2 Vanamakabhi 15 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Kushora Mwari kwakaita Nikanori

1Nikamori paakanzwa kuti Judhasi navarwi vake vari kudunhu reSamaria, akaronga mazano okuvarwisa nawo pasina chinomuwana pazuva rokuzorora.

2VaJudha vakanga vangomanikidzwa kumutevera vakati, “Regai kuzoparadza noutsinye samagandanga asi kuti muremekedzewo zuva racho rakatoremekedzwawo naiye muoni wezvese, akarieresa kudarika mamwe mazuva ese,”

3asi munhu worushambwa rwakapetwa katatu akabvunza kuti kune mutongi kudenga akaisa mutemo wokuti Sabata richengetwe here?

4Ivo pavakati, “NdiTenzi mupenyu pachake, Mambo Wedenga, ndiye akatiti tichengete Zuva rechinomwe.”

5Iye ndokuti, “Neniwo ndiri mambo pasi pano! Zvino ndiri kukuudzai kuti torai zvombo zvehondo mupedzise kuita basa ramambo.” Zvakadaro zvazvo haana kuzobudirira kuita uipi hwaakanga aronga.

Kukurudzira kwaJudhasi varwi vake

6Nikanori uyu akatoita nyundwa kwazvo kuzvitutumadza nokuzvikudza akatenge aronga kuzovaka chimwe chokuyeuchidza kukurira kwake Judhasi navarwi vake.

7Asi Makabheusi haana kumborega kuvimba nomwoyo wose kuti achawana rubatsiro kuna Tenzi.

8Akakurudzira chaizvo varwi vake kuti varege kumbotya kurwiswa nevechirudzi, asi kuti vatochengeta mumwoyo zvenguva dzakare pavakambobatsirwa nedenga nazvinowo vatarisire kukurira kwavaizopiwa naSamasimbaose.

9Akavakurudzira achivaudza zviri mumutemo nezvakanyorwa navaporofita achivayeuchidzawo hondo dzavakakurira, akatonyanya kwazvo kuvamutsa mwoyo.

10Paakanga amutsa chivindi chavo, akavaudza zvaaida kuti zviitwe pakarepo achibvawo avaisira pachena uipi hwevechirudzi nokutyora kwavanoita zvitsidzo.

11Chaakabatisa mumwe nomumwe wavo hakuzi kuti avimbe nenhoo idzi chete kana namapfumo asi kutoti mashoko anopa mweya wechivindi. Akavasimbaradza vose nokuvarondedzera hope dzainge chiratidzo chainzwika.

12Zvaakaona ndezvizvi izvi zvokuti Oniasi uya akambenge ari mupristi mukuru ari munhu akanaka ano chiremera anozvibata ane unyoro, ari munhu anotaura zvinhu chaizvo zvakakodzera akanga akarayiwa kubvira pauduku zvose zvounhu kwahwo hwakanakisisa; akanga achinamatawo akasumudzawo maoko mudenga achikumbirira mhuri yose yavaJudha.

13Ipapo pakaoneka mumwe murume anoshamisawo achena musoro nechiremera ari mukuru mukuru chaiye ana masimba makuru chaiwo.

14Oniasi ndokutaura achiti, “Uyu murume anoda hama dzake anonamatira chaizvo vanhu neguta rinoera, ndiJeremiya muprofita waMwari.”

15Jeremiya akatambanudza ruoko rwake rworudyi akatambidza Judhasi bakatwa rendarama. Paaimupa kudaro akamutaurira kuti,

16“Tora bakatwa rinoera iri

chipo chawapiwa naMwari

chauchauraya nacho

mhandu dzako.”

Kuronganira hondo kwevarwi vaMakabheusi vaNikanori

17Majaya aya paakakurudzirwa namashoko akanga ataurwa naJudhasi, mazwi anovaka zvokutomutsa chivindi anomutsa mwoyo wechirume mune vechidiki, vakafunga kuti varege kungova nehondo yapamuromo asi kurwisa nechivindi nokupedza nyaya iyoyo nokurwa zvokutobatana namaoko zviya nechivindi chizere nokuti guta neNzvimbo Inoera neTemberi zvakanga zvava munjodzi.

18Chavainge vava kutungamidza kutyira zvikuru iNzvimbo Inoera yakateketerwa kuna Mwari kutopinda vakadzi navana uyewo vakoma navanun'una nehama.

19Vaye vainge vachizosara muguta, kutambudzika kwavo mumwoyo kwainge kuri kumwecheteko, vainetsekana nenyaya yezvekurwisana kwehondo kunze'ku.

20Vose pavakanga vava kutarisira kuti chii chavachaita izvozvo mhandu yakanga yave pedyo, hondo yavo yavarwi yatoronganiswa kuti ichirwa uye nzou dzamiswa munzvimbo dzadzo dzatoteya kurwa hondo navarwi vamabhiza vanzi uku vamwe uku vamwe.

