Tobhiti 4 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

IV: Tobhiya

1Pazuva rakarero, Tobhiti akabva arangarira nezvemari yaakanga achengetesa Gabhaeri kuRhagesi muMidhia

2achizviti, “Ndatosvika pakukumbira kuna Mwari kuti ndichifa zvangu. Chingave chinhu chakanaka kuti ndidaidze mwana wangu Tobhiya ndimurondedzere nezvemari iya ndisati ndafa.”

3Akadaidza mwana wake Tobhiya, akauya kwaari akamutaurira kuti,

“Kana ndichinge ndafa, nyatsondivigawo zvakanaka.

Remekedza amai vako usambovarasa zvako

mazuva ose oupenyu hwako.

Vaitire zvose zvavanoda;

usaite chinhu chinovagumbura.

4Mwanangu, urangarire kuisa kwose kwavakaita

upenyu hwavo parumano kuri kuitira iwe

pawakanga uri munhumbu.

Kana vachinge vazofawo vavige muguva

rimwechetero neni parutivi pangu.

5“Mwanangu, ramba uri munhu

akatendeseka kuna Tenzi mazuva ako ose.

Usamboda zvako kupara chitadzo

kana kudarika mitemo yake.

Ita zvakarurama mazuva ose oupenyu hwako

usambofa wakatevera makwara asina kururama

6nokuti ukaita zvinhu zviri pachokwadi

uchabudirira pazvinhu zvose zvauchaita

sezvinoita vose vano mugariro wakarurama.

7“Pazvinhu zvako, kamurawo zvimwe zvokupa vasina.

Usambofuratira murombo upi noupi zvake

Mwari haazombokufuratirawo.

8Mawandiro ezvinhu zvaunopa zvacho

ngaafambiranewo nezvinhu zvaunazvo;

kana uine zvakawanda ipawo zvakawanda,

kana uine zvishoma ipawo zvishoma.

Asi kupa kwaunoita vasina,

usaite kanyimiramundiro.

9Nokudaro unetenge uchitozvigadzirira

dura guru rapazuva renhamo

10pamusana pokuti kupa vasina

kunonunura murufu kuchinunurawo

vanhu kuti varege kupinda murima.

11Kuno Wokumusorosoro,

vose vanopa vasina,

mupiro chaiwo wakanakisisa.

12“Mwanangu zvose zvoujarijari zvose navakadzi siyana nazvo.

Kana woroora, sarudza mukadzi worudzi rwangu ini

baba wako. Usaroore mukadzi wechirudzi asiri

wedzinza rangu baba vako,

nokuti isu tiri vana vavaporofita.

Rangarira madzitateguru edu okutanga

vanaNowa naAbhurahamu naIsaki naJakobho.

Vose zvavo vakaroora vakadzi vokurudzi kwavo

vakakomborerwa muvana vavo uye rudzi

rwavo ndoruchawana nhaka yenyika.

13Newewo mwanangu, ida hama dzako.

Usave nomwoyo wokushora hama dzako,

vangave vakomana kana vasikana vorudzi

rwako vana vomuvanhu vokwako, sarudza wako

mukadzi mukati mavo ivavo.

Ndinodaro nokuti kuzvikudza kunounza

kuparadzwa nokunetseka mumwoyo,

usimbe hunopinza mukushaya chokubata nomuurombo

nokuti usimbe ndivo amai venzara.

14Rega kusvikira zuva ramangwana racho

wakangochengeta mubayiro wavanokushandira

usingavape, vatambirise pakarepo.

Kana ukashandira Mwari uchapiwa mubayiro.

“Chenjera mwanangu mune zvose zvaunoita;

unyatsozvibata pamugariro wako wose.

15Rega kuitira mumwe munhu chausingade

kuti iwe uitirwe.

Usanwe waini zvokusvika pakutoraradza.

Katsika kokupindiridza mukunwa

ngakarege kuva ndiko shamwari yako.

16Ipawo chokudya kuna vane nzara

nechokupfeka kuna vasina.

Zvose zvose zvazvo zvaunenge unazvo zvakawanda,

tsaura zvakati kuti, zvokupa vasina.

Pakupa kwacho kwaunoita usazviite uchigunun'una.

17Pakuvigwa kwomururami,

kupa chokudya newaini, ipa chaizvo

uye nomwoyo unoda asi kwete parufu rwomutadzi.

18“Unofanira kutsvaka mazano kune munhu

wose ano ungwaru, usashore zano ripi neripi rinobatsira.

19Rumbidza Tenzi Mwari mune zvose.

Mukumbire kuti akutungamirire

mumakwara ako ose asvitse nzira

dzako nezvinangwa kwazvinofanira kuperera.

Ndinodaro nokuti haasi ose marudzi akapiwa ungwaru,

Tenzi pachake ndiye anopa zvinhu

zvose zvakanaka.

Pamadiro ake zvake anosimudzira munhu

pamusoro kana kumukanda pasi pasi

chaipo pakadzama kunzvimbo yavachakabvu.

Saka zvino mwananguka rangarira mirao

iyoyi iyi, usambofa wakairega ichidzimika

mumwoyo mako.

20“Zvino mwanangu, chandinokutaurira

ndechokuti ini ndakachengetesa

masaga matatu ano makirogiramu

makumi mana, emari yesirivha

yamashekeri kuna Gabhaeri mwanakomana

waGabhuriasi, kuRhagesi muMidhia.

21Kana takave varombo mwanangu,

ngazvirege kukutyisa, unotova noupfumi

hwakawanda chaizvo kana uchitya Mwari nokunge

uchivenga chivi chipi nechipi zvacho nokungewo

uchiita zvinodiwa naTenzi Mwari wako.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help