Jeremiya 30 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

C: BHUKU ROKUNYARADZA VANHU VAMWARITenzi anovimbisa kusunungura nhapwa

1Shoko iri rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi richiti,

2“Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, nyora mubhuku mashoko ose andakakutaurira

3nokuti zvanzi naTenzi mazuva ari kuuya andichadzosera vanhu vangu vokwaIsiraeri nevokwaJudha makomborero, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Uye ndichavaunzazve kunyika yandakapa kumadzibaba avo vagoiitazve yavo.”

4Aya mazwi akataurwa naTenzi achireva nezvevokwaIsiraeri novokwaJudha:

5“Zvanzi naTenzi,

‘Takanzwa mhere inodederesa

inotyisa isina rugare.’

6“Imbobvunzai zvenyu muzvione,

munhurume angapone mwana here?

Zvamboita sei chaizvo kuti ini ndione

murume wose akabata chiuno namaoko

somukadzi ari pakusununguka?

Uso hwomunhu wose kuchenuruka kudai

zvaita sei chaizvo?

7“Hezvino ndakadai,

‘Zuva iroro izuva guru,

hakuna kana nerimwe rakaita sairoro,

inguva yenhamo chaiyo kune vokwaJakobho

asi vachanunurwa zvavo mariri.’ ”

8Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Musi iwoyo zvichaitika ndezvokuti ndichatyora joko ndichiribvisa mumutsipa mavo uye ndichagwishura tambo dzenyu, vechirudzi havazombova madzichangamire avo.

9“Asi kutoti vachashandira Tenzi, Mwari wavo naDhavhidhi mambo wavo wandichavamutsira.

10“Zvino iwe Jakobho,

muranda wangu,

rega zvako kutya,

kana kudumbirwa nazvo iwe Isiraeri,

ndizvo zviri kutaurwa naTenzi,

nokuti, chionai, ndichakununurai

ikoko kunzvimbo iri kure.

Vana vako ndichavanunura

munyika youranda hwavo.

VokwaJakobho vachadzoka

vavave norunyararo norudekaro,

hapana achavatyisidzira

11nokuti ndinemi

kuitira kuti ndikununurei,

ndizvo zvinorehwa naTenzi.

Nokuti marudzi ekwandakakumwararidzai ndichaaparadza

imi handisi kuzokuparadzai zvachose,

asi ndichakurangaiwo nemwerowo wakafanira,

handisi kuzokuregai musina kurangwa.”

12Chikonzero ndechokuti, zvanzi naTenzi,

“Kukuvara kwenyu hakucharapiki,

ronda renyu rakakurisisa.

13Chichemo chako hachina achapipirira,

hapana mushonga weronda rako,

zvokupora haupore.

14“Vadiwa vako vose vakukanganwa,

havana kana hanya newe

nokuti ndakakurova nokurova kwomuvengi,

chirango chomuvengi ane utsinye

nokuti mhosva yako ihuru,

nokuti zvitadzo zvako zvakawanda.

15Chaunochema kukuvadzwa kwako chii?

Marwadzo ako haachapora

Pamusana pokukura kwemhosva yako,

pamusanawo pokuwanda kwezvitadzo zvako,

ndokusaka ndakaitawo izvozvi kwauri.

16“Naizvozvo vose vanokuparadza vachaparadzwawo,

uye vavengi vako vose zvavo,

mumwe nomumwe wavo vachaenda kuutapwa.

Vanokupamba iwe vachavawo nhapwa.

Vose vanokuita nyama yamagora

ini ndichavaitawo nyama yamagora

17nokuti ndichakudzosera utano hwako

maronda ako ndichiaporesa

ndizvo zviri kutaura Tenzi pamusana pokuti

vakakutumidza kuti ‘Musemwa.’ Vachitokuti,

‘Zionimurambwanavose.’ ”

18Zvanzi naTenzi,

“Chionai, ndichadzosera makomborero

omumatende evokwaJakobho

ndichiitira ngoni mavo mavagere.

Guta richavakwa pachimudhuri charo

muzindawo uchamira pawaiva.

19“Mazviri muchabuda nziyo dzokutenda

nezhowezhowe ravaiti vemafaro.

Ndichaita kuti vawande

havasi kuzombova vashoma.

Ndichaita kuti varemekedzwe

vachange vasiri vanhuwo zvavo.

20Vana vavo vachaita zvavakanga vari kare,

gungano ravo richadzikazve midzi paneni

iniwo ndicharanga vose vanovaonesa nhamo.

21“Jinda ravo richange riri mumwe wavo ivo,

mutongi wavo achimuka mukati mavo imomo.

Ndichamuswededza pedyo iye agobvawo asvika pandiri

nokuti ndiani chaizvo angabva atofemera hake

kusvika pandiri? Ndozviri kutaura Tenzi.

22Muchavawo vanhu vangu

ini ndichivawo Mwari wenyu.”

23Hero dutu remhepo raTenzi

rovhuvhuta rakashatirwa chaizvo

riri chamupupuri chaicho chine simba

chichaputikira musoro wavanhu vakaipa.

24Hasha dzinotyisa dzaTenzi hadzimboserera

kusvikira atopedza kuita

zvaakaronga mumwoyo make.

Mumazuva anotevera acho

munozonyatsozvinzwisisisa kwazvo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help