Muparidzi 3 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho

1Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho uye basa rimwe nerimwe rine nguva yaro pasi pedenga.

2Pane nguva yokuberekwa

nenguvawo yokufa.

Pane nguva yokusima

nenguvawo yokudzipura zvakasimwa.

3Pane nguva yokuuraya

nenguvawo yokuporesa.

Pane nguva yokupaza

nenguvawo yokuvaka.

4Pane nguva yokuchema

nenguvawo yokuseka.

Pane nguva yokuungudza

nenguvawo yokupembera.

5Pane nguva yokukanda mambwe uko nokoko

nenguvawo yokuunganidza mabwe.

Pane nguva yokumbundirana

nenguvawo yokusambundirana.

6Pane nguva yokutsvaka

nenguvawo yokurasa.

Pane nguva yokuchengeta

nenguvawo yokurasa.

7Pane nguva yokubvarura

nenguvawo yokusona.

Pane nguva yokunyarara

nenguvawo yokutaura.

8Pane nguva yokuda

nenguvawo yokuvenga.

Pane nguva yehondo

nenguvawo yorugare.

9Ko iye munhu anoshanda anowanei chaizvo nokushingaira kwake kwaanoita nebasa?

10Ndakaona zvangu basa rakapiwa vanhu naMwari kuti vawane chokuita.

11Akaita kuti zvinhu zvose zvive nenguva yazvo yakafanirana nazvo, uye akaisa muvanhu pfungwa yenguva isina mugumo. Asi munhu asingakwanise kunzwisisa zvakaitwa naMwari kubvira pakutanga kusvika pamugumo.

12Chandinoziva ndechokuti hapana chakanaka kuvanhu sokufara zvavo nokufarikana mazuva oupenyu hwavo hwose.

13Chimwewo ndechokuti chipo chaMwari kumunhu kuti munhu wose adye zvake, anwe uye kuti afadzwe nebasa rake rose raanoita.

14Ndinoziva kuti zvose zvinoitwa naMwari zvicharamba zviripo nokusingaperi, hapana chingawedzerwe pazviri kana chingabviswe pazviri. Mwari akaita izvozvo kuitira kuti vanhu vamutye.

15Chiripo, chakanga chiripo kare,

chichazovapo, chakanga chiripo kare

Mwari achiitawo kuti zvakamboitika zviitikezve.

Kushaika kworuenzaniso panyika

16Ndakaonawo pasi pedenga kuti

panofanira kuva noruenzaniso

ipapo ndipo pano uipi

panofanira kuva noururami

ipapo ndipo pano uipi.

17Ndakazviti nechomumwoyo,

“Mwari achatonga vakarurama navakaipa

nokuti akatemera chinhu chimwe

nechimwe nguva yacho

uye nguva yebasa roga roga.”

18Ndakazvifungawo mumwoyo nezvavanhu kuti Mwari anenge achivaedza zvake kuti avaratidze kuti ivo pachavo imhuka.

19Zvinowira vanhu ndizvowo zvinowira mhuka, munhu anofa, mhukawo inofa. Zvinofema mweya mumwechete. Munhu haana chaanokunda mhuka nacho nokuti zvose hazvinzwisisiki.

20Zvose zvinoenda kunzvimbo imwecheteyo. Zvose zvinobva muvhu uye zvose zvinodzokerazve kuvhu.

21Ndiani angazive kuti mweya womunhu unokwira kumusoro here kana kuti mweya wemunhu unodzika pasi muvhu.

22Ndokusaka ndakaona kuti hapana chakanaka kumunhu panekufadzwa nebasa rake nokuti ndiwo mugove wake. Hapana angagone kuita kuti aone zvichazoitika kwaari.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help