Muparidzi 8 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Ndiani angaenzaniswe nomungwaru.

Ndianizve angazive kutsanangura zvinhu.

Ungwaru hunopenyesa uso hwomunhu

huchipa munhu uso hwakasununguka.

Teerera mambo

2Ini ndinoti,

“Teerera zvinenge zvataurwa naMambo.”

Pamusana pemhiko kuna Mwari

3ibva paari; usanonoke

munzvimbo yenjodzi yakadaro

nokuti mambo anogona kuita chose chaada kuita.

4Nokuti zvinenge zvataurwa namambo ndizvozvo.

Ndiani angamuti, “Ko chii chamaita?”

5Munhu anoteerera mutemo hapana chinomuwira

mungwaru anoziva mumwoyo make

nguva kwayo nezvinofanira kuitwa.

6Nokuti chinhu chimwe nechimwe

chine nguva yacho namaitirwo acho

kunyange munhu achiremerwa nenhamo

7nokuti hapana anoziva zvichaitika

uye ndiani angamutaurire kuti zvichaitika sei.

8Hapana munhu anokwanisa kutonga mweya

kana kuramba akauchengetedza.

Hapanawo ane simba nezvezuva rokufa.

Hondo haina wainosia

uipi hauponesi

mwene wahwo.

Vakaipa navarurami

9Zvose izvozvi ndakazviongorora ndichirangarira zvose zvinoitwa pasi pezuva, munhu achiremedza vamwe asi zvichizomupfukira iye.

10Ndakaonawo vakaipa vachivigwa vakabuda munzvimbo tsvene vachirumbidzwa muguta ravaiita zvakadaro izvozvi izvi hazvinzwisisiki.

11Pamusana pokuti chirango chezvakaipa zvinenge zvaitwa hachisi kupiwa nokukurumidza, vanhu vanobva varamba mwoyo yavo yavakudisisa kuita zvakaipa.

12Mutadzi anogona zvake kuita zvakaipa kazana agove noupenyu urefu asi chandinoziva ndechokuti, “Vanotya Mwari ndovachanakirwa nezvinhu pamusana pokumutya kwavanoita.

13Muipi hazvimbomufambira zvakanaka. Uye haakwanisi kurebesa upenyu hwake somumvuri nokuti haatyi Mwari.”

14Pane zvimwe zvisinganzwisisiki zvinoitika panyika zvokuti kune varurami vanowirwa nezvinowira vakaipa kwouyawo vaipi vanowana mubayiro unowanikwa navakarurama. Ndakati izviwo hazvinzwisisiki.

15Saka ini ndinokurudzira kufara nokuti munhu haana chimwe chinhu pasi pedenga kusiya kudya nokunwa nokufara nokuti izvi ndizvo zvinobva mukushingaira kwake nebasa mumazuva ake oupenyu aakapiwa naMwari pasi pedenga.

16Pandakazvipira mwoyo kuti ndizive ungwaru uye kuti ndione basa riri kuitwa panyika ungatotadza kukotsira nazvo siku nesikati.

17Ndakaona kuti pamabasa ose aMwari, munhu haangakwanise kuziva basa rinoitwa pasi pedenga. Hazvina mhosva kuti munhu angashingaire sei kuzvitsvaka, haambozviwana. Kunyange mungwaru angati anozviziva haambokwanisa kuzviwana.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help