mwari.

13Munozvionawo sei, zvinokodzera here kuti mukadzi anamate kuna Mwari asina kufukidza musoro?

14Ko iwo masikirwo akaitwa zvinhu pachawo haakudzidzisei here kuti, zvokuti murume achengete vhudzi refu, hazvimupi chimiro

15asi mukadzi akachengeta vhudzi refu ndizvo zvinotomudadisa nokuti akapiwa vhudzi rakareba kuti chive chokuzvifukidza nacho.

16Kana pane wenharo ndezvake; asi isu kana masangano aMwari hapana imwe tsika yatinoziva.

Chirariro chaTenzi

17Pane zvandavakukudzidzisai iye zvino handikurumbidzei nokuti pamunoungana hapana chakanaka asi zvakaipa zvoga zvoga.

18Ndinodaro nokuti, chokutanga, kana maungana sesangano ndinonzwa kuti pano kukamukana kuita mapato mapato pakati penyu. Ndingangozvibvuma izvozvo,

19nokuti mapato anofanira kuvapo kuti vakatendeka pakati penyu vaonekwe.

20Kana pamunoungana hachisi chirariro chaTenzi chamunodya, nokuti pamunenge mava kudya mumwe nomumwe anozvidyira chokudya chake.

21Mumwe anenge ane nzara asi mumwe akadhakwa.

22Ndochii ichocho; hamuna dzimba dzokudyira nokunwira kana kuti kushora sangano raMwari here kana kuti kuda kudukupisa vasina chavanacho? Ndoti kudiiko kwamuri? Ndokurumbidzai here? Kwete handingakurumbidzei.

23Nokuti zvandakagamuchira zvichibva kuna Tenzi Jesu ndizvo zvandakakugamuchidzaiwo zvokuti Tenzi Jesu, usiku hwaakapandukirwa, akatora chingwa,

24akatenda ndokuchimedura akati uyu muviri wangu unopirirwa imi. Itai izvi kuti mundiyeuke nazvo.

25Akaita zvimwechetezvo nomukombe mushure mechirariro, akati uyu Mukombe wechitenderano chitsva muropa rangu. Itai izvi panguva dzose dzamunounwa kuti mundiyeuke.

26Nokuti panguva dzose dzamunodya chingwa ichi nokunwa mukombe uyu munoparidza rufu rwaTenzi kusvikira auya.

27Naizvozvo, ani naani anodya chingwa ichi nokunwa mukombe waTenzi asingakodzeri achapara mhosva yokun'oresa muviri neropa raTenzi.

28Saka munhu ngaatange azviongorora ndokuzoti odya chingwa ichocho nokunwa mukombe iwoyo.

29Nokuti aninani anodya nokunwa asinganyatsoziva kuti muviri anozvidyira nokuzvinwira kutongwa.

30Ndizvo zvinopa vamwe venyu kuva vanhu vasina simba uye vanorwara; vamwe vakatofa.

31Asi tikanyatsozviongorora hatizotongwa.

32Isu tinotongwa nokurangwa naTenzi kuti tirege kuzonzi tine mhosva pamwechete nenyika.

33Naizvozvo hama dzangu kana moungana kuzodya, miriranai.

34Kana pane anonzwa nzara ngaadyire kumusha kuti murege kuzopiwa mhosva pamunoungana. Zvimwe zvasara izvi ndichazvigadzira ndauyako.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help