Sira 2 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Kutya Mwari kwomunhu ari pakuedzwa

1Mwanangu, kana wazvipira kushandira Mwari,

wotogadzirira kuedzwa.

2Gadzikika mwoyo pasi utsige,

urege kukurumidzira zvinhu kana zvaipa.

3Ramba wakati kwati kwati naye

usarasane naye

kuti ugoremekedzwa nezuva rokuguma kwako.

4Gamuchira chiri chose chinenge chakuwira,

kana pakaita zvinosanduka zvinokudukupisa

iwe tirira hako

5nokuti ndarama inooneswa

kuti ndiyo chaiyo nomoto.

Vanhuwo vakagamuchirwa naMwari

vanooneswa zvavari

nevira rezvinodukupisa

6Vimba naye, achakubatsira,

ruramisa makwara ako,

utarisire kwaari.

7Imi munotya Mwari

mirirai tsitsi dzake,

musatsauke munzira,

mungadaro mukaputsika.

8Imi munotya Mwari, vimbai naye,

mubayiro wenyu hamuushayi.

9Imi munotya Mwari,

ivai nechitarisiro chezvakanaka,

mutarisire kuwana rufaro rusingaperi

nokunzwirwa ngoni.

10Rangarirai nezvamadzinza

akapfuura muzvionere kuti

ndiani akambovimba naMwari

akazonyadziswa?

Ndiani akamboramba achimutya akazoraswa?

Ndiani akambochema kwaari akapiwa gotsi?

11Mwari ane tsitsi nengoni,

anoregerera zvitadzo,

achinunurawo munguva yenhamo.

12Zvichemei imi vemwoyo inotya

nemiwo vana maoko akaregedzera

nemiwo vatadzi

munofamba nzira mbiri!

13Zvichemei imi vemwoyo midiki

nokuti hamuna chitendero,

saka hamuzodzivirirwa!

14Zvichemei imi makarasa mwoyo!

Chiiko chamuchaita kana morangwa?

15Vanotya Mwari havarambi kuteerera mazwi ake.

Vanomuda vachatevedza makwara ake.

16Vanotya Mwari vanotsvaga zvinomufadza,

vanomuda, mavari, mutemo wake

wakabaya ukatyokera.

17Vanotya Mwari

vanogara vakagadzirira mwoyo yavo

vanozvidukupisa pamberi pake.

18Zviri nani kuti tiwire zvedu

mumaoko maMwari,

pano kuwira mumaoko avanhu,

nokuti sezvakangoita ukuru hwake

ndozvakangoitawo tsitsi dzake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help