Habhakuku 3 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

III: MUNAMATO WOKUKUMBIRA KUNUNURWA

1Munamato womuporofita Habhakuku wokuita neShigionoti akati,

2TENZI ndakanzwa nezvenyu

uye basa renyu TENZI rinondityisa.

Rivandudzei mukati memakore

muite kuti rizivikanwe

mukati memakore,

kana mukushatirwa

rangarirai tsiye nyoro.

3Mwari akabva kuTemani

uye Anoera achibva kuGomo reParani,

mbiri yake yakakwidibira matenga

nyika ikazara nokurumbidzwa kwake.

Dzepfunde

4Kupenya kwake

kwakanga kuchiita sechiedza,

mirazvo ichipenya mumaoko make,

akahwandisa simba rake imomo.

5Mberi kwake denda rakanga rakatungamira;

zvirwere zvakatsikana tsoka naro.

6Akasimuka akapima nyika

akatarisa akadederesa marudzi,

makomo apakatikati

ndokuati mwarara,

makomo apasichigare

akati ndondondo kunyura pasi.

Maitiro ake aya

akanga akaita saapasichigare.

7Ndakaona misasa yamatendhe

yokuKushi yapinda nhamo,

machira okudzikatirisa

enyika yeMidhia odedera.

8Nhai TENZI,

makanga mashatirirwa nzizi here?

Kana kuti hasha dzenyu dzakavirukira

nzizi kana kuti makavirukira

gungwa nehasha,

pamakanga makatasva mabhiza enyu

muri mungoro dzenyu dzehondo dzokukurira?

9Makasunungura hara pauta hwenyu

mukaisa museve wenyu patambo yokukungisa

mukatsemura nyika nenzizi.

Dzepfunde

10Makomo akakuonai akazvongonyoka;

mvura ine hasha ikakukura

hwenje hukaunga;

masaisai akasimuka mudenga.

11Zuva nemwedzi

zvakati mbikiti kumira

panzvimbo pazvo

kuchiedza chemiseve yenyu

yaipembera kuenda

pakuvaima kwepfumo renyu.

12Makatara nhanho pasi pano makatsamwa

mukatsokodzera marudzi avanhu makashatirwa.

13Makabuda kundonunura vanhu venyu,

kuponesa muzodzwa wenyu.

Makapwanya musoro womuipi

mukamupfekenura kusiya ava musvo

kubvira kumakumbo kusvikira pamutsipa.

Dzepfunde

14Makabaya varwi vake

musoro nemhayo dzenyu

vakanga vauya sechamupupuri

kuzondimwararisa,

vachifara kwazvo sokunge

vanoda kuzhanya varombo muchivande.

15Makabvongodza gungwa

namabhiza enyu,

mvura yamafashafasha

ine simba.

16Ndinonzwa muviri wangu

uchigwagwadza,

miromo yangu ichidedereswa noruzha.

Ndatyorwa mapfupa ini,

kufamba ndava kungodhadharika.

Ndichamirira chinyararire

zuva renhamo

richawira vanhu vanotirwisa.

17Kunyange zvazvo mukuyu

ukarega kupfumvudza,

kunyange mugirepisi

ukashaya michero

kana pamuorivhi pakashaika michero

mindawo isina kubereka chokudya

zvipfuwo muzvirugu zvapera kufa

mumatanga musisina mombe,

18zvakadaro zvazvo

ndichafara muna TENZI.

Ndichafara naMwari muponesi wangu.

19TENZI, Mwari ndiye simba rangu.

Makumbo angu anoaita seemhara

achindifambisa panzvimbo dzangu dzokumusoro.

Izvi ndezvomuimbisi ane zvokuimbisa zvine

tambo dzokuridza.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help