1Kwaiva nomumwe murume munyika yeUzi ainzi Jobhu. Murume iyeyo aiva munhu akarurama, ari pachokwadi, aitya Mwari uye munhu wainzvenga zvakaipa.
2Akabereka vana vakomana vanomwe uye vasikana vatatu,
3aiva nehwai zviuru zvinomwe,
nengamera zviuru zvitatu
nezvipani mazana mashanu amadhonza,
namazana mashanu amadhongi makadzi
navaranda vazhinji kwazvo,
zvokuti aiva nomukurumbira
kupinda vamwe vanhu vose vokumabvazuva.
4Vanakomana vaJobhu vaipota vachiita mabiko
mumisha yavo,
mumwe nomumwe aine chijanha chezuva rake.
Vaindokokawo hanzvadzi dzavo nhatu
kuti vadye nokunwa pamwechete navo.
5Paainge mazuva iwayo amabiko apera,
Jobhu aitumira nhume yokuti vazomuchenura.
Aifumomuka rungwanani-ngwanani
achipira zvibayiro zvokupisa
maererano nouwandu hwavo,
nokuti Jobhu aiti vangadaro vanakomana vake
vakatadzira Mwari vachimushonha mumwoyo yavo.
Jobhu aiita saizvozvo nguva dzose.
Nhanho yokutanga6Zvino nerimwe zuva zvakazoitika kuti vana vaMwari vakauya kuzozviratidza pana Tenzi. Satani akauyawo ari mukati mavo.
7Tenzi akati kuna Satani, “Uri kubvepi?” Satani akapindura Tenzi achiti, “Ndanga ndichingodzengerera zvangu nenyika ndichifamba-famba mairi.”
8Tenzi akati kuna Satani, “Wati wambofungisisa here nezvomuranda wangu Jobhu kuti hakuna akafanana naye panyika. Munhu akarurama, ari pachokwadi anotya Mwari uye anonzvenga uipi.”
9Satani akapindura Tenzi achiti, “Iye Jobhu anotya Mwari mahara here?
10Handiti makamutenderedza norumhanda iye nemba yake uye zvose zvaanazvo kumativi ose? Makakomborera basa raanoita namaoko ake. Makaita kuti zvinhu zvake zviwande panyika.
11Ingotambanudzai ruoko rwenyu mungobata chete zvose zvaanazvo muone kuti haakushonhei here pameso penyu chaipo”
12Tenzi akati kuna Satani, “Zvakanaka, zvose zvaanazvo zvava mumaoko mako, asi iye pachake usambomubatabata zvako.” Saizvozvo Satani akabva abva zvake panaMwari.
Nhamo dzakawira Jobhu13Rimwe zuva zvakaitika kuti vanakomana navanasikana vake vakanga vari pakudya zvavo nokunwa waini mumba yomukomana wavo mukuru,
14kwakauya nhume kuna Jobhu ichiti, “Nzombe dzanga dzichirima, madhongi achifura zvawo pedyo nadzo.
15VaSebhiya vauya vakazvitora vakauraya vashandi namapakatwa, ini ndoga ndini ndapunyuka kuzokutaurirai.”
16Achiri kutaura kudaro, kwakasvika mumwe achitiwo, “Moto waMwari waburuka kudenga ukapisa hwai navashandi ukavaroromesa. Ini ndoga ndini ndapunyuka kuzokutaurirai.”
17Achiri kutaurawo kudaro, kwakauyazve mumwe achiti, “VaKaradhiya vaita mapoka matatu ndokubva vaita chivhundumukira pangamera vakaenda nadzo. Vauraya vashandi namapakatwa. Ini ndoga ndini ndangopunyuka kuzokutaurirai.”
18Achiri mukutaura mumwezve ndiye vhu, akati, “Vana venyu vanga vachidya nokunwa zvavo waini mumba yomukoma wavo mukuru.
19Kwabva dutu guru ravhuvhuta nokugwenga rikarova imba iyoyo kumativi mana ikakoromokera pavadiki ivava vakafa. Ini ndoga ndini ndapunyuka kuzokutaurirai.”
20Ipapo Jobhu akasimuka akabvarura gemenzi rake. Akaveura musoro wake ndokuti pasi zvambarara achinamata.
21Akati:
“Ndakabuda mudumbu ramai vangu ndisina chandakapfeka
ndichadzokerazve ndisina chandakapfeka;
Tenzi ndiye akapa;
Tenzi ndiye atora.
Zita raTenzi ngarirumbidzwe.”
22Munaizvozvi zvose Jobhu haana chaakakanganisa kana kupa Mwari mhosva.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.