Isaya 66 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Kutonga marudzi kwaTenzi

1Zvanzi naTenzi,

“Denga ndiro chigaro changu choushe,

nyika iri iyo

pokuisa tsoka dzangu.

Imba yorudzii yamungandivakire,

inzvimboi inganzi

ndeyangu yokuzororera?

2Zvose izvozvi

ndini ndakazviita

noruoko rwangu?

Ipapo zvose izvi ndezvangu

ndizvo zviri kutaura Tenzi,

asi munhu wandinocheuka

munhu akadai izvi:

munhu anozvidukupisa

ane mwoyo wokutendeuka

anodedera izwi rangu.

3“Zvavakati kuuraya mombe

kwakafanana nokuuraya munhu

kana kuti anoita hwai chipiro

zvakafanana nokutyora imbwa mutsipa

kana anopira mupiro wembwesanwa

akafanana neanopira ropa renguruve

uye kuti munhu anopira mupiro

wokuyeuka worusenzi

akafanana neanoremekedza

chifananidzo chokunamata,

vanhu vakadai vanoita zvomusoro wavo

vanofarira zvinhu zvavo izvozvo

zvinosemesa.

4Ini ndichavasarudzirawo nhamo

ndichivaunzira zvavanenge vachitya

nokuti ndakadaidza

asi hapana akadavira.

Ndakataura asi hapana akateerera

asi vakatoita

zvakaipa zvandisingamboda

vachizvisarudzira

zvinhu zvandisingadi.”

5Chimbonzwai zviri kutaurwa naTenzi

imi munodedera izwi rake:

“Hama dzenyu dzinokuvengai,

dzinokudzingai pamusana pezita rangu

vakataura vachiti,

‘Regai iye Tenzi

arumbidzwe,

tione kufara kwenyu ikoko!’

Asi ivo

ndivo vachanyadziswa.

6Hero bongozozo richibva muguta,

izwi riri kubva kuTemberi,

izwi raTenzi,

ari kuranga vavengi vake

achivatsividza.

7“Asati amborwadzwa zvake nepamuviri

mukadzi akasununguka mwana,

asati abatwa nemarwadzo emimba

akasununguka mwana mukomana.

8Ndiani chaizvo ati

ambonzwa chinhu chakadaro

ndiani ati amboona zvakadaro.

Nyika ingaberekwe

nomusi mumwechete here?

Rudzi rwavanhu rungabva

rwaberekwa nenguva isipi here?

Ndinodaro nokuti guta reZioni

parakangoti rwadzwei nemimba

rakabva rasununguka

vana varo vakomana.

9Ko ndingasvitse munhu

panguva yokuti apone mwana

ndigorega kuti asununguke here?

Ndizvo zviri kutaura Tenzi.

Ko ini ndinoita kuti

vanhu vabereke vana,

ndini ndingazodzivisa here

kuti pamuviri pasunungukwe?”

Ndizvo zviri kutaura Mwari wako.

10Pamberi nokufara neguta reJerusaremu

muchirifarira

imi mose munorida.

Farai naro muchipembera nokufara

imi mose munorichema.

11Kuti muyamwe zvenyu muchiguta

pamazamu aro anonyaradza,

kuti munyatsoyamwa muchinakirwa

noupfumi hwakawanda

hwomukurumbira waro.

12Chiripo ndechokuti zvanzi naTenzi,

“Teererai munzwe,

ndichaita kuti upfumi rugare

ruerere kwariri serwizi,

upfumi hwavamarudzi huchiita

sorukova rwakafashukira kuzara.

Muchayamwa zvenyu

makaita zvokutakurwa

parutivi paro muchivarayidzwa

muri pamakumbo paro.

13Semwana ari kunyaradzwa naamai vake

ndokunyaradza kwandichakuitawo imi.

Muchanyaradzwa muri muJerusaremu.

14Muchatozvionerawo moga

mugofara mumwoyo,

muchinyatsokura zvakanaka muviri

kuita souswa.

Ndopazvichazikanwa kuti

simba reruoko rwaTenzi

riri pavaranda vake,

asi akashatirirwa kwazvo

vavengi vake.”

15Chinzwai, ndinodaro nokuti,

Tenzi achauya ari mumoto,

ngoro dzake dzehondo

dzichinge dutu remhepo,

kuzotsiva nehasha

achiranga namarimi omoto

16nokuti Tenzi achatonga nomoto

nebakatwa rehondo yake

richawira vanhu vose zvavo panyika,

vachaurayiwa naTenzi

vachange vakawanda.

17“Vanozviita vatsvene navanozvichenura kuti vaende mumapindu vachiteveredzana nomumwe ari pakati vachidya nyama yenguruve nezvinhu zvakaipa zvisingadiwe naMwari nembeva, vachapera pamwechete ndizvo zviri kutaura Tenzi.

18“Ndinodaro nokuti, ndinoziva

mabasa avo netwavanofunga.

Ndiri kuuya kuzounganidza

ndudzi dzose dzavanhu

nendimi dzose zvadzo

vachasvikoona mbiri yangu.

19Ndichaisa mucherechedzo pakati pavo,

ndichatora mukati mavo imomo

chitsama chavanhu chichapunyuka rufu

ndigochitumira kudzindudzi,

kuTashishi nokuPuru nokuRudhi

vanokunga uta. Ndichavatumirawo

kuTubharu nokuJavhani nokunyika

dzokumahombekombe kwegungwa kure

uko kusina kumbonzwika mukurumbira

wangu kana kuonekwa mbiri yangu.

Vachadhumhisa mbiri yangu mukati

mendudzi dzavanhu.

20Ivo vachauya nehama dzenyu dzose

vachibva nadzo kundudzi dzose dzavanhu somupiro

kuna Tenzi vari pamabhiza nomungoro dzehondo

nomungoro dzine tutenga napamanyurusi

nepanghamera dzinomhanya kwazvo vakananga

kugomo rangu rinoera, Jerusaremu,

ndizvo zviri kutaura Tenzi, vachiita sokuuya

kunoita vaIsiraeri

nomupiro wembesanwa uri mumudziyo wakachena

kumba kwaTenzi.

21Vamwewo vavo ndichavaita vapristi

vamwe ndichivaita vaRevhi, ndizvo zviri kutaura Tenzi.

22“Ndinodaro nokuti sezvazvichangoita kuti

denga idzva nenyika itsva zvandichasika

zvicharamba zviri pandiri.

Ndizvo zviri kutaura Tenzi,

ndozvichangoitawo zvizvarwa zvenyu

nezita renyu zvicharamba zvichingovapo.”

23“Kubvira pakugara kwomwedzi

kusvikira panozogarawo mumwe mwedzi,

uye kubvira paSabata

kusvikira pane rimwe Sabata,

munhu wose zvake

achange achiuya kuzondigwadamira,”

ndizvo zviri kutaura Tenzi.

24“Vachabudamo zvavo vachindoona zvitunha zvevanhu vakandipandukira nokuti honye dzavo hadzizofi, moto wavo uchange usingadzimi. Vachange vari chinhu chinosemesa kwazvo kumunhu wese zvake.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help