Ungwaru 19 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

VaIjipiti navaIsiraeri: Gungwa Dzvuku

1Asi vanhu vasiri vanamati vakarwiswa

nehasha dzisina tsitsi kusvikira pamugumo,

nokuti Mwari akanga achizivawo

zvavakanga vachazoita,

2zvokuti vakabvumidza zvavo

vanhu venyu kuti vabude muIjipiti,

uye kuti vachavakurumidzisa kuenda,

asi vachizopinduka mwoyo vovaronda.

3Zvakazoitika kuti

vachakabatikana nezvorufu,

vari kumakuva vachichema vakafa vavo,

ndipo pavakafunga rimwe zano roupenzi,

vakavatevera sokunge vanhu vatiza;

asi vari ivo vakavateterera

uye vakavamanikidza kuti vaende.

4Nhamo yaikodzera kuti ivawire

ndiyo yaivakwevera kumhedziso yakadai,

zvakaita kuti vakanganwe

zviya zvakanga zvamboitika;

kuitira kuti chirango chavo chibva chazara

nenhamo dzavakanga vasina kurwadziwa nadzo,

5uye kuti vanhu venyu vave nerwendo rwunoshamisa,

asi kuti ivo vachisangana norufu rusina akamboona.

Kuchengetedzwa kwakaitwa vaIsiraeri naMwari

6Zvisikwa zvose zvakabva zvakuteererai,

zvikapindurwa kuva zvimwe zvinhu zvitsva,

kuitira kuti vana venyu

vachengeteke, vasakuvare.

7Gore rakaonekwa richiisa

bvute pamatendhe avo,

uye, nyika yakaoma yakabuda paiva nemvura

muGungwa Dzvuku mukaita nzira

isina chinopingidza,

bani rouswa rakaitika paiva namasaisai emvura.

8Vakapfuura nomo sorudzi rumwechete, vanhu

vaichengetwa noruoko rwenyu,

vachiona zvinhu zvakadai.

9Samabhiza, vakaita chamurambamhuru

vachisvetuka–svetuka sehwayana

vachikupembererai imi Tenzi makavanunura.

Kusandurwa kwezvinhu zvichisandurirwa vaIsiraeri

10VaIsiraeri vakanga vachiri kurangarira

zviya zvakaitika munyika youtorwa

kuti panze pokuti nyika ibereke mhuka

yakaburitsa tupukanana,

panokuva nehove rwizi, rwakafashukira

negurusvusvu ramatafi.

11Kuzoti pava paya, vanzwa nenzara, vakaona

imwewo mhando yeshiri mhangwa

payakavatuma kukumbira tunonaka

12kuti zvivayamure

kwakabuda zvihuta munyanza.

Kutadza kwavaIjipiti kwaipfuura kwovokuSodhumu

13Asi chirango hachina kuwira

vatadzi ava pasina

zviratidzo zvakaitika pamberi pacho

zvokutinhira kwemvura uye vaikonzera kutambudzika

pamusana pezviito zvavo zvakaipa,

nokuti vaivenga vatorwa zvakaipisisa.

14Vamwe vairamba kugamuchira vatorwa

vainge vauya kwavari;

asi vaIjipiti vaiita vaenzi vavo varanda

vari ivo vanhu vaiita kuti vakomborerwe.

15Uyezve, vokutangawo vaya

vanowanawo chirango chavo

pamusana pokusagamuchira vatorwa zvakarurama,

16asi vechipiri avo vakagamuchira

vatorwa namabiko,

asi vakazoonesa nhamo tsvuku

vanhu vavakanga vavakudyidzana navo zvakaenzana.

17Vakapofomadzwawo,

sezvakaitwa vaya vaiva pamusuo womururami,

vakatibikirwa nerima rousiku utema,

mumwe nomumwe achitotsvanzvadzira

kutsvaga musuo wemba yake.

Kusandurwa kwezvisikwa murwendo rwavaIsiraeri

18Zvacho zvinonoumba chinhu zvakachinjana nzvimbo,

sezvinoitwa tambo dzedimbwa dzinobvumirana zvadzo,

asi tambo imwe neimwe inoramba ino muririro wayo;

nokuona zvakaitika zvinobuda pachena kuti:

19mhuka dzapasi pakaoma

dzakava dzomumvura.

Dzinoshambira dzakabuda panyika.

20Moto wakaririma mumvura,

mvura ikakanganwa simba rayo

rokudzimura.

21Ndimi dzemoto hadzina kuroromesa nyama

yemhuka dzainge dzapindamo.

Haina kunyungurutsa

chokudya chiya chokudenga

chainge chando chakachena

chisingatani kunyunguruka.

22Tenzi, makaita kuti vanhu venyu

vakudzwe vave nembiri munazvose.

Hamuna kukundika kuvabatsira

panguva dzose uye munzvimbo dzose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help