Mavambo 12 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

II: NHOROONDO YAABHURAHAMUKudaidzwa kwaAbhuramu naMwari

1Tenzi akataurira Abhuramu kuti,

“Chibva munyika mako,

ubve mukati mehama dzako,

usiye musha wababa vako

utamire kunyika yandichakuratidza.

2Ndichakuita rudzi rukuru,

ndichakukomborera.

Ndichaita kuti zita rako rikurumbire,

iwe uchiva chikomborero.

3Ndichakomborera vanokumborera.

Vanoti uwirwe norushambwa,

ndichivapinza murushambwa.

Ndudzi dzose dzichakomborerwa pamusana pako.”

4Saizvozvo Abhuramu akasimuka akaenda sokuudzwa kwaakaitwa naTenzi. Roti akaendawo naye. Abhuramu akanga ava namakumi manomwe amakore ana makore mashanu paakatama kuHarani.

5Abhuramu akatora mudzimai wake Sarai naRoti mwanakomana womunun'una wake, noupfumi hwake hwose hwaakanga awana navaranda vaakanga awana muHarani. Akasimuka achienda kuKanani. Kuzoti asvika kuKanani,

6Abhuramu akafamba nomunyika imomo akasvikogara kuShikemu pamuti womuoki. Panguva iyoyo vaKanani vakanga vagere munyika iyoyi.

7Tenzi akazozviratidza kuna Abhuramu akati, “Ndichapa nyika ino kuzvizvarwa zvako.” Naizvozvo akavakira atari Tenzi akanga azviratidza kwaari.

8Akabva ipapo akaenda kugomo riri kumabvazuva kweBhetieri. Akadzika matendhe ake panoti Bhetieri kumavirira, guta reAi nechokumabvazuva. Akavakira Tenzi atari ipapo, akanamata Tenzi.

9Abhuramu akaramba achienda nechokuNegevhu.

Abhuramu munyika yeIjipiti

10Munyika iyoyo makaita nzara, shangwa chaiyo yenzara. Saka Abhuramu akaenda Ijipiti kumbondogarako.

11Kuzoti ava kusvika Ijipiti, Abhuramu akafanotaurira mudzimai wake Sarai achiti, “Iwe uri mukadzi akanaka kwazvo.

12Naizvozvo kana vaIjipiti vakakuona vachati, ‘Uyu mukadzi wake uyu,’ vakandiuraya, iwe vachikurega uri mupenyu.

13Chitoti zvako iwe uri hanzvadzi yangu ndiko kuti vatondiitira zvakanaka pamusana pako ndirege kuurayiwa.”

14Abhuramu paakasvika kuIjipiti, vaIjipiti vakaona kuti mukadzi wacho akanga akanaka kwazvo.

15Kuzoti machinda aFarao amuona akamurumbidza pana Farao. Mukadzi uya ndokubva atorwa akaendwa naye kumba kwaFarao.

16Pamusana paSarai, Farao akabata Abhuramu zvakanaka kwazvo, akava nehwai nemombe, namadhongi makono namakadzi navaranda vechirume nevechikadzi nengamera.

17Asi Tenzi akaunzira Farao navanhu veimba yake matambudziko makuru kwazvo pamusana paSarai mudzimai waAbhuramu.

18Farao akadaidza Abhuramu akati, “Chiiko ichi chawaita kwandiri.” Wakaregerereiko kundiudza kuti mukadzi uyu mudzimai wako?

19Seiko wakati, “Ihanzvadzi yangu, ndosaka ndakamutora kuti ave mukadzi wangu. Aiwa! Hoyu mudzimai wako. Chimutora ubve pano uende.”

20Farao akatuma vamwe vanhu vake kuti vaburitse Abhuramu nomudzimai wake munyika iyoyo, nezvinhu zvose zvavaiva nazvo vachimuperekedza.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help