1Mushure mezvizvi mambo wevaAmoni akafa ndokubva mwanakomana wake Hanuni amutsiva pakutonga.
2Dhavhidhi akati, “Ndicharamba ndiine mwoyo wakanaka kuna Hanuni mwanakomana wavaNahashi, mwoyo wandakaitirwawo nababa vake.” Saizvozvo Dhavhidhi akatuma makurukota ake kundomubata maoko pamusana pababa vake.
Makurukota aDhavhidhi akasvika munyika yevaAmoni.
3Asi machinda evaAmoni akati kuna changamire wavo Hanuni, “Munofunga kuti izvozvi Dhavhidhi kukutumirai nhume kuzokubatai maoko kwaaita uku kuremekedza baba venyu nhai? Dhavhidhi haana here kutumira makurukota ake kuzoongorora guta rino nokurisora kuti varikurire.”
4Saka Hanuni akabata makurukota aDhavhidhi akaaveura rumwe rutivi rwose rwendebvu mumwe nomumwe, akacheka napakati hanzu dzavo nechapahudyu akavati vachienda.
5Pazvakasvika munzeve dzaDhavhidhi akatuma vanhu kundovachingura nokuti vakanga vachinyara zvikuru kwazvo. Mambo akati, “Imborambai muri kuJeriko kudzamara ndebvu dzenyu dzamera mugozoti modzoka zvenyu kuno.”
6VaAmoni pavakaona kuti vatomutsa ruvengo naDhavhidhi, vaAmoni ava vakatuma nhume kundokumbira varwi vachiita zvokutobhadhara mari kuvaSiria vokuBhetirehobhu nevaSiria vokuZobha. Vakawana makumi maviri ezviuru zvavarwi vetsoka vakati mambo wokuMaoka auyewo navarume chiuru chimwechete uyewo varume vokuTobhu gumi rezviuru rine zviuru zviviri.
7Pazvakasvika munzeve dzaDhavhidhi, akatuma Joabhu nehondo yose yavarume vano chaivo.
8VaAmoni vakauya vakaronganirana hondo pasuo guru. VaSiriawo vokuZobha nevokuRehobhu navarume vokuTobhu novokuMaaka vakanga vari pavowo voga musango.
9Pakaona Joabhu kuti hondo yavavinga, yatoita zvokuvakomba mberi neshure, akasarudza vamwe varwi mukati mevakanga vasarudzwa muIsiraeri vaya, akavaronga kuti varwisane nevaSiria.
10Vamwe varwi vake vose akavaisa mumaoko omunun'una wake Abhishai akavaronga kuti varwisane nevaAmoni.
11Akabva ati, “Kana ndichinge ndava kukurirwa navaSiria iwe unouya kuzondibatsira. Asi kana vaAmoni vava kukukurira ini ndichauya kuzonunura.
12Tsunga mwoyo tiite zvechirume tichiitira vanhu vedu namaguta aMwari wedu. Mwari ngaaite kuda kwake.”
13Saizvozvo Joabhu navarwi vaaiva navo vakatanga kuvinga vaSiria kundovarwisa vakabva vamutiza.
14VaAmori pavakangoona kuti vaSiria vatiza vakaitawo zvimwechetezvo vakatiwo ware kutiza Abhishai, vakapinda muguta. Joabhu akadzoka kwaakanga andorwisana nevaAmoni akaenda kuJerusaremu.
15Asi vaSiria pavakaona kuti vakurirwa neIsiraeri, vakaunganidzana pamwechete.
16Hadhadhiezeru akatumira nhume dzikauya nevaSiria vokumhiri kwaYufuratesi. Vakauya kuHeramu vachitungamirirwa naShobaki mutungamiriri wehondo yaHadhadhiezeru.
17Pazvakasvika munzeve dzaDhavhidhi, akakokorodza Isiraeri yose pamwechete akayambuka Jorodhani akaenda kuHeramu. VaSiria vakaronganirana kurwisa kuHeramu. VaSiria vakaronganirana kurwisa Dhavhidhi vakarwa naye.
18VaSiria vakabva vaparamuka kutiza Isiraeri. Dhavhidhi akarakatisa kuuraya vachairi vechiSiria vengoro dzehondo mazana manomwe pamwechete navarwi vemabhiza makumi mana ezviuru. Vakakuvadzawo Shobaki mutungamiriri wehondo akabva afira ipapo.
19Madzimambo ose akanga ari makurukota aHadhadhiezeru paakaona kuti vakurirwa neIsiraeri, vakaita chibvumirano kuti pave nokuwirirana neIsiraeri vakabva vava varanda vavo. Naizvozvo vaSiria vakazenge vava kutya kununura vaAmoni.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.