2 Vanamakabhi Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)
Zviri mubhuku rino Bhuku rechipiri ravanaMakabhi rinoita sokudzokororazve richitsetsenura zvinotaurwa nebhuku rokutanga kubvira kuna mambo Andiyokusi wechina kusvikira pakukurirwa kwaNikanori akaurayiwa naJudhasi Makabheusi. Asi bhuku iri rinotangisa netsamba mbiri dzakanyorerwa vaJudha vaiva kuIjipiti dzaivakurudzira kubatana navamwe vaJudha vaiva kuJerusaremu kuchengeta mazuva makuru okupemberera kuchenurwa nokusumwa kweTemberi kuna Mwari. Kubvira ipapa bhuku iri rinobva razopatsanurwa muzvikamu zvishanu. Bhuku iri rinonzi rakanyorwa mugore riri pakati pe 124—63 K.A.A.Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku rechipiri ravanaMakabhiTsamba yokutanga kuvaJudha vokuIjipiti (1:1—2:18)Kusuma (2:19–32)Heriodhorusi anoedza kun'oresa Temberi (3:1–40)Kun'oreswa kweTemberi nokutambudzwa kwavaJudha (4:1—7:42)Kukunda kwaJudhasi muhondo nokuchenurwa kweTemberi (8:110–9)VaJudha vanowana rusununguko pakunamata (10:10—13:26)Kukurirwa kwaNikanori (14:1—15:36)Mazwi okuzarira (15:37–39)