Zvakaratidzwa 13 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Zvikara zviviri

1Ndakaona chikara chichibuda mugungwa

chine nyanga gumi

uye chine misoro minomwe

nengundu gumi panyanga dziya

nezita rokushonha Mwari pamisoro yacho.

2Chikara chandakaona chakanga chakaita sembada

matsimba acho waiti ndeebere

chiine muromo weshumba.

Zigaranyanya rakapa simba raro kuchikara ichocho

rakachipawo chigaro charo choumambo noukuru hwakakura.

3Mumwe musoro wacho waiita soune ronda rakaipisisa

asi ronda racho rakapora.

Pasi pose pakashamiswa nazvo

pakatevera chikara ichocho.

4Vanhu vakagwadama vachinamata zigaranyanya riya

nokuti rakanga rapa simba raro kuchikara

uye vakagwadama vachinamata chikara chiya vachiti,

“Ndiani angaenzaniswe nechikara

uye ndiani angarwisane nacho?”

5Chikara chakabvumirwa kutaura

chikataura mazwi okuzvikudza nookushonha Mwari

chakabvumirwa kutonga kwemwedzi makumi mana nemiviri.

6Chakazarura muromo chichitaura

mazwi okushonha Mwari

Chichishonha zita rake napaanogara

zvichireva avo vanogara kudenga.

7Chakabvumirwa kurwisa vatsvene nokuvakurira;

chakapiwa ukuru pamarudzi ose

navanhu vose nendimi dzose nendudzi dzose.

8Vose vanogara panyika vachachigwadamira vachichinamata,

vose zvavo vana mazita asina kunyorwa

pasi pasati pavapo,

mubhuku roupenyu reHwayana yakauraiwa.

9Ane nzeve ngaanzwe.

10Anenge achifanira kutapwa anotapwa

anouraya munhu nebakatwa, anofanira kuuraiwawo nebakatwa.

Ndikoka kutirira uye chitendero chinodiwa pavatsvene.

11Zvino ndakaona chimwe chikara chakabuda pasi

chakanga chiine nyanga mbiri sehwayana

uye chaitaura sezigaranyanya.

12Ichi chaiva namasimba ose echikara chokutanga

chichiita kuti pasi navagari vapo

vagwadamire vachinamata chikara chokutanga

chakanga chiine ronda rakaipisisa rakanga rapora.

13Chaiita zviratidzo zvinoshamisa zvikuru,

kunyange kutozomotsa moto mudenga

uchiuya pasi vanhu vakatarisa.

14Nezvishamiso izvozvo zvachaibvumirwa kuita

pamberi pechikara chiya

chainyengedza vagari vapasi,

chichivati vaite chifananidzo

chechikara chakakuvadzwa nebakatwa chiya,

asi chikararama.

15Chakabvumidzwa kupa chifananidzo

chechikara chiya mweya unofema

zvokuti chifananidzo chechikara chaitogona kutaura.

Uye kuti vanenge vasina kugwadama vachinamata

chifananidzo chechikara vauraiwe.

16Uye chinoitawo kuti vose

vakuru navaduku, vapfumi navarombo

vose vakasununguka navarandawo,

vaiswe mucherechedzo paruoko rworwudyi kana pahuma.

17Zvokuti hapana anogona kutenga kana kutengesa

kunze kokunge anomucherechedzo,

zvichireva zita rechikara ichocho

kana kuti nhamba yezita racho.

18Pano apa panodiwa ungwaru.

Munhu anonzwisisa ngaatsvage

azive zvinorehwa nenhamba iyoyo yechikara

nokuti ari kurehwa nenhamba iyoyo munhu.

Nhamba yacho mazana matanhatu

namakumi matanhatu nenhanhatu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help