1Mwanangu, kana wazvipira kushandira Mwari,
wotogadzirira kuedzwa.
2Gadzikika mwoyo pasi utsige,
urege kukurumidzira zvinhu kana zvaipa.
3Ramba wakati kwati kwati naye
usarasane naye
kuti ugoremekedzwa nezuva rokuguma kwako.
4Gamuchira chiri chose chinenge chakuwira,
kana pakaita zvinosanduka zvinokudukupisa
iwe tirira hako
5nokuti ndarama inooneswa
kuti ndiyo chaiyo nomoto.
Vanhuwo vakagamuchirwa naMwari
vanooneswa zvavari
nevira rezvinodukupisa
6Vimba naye, achakubatsira,
ruramisa makwara ako,
utarisire kwaari.
7Imi munotya Mwari
mirirai tsitsi dzake,
musatsauke munzira,
mungadaro mukaputsika.
8Imi munotya Mwari, vimbai naye,
mubayiro wenyu hamuushayi.
9Imi munotya Mwari,
ivai nechitarisiro chezvakanaka,
mutarisire kuwana rufaro rusingaperi
nokunzwirwa ngoni.
10Rangarirai nezvamadzinza
akapfuura muzvionere kuti
ndiani akambovimba naMwari
akazonyadziswa?
Ndiani akamboramba achimutya akazoraswa?
Ndiani akambochema kwaari akapiwa gotsi?
11Mwari ane tsitsi nengoni,
anoregerera zvitadzo,
achinunurawo munguva yenhamo.
12Zvichemei imi vemwoyo inotya
nemiwo vana maoko akaregedzera
nemiwo vatadzi
munofamba nzira mbiri!
13Zvichemei imi vemwoyo midiki
nokuti hamuna chitendero,
saka hamuzodzivirirwa!
14Zvichemei imi makarasa mwoyo!
Chiiko chamuchaita kana morangwa?
15Vanotya Mwari havarambi kuteerera mazwi ake.
Vanomuda vachatevedza makwara ake.
16Vanotya Mwari vanotsvaga zvinomufadza,
vanomuda, mavari, mutemo wake
wakabaya ukatyokera.
17Vanotya Mwari
vanogara vakagadzirira mwoyo yavo
vanozvidukupisa pamberi pake.
18Zviri nani kuti tiwire zvedu
mumaoko maMwari,
pano kuwira mumaoko avanhu,
nokuti sezvakangoita ukuru hwake
ndozvakangoitawo tsitsi dzake.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.