Isaya 31 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Mwari ndiye anodzivirira nyika kwete munhu

1Vane nhamo vanhu

vanodzika kuIjipiti

kundotsvaka rubatsiro

vachivimba namabhiza,

vanovimba nengoro dzehondo

pamusana pokuwanda kwadzo,

vanovimba navarwi vamabhiza

pamusana pokuti vakasimba kwazvo

asi vasingatarisi

kuna iye Anoera weIsiraeri

kana kubvunza Tenzi.

2Asi ariye ane ungwaru,

ariiye anounza nhamo

anoti raareva ndiroro asingasanduke.

Achamukira imba yevaiti vezvakaipa

achirwisa vabatsiri vevanoita zvakaipa.

3VaIjipiti vanhu,

havasi Mwari

uye mabhiza avo ndinyama,

haasiri mweya.

Tenzi akatambanudza ruoko rwake

mubatsiri iye achatatarika

iye anobatsirwawo wacho achaputsika

vagoparara pamwechete;

4nokuti Tenzi akanditi,

“Sezvinoita shumba

kana kuti shumba ichiri kuzvinzwa

inohon'era mhuka yayabata

kana vafudzi vakokerwa kurwisa

haityisidzirwe nokuzhamba kwavo

kana kuvhundutswa noruzha rwavo.

Ndizvozvowo zvichaitwa

naTenzi wehondo nehondo,

achaburukira paGomo reZioni

kuzorwisa pachikomo charo.

5Sezvinoita shiri kudzengerera mudenga,

ndizvowo zvichaita Tenzi wehondo nehondo

achidzivirira Jerusaremu,

acharidzivirira achirinunura

achirichengetedza achiriponesa.”

6“Imi vanhu veIsiraeri pindukirai kuna iye wamakapandukira zvisingatauriki

7nokuti nezuva iroro munhu wose acharasa zvifananidzo zvake zvokunamata zvesirivha nezvifananidzo zvenyu zvokunamata zvendarama zvamakatadzira Mwari nazvo muchizviumbira imi namaoko enyu.

8“VaAsiria vachaparadzwa nebakatwa

asi risiri bakatwa romunhu richavaparadza,

vachatiza bakatwa

majaya avo agoiswa kubasa rechibharo.

9Iye dombo ravo achapfuura achitya

vakuru vakuru vavo vomuhondo

vachapomoka mureza nokutya,”

ndizvo zviri kutaurwa naTenzi

ane moto uri muZioni

ane vira romoto muJerusaremu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help