Jobhu 16 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Mhinduro yechipiri yaJobhu kuna Erifasi.Vanyaradzi vanosuwisa

1Jobhu akazopindura achiti,

2“Ndakanzwa zvinhu zvizhinji zvakadaro,

muri vanyaradzi vasina maturo, mose zvenyu.

3Ko iwo mwando pakutaura uchapera here?

Chiri kukurwadzai chii kurambotaura kudaro?

4Ndaigonawo kutaura sezvamunoita.

Dai murimi izvozvi

ndingadai ndichivirikidzanisa mazwi pamuri,

ndichikudzungudzirai musoro.

5Ndingadai ndichikusimbaradzai namazwi omuromo wangu

ndichikunyaradzai zvisina mugumo.

6Kana ndikataura, kurwadziwa kwangu hakumiri.

Ndikati ndinyarare kurwadziwa hakundisiye.

Shamhu yaMwari isina zororo

7“Chokwadi chokwadi zvino, Mwari mandisakadza,

makandiparadzira mhuri yangu yose.

8Makaita kuti ndiperezeke muviri

kuonda kwangu ndicho chapupu changu

chinonongedza kwandiri mhosva yangu.

9Mwari akandibvambura-bvambura aine hasha,

akandivenga, akandichenamira meno

muvengi wangu akandidzvondorera maziso

10vanondishamira muromo kwazvo

vachindituka, vachindipamhadza padama, vose vachindimukira.

11Mwari akandiisa kuvanhu vasina kururama

akandikanda mumaoko avaipi.

12Ndakanga ndigere zvangu zvakanaka akandibvambura.

Akandibata pamutsipa akandipwanya-pwanya

ini ndini waanangana naye.

13Anondibaya mativi ose nemiseve yake

anondifushunurira pasi nduru zvisina tsitsi.

14Anondirova andirovazve,

anomhanya kwandiri sezvinoita gamba rokurwa.

15Ndasonera ganda rangu hembe dzamasaga.

Mbiri yangu ndakairega ichiti warara zvayo pasi.

16Uso hwangu hwatsvuka ropa.

Pamaziso angu pane mumvuri worufu.

17Asi maoko angu akachena

uye kunamata kwangu ndekwepachokwadi.

Chapupu changu chiri kudenga

18“Iwe nyika rega kufushira ropa rangu

kuchema kwangu ngakurege kugara pasi.

19Nazvino chapupu changu chiri kudenga

uye anonditsigira ari kumusoro.

20Shamwari dzangu dzinonditarisa dzichishora,

meso angu achamokotekera Mwari misodzi.

21Dai waro paine angareverere munhu pana Mwari,

sezvingaitwe pakati pomunhu nomumwe wake?

22Makore mashomanana akapfuura

ini ndobva ndazoenda nenzira yandisingazodzoki.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help