1“Imi Tenzi Samasimba Mwari weIsiraeri, mwoyo uri kutambura uye mweya unochema kwamuri.
2Tenzi, teererai muve netsitsi nokuti takakutadzirai mberi kwenyu.
3Imi muri vepachigaro choushe nokusingaperi asi chedu isu kuparara nokusingaperi.
4Tenzi Samasimba, Mwari weIsiraeri inzwai minamato yedu isu vaIsiraeri, takatofa zvedu. Teererai minamato yedu isu vana vavanhu vakakutadzirai vasina kuteerera izwi raTenzi Mwari wavo zvokuti nhamo dzakaramba dzakangovati navo memete.
5Regai kurangarira zvakaipa zvamadzibaba edu asi panguva yakadai yeukai simba renyu nezita renyu. Chatinodariro ndechokuti
6imi ndimi Tenzi Mwari wedu uye kuti imi ndimi vatinorumbidza.
7Uyewo pamusana pokuti imi makaisa muhana dzedu kukutyai kuitira kuti tidaidze zita renyu. Tichakurumbidzai muutapwa hwedu nokuti takabvisa mumwoyo medu uipi hwose hwamadzibaba edu vakakutadzirai pamberi penyu.
8Chitarisai muone kuti nhasi uno tiri muutapwa hwakatimwararisa kuti tishorwe nokuva nekashambwa uye kuti tirangirwe uipi hwose hwamadzibaba edu vakaramba Tenzi Mwari wedu.”
9Teererai munzwe imi vaIsiraeri
mitemo inopa upenyu,
rerekerai nzeve mudzidze ungwaru.
10Zvauya sei Isiraeri, zvaita sei kuti
muri munyika yavavengi venyu kudai?
Ko zvamavakuchemberazve muri munyika
yavatorwa kudai
uye kuti mava kun'oreswa navakafa
11zvokutoti mavakutoverengerwa
nevekunzvimbo yavafi.
12Makasiya, imi, chisipiti choungwaru.
13Dai makafamba munzira yaMwari
mungadai mugere murugare nokusingaperi.
14Dzidzai kuti ungwaru huri kupi
uye kuti simba riri kupi
uyewo kuti kunzwisisa kuri kupi
kuitira kuti mubvewo maziva kuti
kuna mazuva mazhinji noupenyu ndokupi
uyezve kuti mwenje wamaziso norugare zviri kupi.
15“Ndiani ati awana panogara ungwaru,
ndiani ati apinda mumatura ahwo?
16Makurukota amarudzi avanhu aripi,
vacho vanotonga zvikara zvapanyika?
17Vaiita shiri dzokutamba nadzo zvavo varipi?
Varipi vokuita pfimbi nepfimbi dzesirivha nendarama,
inovimbwa nayo navanhu
uye yavasinganeti kutsvaka?
18Dziripi mhizha dzesirivha
dzine basa risingazivikanwi kwarakaenda nako?
19Vakanyangarika
vakaenda kunzvimbo yavafi
vamwewo vakamuka panzvimbo pavo.
20Kune vechidiki vakaonawo chiedza chezuva
vakatogarawo panyika
asi kudzidza nzira inosvitsa kuruzivo havana
kana kunzwisisawo zvavo mafambiro arwo
kana kumborubatawo zvavo havana.
21Vana vavo vakatsaukana nzira narwo
zvokutetereka kwazvo.
22Hapana akambonzwa nezvoruzivo
munyika yeKanani
kana kumboruona muTemani.
23Vanakomana vokwaHagari vaya
vanotsvaka kunzwisisa zvenyika izvi
naivo vashambadzi vezvokutengesa
vokuMerani novokuTemani,
kwoti varondedzeri venhoroondo
navatsvaki veruzivo
havana kudzidza nzira inosvitsa kuungwaru
kana kumbofungawo zvavo
nezvamakwara ahwo.
24Ndimi, VaIsiraeri iyo imba yaMwari
yakakura zvakadii
uyewo ko iyo nyika yake yakakura zvakadii?
25Yakakura iyo, uye haina miganhu,
yakareba kuenda mudenga
uye haina mwero.
26Ndimo makaberekwa hofori dzavanhu
vaya vaiva nembiri pasichigare
vane chimiro chakakuuka.
27Mwari haana kuvasarudza
kana kuvapa nzira yokuenda nayo kuruzivo.
28Naizvozvo vakatsakatika
pamusana pokuti vaiva vasina ungwaru,
vakatsakatika pamusana poupenzi hwavo.
29Ndianiwo zvake ati amboenda kudenga kundohutora
akauya nahwo kubva kumakore?
30Uye pane munhu here ati ayambuka gungwa
akahuwana akahutenga nendarama yakanakisisa.
31Hakuna anoziva nzira inosvika kwahuri
kana kumbofungisisa nezvakanzira kanoenda kwahuri.
32Asi iye Nyakuziva zvose ndiye anohuziva.
Ndiye akahuwana nokunzwisisa kwake
iye akaita kuti nyika ivepo
akaizadza nezvipenyu zvinamakumbo mana.
33Iye anotuma chiedza chichienda
anoti chiuye chichimuteerera chichitodedera.
34Nyenyedzi dzinotaima nenguva yadzo dzichifara,
35anodzidaidza dzichiti tiri pano,
dzinopenyerera norufaro
iye akadzisika.
36Iyeyu ndiye Mwari wedu
hakuna angaenzaniswe naye.
37Akawana nzira yose, inoenda kuungwaru
akahupa kunaJakobho muranda wake,
kuna iye Isiraeri munhu wake wapamwoyo.
38Mushure mezvi ungwaru hwakaonekwa pasi
hukagara mukati mavanhu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.