Zefaniya 2 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Kokorodzanai muite musangano

imi rudzi rwavanhu vasinganyari

2musati mapupurutsirwa kure

sehundi iri kupepetswa

imi musati mavirukirwa

nehasha dzaTenzi

musati mawirwa

nezuva rehasha dzaTenzi.

3Tsvakai Tenzi,

imi mose varombo venyika iyi

vanotevedza mirao yake.

Tsvakai kururama mutsvage kuzvininipisa,

zvimwe mungahwandiswe

pamusi wehasha dzaTenzi.

KUPARARA KWEMARUDZI OMUNHARAUNDA YEISIRAERIMarudzi akasiyana-siyana

4Chikonzero chacho ndechokuti:

Gaza iyi ichatizwa

uye Ashikeroni ichava dongo zvaro

vanhu veAshidhodhi vachadzingwa

zuva rakacheka nyika,

uye Ekironi ichadzipurwa.

Firisitia

5Muchawira zvenyu

imi vagari vokumahombekombe kwegungwa,

imi rudzi rwevanhu vechiKereti.

Shoko raTenzi ranangana nemi.

Iwe Kanani, nyika yevaFirisitia

ndichakuparadza zvokusara

musisina anogara imomo.

6Nemi mahombekombe egungwa

muchava mafuro zvawo

makan'a avafudzi

pamwechete namatanga ezvipfuwo.

7Nyika yokumahombekombe kwegungwa ichava

yechitsama chakasara chemba yokwaJudha

ichiva mafuro avo

uye nomudzimba dzeAshikeroni

ndomavacharara zvavo kumanheru

nokuti Tenzi, Mwari wavo

achange avabvakachira

achivadzosera makomborero avo.

Moabhu naAmoni

8“Ndakanzwa ini kunyomba kweMoabhu

nokutuka kwavaAmoni

kutuka kwavakaita vanhu vangu

vachidadira nyika yavo.

9Ndokusaka zvava kunzi

naTenzi wehondo nehondo

iye Mwari weIsiraeri,

hezvino ndakadai,

Moabhu ichaita seSodhomu

vanhu vechiAmoni vachaita seGomora

kuva nyika yorukato

namakomba omunyu

yava renje nokusingaperi.

Chitsama chavanhu vangu

chinosara chacho chichavapamba,

verudzi rwangu vanenge vapunyuka rufu

vachavaita vanhu vavo.”

10Iwoyu ndouchava mubayiro wavo

wokuzvikudza kwavo

nokuti vaishora nokudadira

vanhu vaTenzi wehondo nehondo.

11Tenzi achavatyisa kwazvo.

Hongu achashayisa maturo

vamwari vapanyika vese

uye marudzi achati

kwaari pasi gwadagwa

vari kunzvimbo dzavo ikoko.

Itiopia naAsiria

12Newewo iyewe Itiopia

uchaurayiwa nehondo yebakatwa rangu.

13Iye achasumudzira vokuchamhembe

shamhu yoruoko rwake

agoparadza Asiria

Ninivhe achisiya yava dongo

renje zvaro rakaoma

rakaita segwenga.

14Matanga emombe

acharara zvawo pakati paro,

mhuka dzose dzesango

magora nenjiri zvose zviri zviviri

zvichagara pambiru dzaro,

kuchema kwezizi

kuchinzwika mumawindho

gunguo richachema riri pamusuo

mapango emusidhari

achanzi panze yacha kufukurwa.

15Ndirorika guta ramafaro

rakanga rigere pamutambaratede

rokumbozviti, “Ndini pano, ini chete,

hakuna kana mumwezve.”

Hero rava renje zvaro

dambiro remhuka dzesango.

Munhu wose anopfuura nepariri

achashamiswa

achirasa-rasa maoko ake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help