Joeri 3 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

B: KUTONGWA KWAMARUDZI

1“Ndinodaro nokuti, tarisai mumazuva iwayo, panguva iyoyo pandichadzosera pakare vokwaJudha neveJerusaremu makomborero avo,

2ndichakokorodza ndudzi dzose dzavanhu ndidzidzikise kubani reJehoshafati ndigovagadza dare ikoko ndichiitira vanhu vangu, ivo nhaka yangu, Isiraeri, nokuti vakavamwararisa mukati memarudzi uye vakaganhura-ganhura zvavo nyika yangu.

3Vakatoitirawo vanhu chi'ange; mukomana chaiye vachimutsinhanisa nepfambi; musikana vachimutengesa newaini vakatoinwa.

VaFirisitia

4“Ndochii chamuri kundiitira ichochi? Nhaiwe Tire newe Sidhoni nemi matunhu ose avaFirisitia? Mune chamuri kunditsividza here? Kana kuti muri kunditsividza? Ndichakasikawo kuita kuti zviito zvenyu zvibva zvakupfukirai nenguva isipi

5nokuti makatoraka imi sirivha yangu nendarama yangu mukatakura henyu upfumi hwangu hwakakosha kutemberi dzenyu.

6Makatengesaka imi vanhu vokwaJudha neJerusaremu kuvaGiriki muchivaendesa kure nenyika yavo.

7Asi zvino ndichavamutsa kuti vachibva kunzvimbo dzacho kwamakavatengesa uye ndichaita kuti mupfukirwe nezviito zvenyu.

8Ndichatengesawo vana venyu vakomana navasikana kuvaJudha, ivowo vagovatengesa kuvanhu veSabia kurudzi rwokure nokuti TENZI ataura.

Marudzi

9“Zivisai zvinhu izvi

mukati memarudzi zvokuti,

‘Gadzirirai kurwa hondo,

mutsai magamba mwoyo,

varwi vehondo vose

ngavaswedere padyo,

ngavakwidze kuno.

10Pfurai miromo yenyu yamagejo

muiite mapakatwa

mupfure zvigero zvenyu zvokupemhenesa

kuita mapfumo.

Ndonda ngaazvitiwo,

ndiri gamba rehondo ini.

11Itai chipatapata muuye,

imi mose marudzi ari munharaunda'mu,

unganidzanai ikoko.

Burutsai magamba enyu

ehondo imi TENZI.’ ”

12“Marudzi ngaamuke akwire kubani

reJehoshafati nokuti ikoko

ndokwandichagadza dare

marudzi ose omunharaunda'mu.

13Pinzai jeko nokuti kukohwa kwasvika.

Pindai mutsike-tsike

nokuti mokusvinira waini

machiti shutu kuzara.

Makate ari kufashukira

nokuti uipi hwavo hwakura.”

14Gurumwandira, negurumwandira

muBani rokutemera zvinofanira kuitwa

nokuti zuva raTENZI roswedera

muBani rokutemera zvinofanira kuitwa.

15Zuva nemwedzi

zvichaora kusviba

nyenyedzi dzigorega kupenya.

16Izvozvo TENZI achadzvova

ari muguta reZioni

achiburitsa izwi rake

ari muJerusaremu

matenga nenyika zvigondengendeka

asi TENZI ndiye diziro ravanhu vake

nhare chaiyo yokuhwanda hondo

kuvanhu veIsiraeri.

17Nezvo muchaziva

kuti ndini TENZI, Mwari wenyu

akaita musha wake muguta reZioni

gomo rangu rinoera

uye Jerusaremu

richava guta rinoera.

Vatorwa havazofazve vakatsikanomo.

C: KUNAKA KWERAMANGWANA KUNE VEISIRAERI

18Zvino pamusi iwoyo

makomo achachucha waini inonaka

zvikomo, zvichiyerera mukaka

uye tukova twose twokwaJudha

twuchayererawo mvura

chitubu chichatubuka mumba yaTENZI

chichindodiridza Bani reShitimu.

19Ijipiti ichava renje zvaro

Edhomu ichiva renje risina chinhu

kutsivawo utsinye hwakaitwa

kuvanhu vokwaJudha

nokuti vakadeura ropa

risina mhosva munyika yavo.

20Asi nyika yokwaJudha

ichagara vanhu nokusingaperi

Jerusaremuwo ichagarwa

pazvizvarwa zvose zvazvo.

21Ndichatsividza ropa ravo

uye handisi kuzombopembedza

munhu ane mhosva,

nokuti TENZI anogara muguta reZioni.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help