Jeremiya Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)
Zviri mubhuku rino Muporofita Jeremiya akadaidzwa naMwari kuti azotaura zvaainge atumwa naMwari kutaura kuvanhu vake vechiIsiraeri. Pane zvinhu zviviri zvikuru zvaitsoropodza nazvo vanhu seshoko raibva kuna Mwari. Chokutanga chaiva kutyora chitenderano chokuSinai. Chechipiri chaiva kunamata vamwari vasiriivo. Jeremiya aivayambira kuti vachaona nhamo yokutapwa. Bhabhironi yakauya ikaparadza Jerusaremu ikatapa vanhu iye achizviona mumakore 597 na 587 K.A.A.Zvikuru zvikuru zvaanodzidzisa zvinowanikwa mundima idzi. Imomo anotsoropodza chitendero chavo chisina maturo, kusateerera nokusachengeta chitenderano naMwari, kusatendeka kwavo sepfambi pamusana pokupfugamira vachinamata vamwe vamwari vasingachengeti Sabata uye kuteerera vaporofita venhema. Aiti nyika ichawana Sabata kana vanhu vatapwa pamwechete namadzimambo avo kwamakore makumi manomwe (2—45). Pamusana pokutaura kwake akavengwa namadzimambo, navapristi navaporofita (26–45) zvichizoita kuti Jeremiya ave zvechokwadi munhu wenhamo.Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raJeremiyaKudaidzwa kwaJeremiya (1:1–19)Kuporofita kwaJeremiya munguva yaJosiya naJekoniya naJehoyakini naZedhekiya (2:1—25:38)Zvakaitika muupenyu hwaJeremiya (26:1—45:5)Chiporofita chakanangana namarudzi ose (46:1—51:64)Kuparara kweJerusaremu (52:1–34)