Varoma 5 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

II: RUPONESOChitendero

1Naizvozvo zvatakaruramiswa nechitendero tine rugare naMwari nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu akaita kuti

2nokwaari tiitirwe nyasha sezvatiri. Tinofara nechitarisiro chembiri yaMwari.

3Kwete izvozvo zvoga asi kuti tinotofara mumatambudziko edu nokuti tinoziva kuti kutambudzika kunopa munhu kutirira

4kutirira kunopa munhu chimiro, chimiro chinopa munhu chitarisiro.

5Chitarisiro hachitinyengedzi nokuti rudo rwaMwari rwakadururwa mumwoyo yedu naMweya Mutsvene watakapiwa.

6Kristu akatifira panguva kwayo tisina simba isu; ipapo tisiri vanamati vaMwari.

7Munhu haadi kufira kunyange munhu akarurama. Pamwe munhu angafire zvake munhu akarurama.

8Asi Mwari akaratidza kuti anotida nokuti Kristu akatifira tichiri vatadzi.

9Zvino zvatakaruramiswa neropa rake tichanunurwa zvikuru sei kuchirango chaMwari.

10Saizvozvowo kana taive mhandu, takawadzana naMwari pamusana porufu rwaMwanakomana wake, tichaponeswa zvikuru sei noupenyu hwake zvino patakawadzana naye kudai.

11Handizvo chete asi kuti tinotopembera kufara naMwari nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu akatiwanisa zvino kuwadzana kwedu.

A: KUNUNURWA KWEDU KUCHITADZO NOKURUFU NOKUMUTEMOAdhamu naJesu Kristu

12Saizvozvo sokuuya kwakaita chitadzo pasi pose nokumunhu mumwechete; rufuwo rukauya nokuchitadzo, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vanhu vose vakatadza.

13Chitadzo chakanga chatova panyika Mutemo usati wapiwa. Hapana chitadzo kana pasina mutemo.

14Asi rufu rwaitonga kubvira kuna Adhamu kusvika kuna Mosesi, ruchitonga kunyange vane zvitadzo zvisina kuenzana kukura nezvaAdhamu aiva mumvuri wouyo aizouya.

15Chipo chenyasha hachina pachingamboenzaniswa napo kukura nechitadzo chiya, nokuti kana vanhu vazhinji vakafa pamusana pechitadzo chomunhu mumwechete, ko kutozoti nyasha dzaMwari nechipo chinopiwa pachena, pamusana penyasha dzomunhu mumwechete uya, Jesu Kristu, chinofashurirwa zvakadii kuvanhu vakawanda.

16Zvinoitwa nechipo chinopiwa pachena hazvina kufanana nechitadzo chomunhu mumwechete uya. Ndinodaro nokuti mushure mechitadzo ichi chimwechete pakabva patemwa kuti pane mhosva asi mushure mezvitadzo zvizhinji pamusana pechipo chimwechete chinopiwa pachena pakatemwa kuti hapana mhosva.

17Kana pamusana pechitadzo chomunhu mumwechete rufu rwakatonga nomumunhu mumwechete iyeyo, zvino vachatonga noupenyu zvakanyanya sei nomumunhu mumwechete Jesu Kristu avo vanogamuchira nyasha dzakawanda nechipo chinongopiwa pachena choururami.

18Saizvozvo pamusana pokuti chitadzo chomunhu mumwechete chakaita kuti vanhu vose vanzi vane mhosva nezvowo chiito chakanaka chomunhu mumwechete chinoitawo kuti panzi hapana mhosva uye chichipa upenyu kuvanhu vose;

19nokuti nokusateerera kwomunhu mumwechete, vanhu vazhinji vakava vatadzi, nokudaro nokuteererawo kwomunhu mumwechete vanhu vazhinji vacharuramiswa.

20Mutemo wakapindira kuzowanziridza kutadza asi nokuwanda kwakaita zvitadzo nyashawo dzakabva dzawanda zvikuru kwazvo.

21Izvi zvakaita kuti sokutonga kunoita chitadzo norufu nyashawo dzitonge nokururama kusvikira kuupenyu husingaperi nokuna Jesu Kristu Tenzi wedu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help