1Uyewo izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti,
2“Iwe mwanakomana womunhu tonga guta iri guta remhosva yokudeura ropa, ritonge. Ritaurire zviito zvaro zvose zvinosemesa.
3Unofanira kuti, zvanzi naTenzi Mwari,
“Guta rokudeura ropa mukati maro
nguva yako yazosvika;
iyewe nyakugadzira zvifananidzo
zvokunamata zvokuzvin'oresa!
4Une mhosva iwe pamusana peropa
rawakadeura ukan'oreswa nezvifananidzo
zvokunamata zvawakaita.
Ipapo wakaita kuti
zuva rako risvike, nguva yako yamakore
awakatarirwa yasvika.
Naizvozvo ndakuita kuti uve chiseko
zvacho kumarudzi nechinhu
chinoshoreka munyika dzose zvadzo.
5Vepedyo nevokure newe vachakunyomba,
iwe nhunzvatunzva izere mheremhere.
6“Tarisa uone, machinda eIsiraeri,
mumwe nomumwe sokugona kwake, anokarira
kudeura ropa.
7Vanhu vava kuzvidza baba naamai
mauri iwe guta, vava kutorera mari vaenzi
nenzira dzokusevenzesa chisimba mukati mako.
Vanhu vava kuitira zvakaipa
nherera nechirikadzi mauri iwe.
8Munozvidza zvinhu zvangu zvinoera
muchin'oresa mazuva angu eSabata.
9Mauri iwe, vanhu vari kudeura ropa
namakuhwa avo, uye vanhu vari mauri iwe
vanodyira mumakomo
vava kuita zvinhu
zvisina hunhu mukati mako.
10Mauri iwe vanasikana vari kufeva namadzibaba avo.
Mauri iyewe varume vari kumanikidza kugara
navakadzi vari panguva yavo yokutevera.
11Mumwe anoita zvinhu zvinosemesa nomudzimai
womumwe, mumwewo achiita upombwe
hunotonyadzisa nomuroora wake.
Mumwezve murume mauri iwe anotadza nehanzvadzi yake,
mwana wababa vake chaiye.
12Mauri vanhu vanogamuchira chiokomuhomwe
chokuti vadeure ropa.
Munokweretesa mari nechimbadzo
muchitarisira kuti idzoke
yabereka muchizviwanira zvinhu nokutorera
vamwe nenzira dzokushandisa chisimba mukandikanganwa.”
Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
13“Chinzwa, naizvozvo ini ndinorova pasi
nechibhakera changu ndichikomekedza nezvokuwana
zvinhu nokubiridzira kwamunoita uye
ndichikomekedza nezveropa rinodeurwa pakati pako.
14Naicho chivindi chako ichochi
ungapamire here, kana kutokwinyirirawo
kwazvo namaoko ako iwe mumazuva
andinenge ndanangana newe?
Ini Tenzi ndini ndataura uye ndichazviita.
15Ndichakutii mwarara mukati memarudzi
ndichiita kuti mupararire nedzinyika.
Ndicharoromesa zvakaora mauri.
16Muchava vanhu vakan'ora
mukuona kwamarudzi.
Ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi.”
Virira romoto waTenzi wokuchenesa nyika17Shoko raTenzi rakauyazve kwandiri rikati,
18“Iwe mwanakomana womunhu, imba yaIsiraeri yangova marara zvawo outare kwandiri. Vose zvavo, vaita sesirivha nendarira noutare hwerata nesimbi nomutobvu zviri muvirira romoto vangova marara hawo outare.
19Ndokusaka zvanzi naTenzi Mwari, mose zvenyu zvamava marara zvawo outare kudai naizvozvo, chinzwai, ndichakuunganidzai pakati peJerusaremu.
20Sokuunganidza kunoitwa sirivha nendarira nesimbi nomutobvu noutare hwerata muvirira romoto zvigovhutirwa moto kuitira kuti zvinyongodeke, ndokuunganidza kwandichakuitai ndakashatirwa ndakatsamwa ndichakurongererai imomo ndikunyongodesei.
21Ndichakuunganidzai ndigokuvhutirai nemoto chaiwo wehasha dzangu. Muchanyongodeka mukati mawo.
22Sokunyongodeka kunoita sirivha muvirira ndiko kunyongodeka kwamuchaita mukati mawo. Ndipo pamuchaziva kuti ini Tenzi ndini ndakuvirukirai nehasha.”
23Izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati,
24“Iwe mwanakomana womunhu iti kunyika iyi uri nyika isina kuchenurwa, isina kuniwa nemvura pazuva rehasha.
25Machinda, mukati mayo vakaita seshumba dziri kuwomba dzichibvambura-bvambura nyama. Vakapfuudza upenyu hwavanhu. Vakapamba upfumi nezvinhu zvakakosha. Vakaita kuti vazhinji vave chirikadzi mukati mayo.
26Vapristi vayo vakatyoranisa mutemo wangu, vakan'oresa zvinhu zvangu zvinoera; havana kusiyanisa chinhu chinoera nechinhuwo zvacho. Havanawo kudzidzisa kusiyana kwezvan'ora nezvisina. Masabata angu havana kuaitira hanya zvokuti ndava chinhu chakan'ora pakati pavo.
27Machinda, mukati mavo, vava mhumi zvadzo dzinobvambura-bvambura nyama nokudeura ropa vachiparadza upenyu vachizviwanira zvinhu nenzira dzisina kutendeka.
28Uye vaporofita vayo vanodzurura nesuko vachiona zviratidzo zvenhema vachishopera chiporofita chamanyepo vachiti zvanzi naTenzi Mwari; iye Tenzi asina chaataura.
29Vanhu venyika iyoyi vanotorera vanhu zvinhu nechisimba uye vanopamba. Vanoonesa nhamo varombo navasina chavanacho; vanoitira zvakaipa mueni zvisina ruenzaniso.
30Zvino ndakatsvaga pakati pavo munhu angavake rusvingo, anomira pakakoromoka pamberi pangu, akamiririra nyika kuitira kuti ndirege kuiparadza. Asi hapana wandakawana.
31Ipapo ndakavavirukira nehasha ndikavaroromesa nomoto wehasha dzangu. Maitiro avo ndakati avapfukire.” Ndizvo zviri kureva Tenzi Mwari.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.