21Makabheusi akaona mukuriro wakanga wakaita hondo dzavavengi vavo dzavakanga vatarisana nadzo nemhando nemhando dzezvombo zvokurwisa zvakanga zviripo nokutya hwakanga hwaakuita nzou dzavo akasumudzira maoko ake kudenga ndokuchema kuna Tenzi anoita zvishamiso nokuti aiziva kuti kuna vanokodzera hazvisi zvombo zvokurwisa zvinoita kuti vakurire, asi kuti zvinenge zvatemwa naTenzi.

22Akachema kwaari achiti,

“Nhai Tenzi, makambotumira mutumwa wenyu

panguva dzaHezekiya mambo weJudhia,

akanyatsouraya varwi zana namakumi masere

ezvuru ane zviuru zvishanu mumusasa

wematendhe wamambo Senakeribhu.

23Naizvozvo imi Mambo Wedenga tumirai waro mutumwa

wakanaka kuzotipinzirawo muvanhu ava mweya

wokutya newekutidedera.

24“Vanhu ava vashonhi venyu Mwari vauya

kuzorwisa vanhu venyu vanoera,

vaparadzei nesimba roruoko rwenyu.

Makabheusi akapedza munamato wake namazwi rwenyu.”

Firo yaNikanori nokukurirwa kwehondo yake

25Nikanori navarwi vake vakauya vachiridza mabhosvo kuchiimbwa ngondo.

26Judhasi navarwi vake vakatanga kurwisana nomuvengi vachikumbira kuna Mwari neminamato.

27Saizvozvo vaiti uku namaoko vari kurwisa, uku mumwoyo mavo vachinamata kuna Mwari. Vakauraya vanhu vanopfuura zviuru makumi matatu nezvishanu, vakazofara kwazvo nokuzviratidza kwakaita Mwari.

28Pakapera kurwisana uku, vava kudzoka vachifara, vakaona Nikanori akati umburu kufa akapfeka hanzu dzake dzehondo.

29Pakaita zhowezhowe ruzha vachirumbidza Mambo, Tenzi mururimi rwemadzitateguru avo.

30Zvino munhu uya akanga akazvipira nomwoyo wose kudzivirira vagari vomunyika yake, munhu akaramba achiitira vanhu vomunyika make mwoyo wakanaka kubvira pauduku hwake Judhasi akati vadimure Nikanori musoro noruoko vaende nazvo kuJerusaremu.

31Paakasvika ikoko akaunganidza vanhu vomunyika make, uye akamisa vapristi pamberi peatari, akatuma vanhu kundodaidza vaya vakanga vari munhare yokuzvidzivirira nayo muhondo.

32Akavaratidza musoro womukonyora uya, Nikanori noruoko rwomunhu akan'ora rwaaizvikudza narwo achisimudzira kuimba inoera yaSamasimbaose.

33Akadimura rurimi rwomunhu asingatyi Mwari uyu, Nikanori, achiti acharupa nhango nenhango kushiri sechokudya chadzo somubayiro woupenzi hwake arembedzwe pakatarisana neNzvimbo Inoera.

34Vose vakatarisa kudenga vakarumbidza Tenzi akanga azviratidza vachiti, “Ngaarumbidzwe iye akazvichengetera nzvimbo yake isina kun'oreswa.”

35Akasungirira musoro waNikanori panhare yokuzvidzivirira nayo muhondo chikava chiratidzo chinooneka pachena kuna ani naani wose chorubatisro rwaTenzi.

36Vakaita chirevo chakabvumiranwa navanhu vose chokuti zuva iroro rirege kuzombopfuura vasina kurichengeta, asi kuti vapembere pazuva regumi nechitatu romwedzi wegumi nechipiri unonzi mwedzi waAdhari mururimi rwechiSiria, zuva riri pamberi peZuva Guru raModhekai.

37Aya ndiwo mafambiro akaita nyaya dzaNikanori. Zvino kubvira panguva iyoyo guta iri richiri mumaoko avaHebheru. Naizvozvo iniwo ndava kugumisira rungano rwangu pano.

38Kana ndanyatsorurondedzera nemazvo chaimo ndizvo chaizvo zvandaida. Kana ndisina kubva ndadedemura chaizvo nemazvo, kana kuti zviri pakati napakati, ndipo pandagonerawo ipapo.

39Sezvazvinongoita kuti waini kana ikanwiwa iri yoga inokuvadza kana kuti kungonwa mvura yoga asi waini ikasanganiswa nemvura inotapira nokunaka ichinyatsoita kuti munhu anakirwe noupenyu, ndozvakangoitawo manyorero orungano anofadza munzeve dzavanoverenga zvanyorwa zvacho. Pano ndopakaperera sarungano.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help