1Chinovadariso ndechokuti
vanokanganisa mukufunga vachizviti,
“Upenyu hwedu hupfupi uye nderwenhamo.
Kana mugumo womunhu wasvika hapana chinomurapa.
Hazvisati zvambonzwika kuti munhu anodzoka kuvafi
2vanenge vachiti zvakangoitikawo kuti tiberekwe.
Mangwana tichaita sokunge tisina kumbovapo
nokuti mweya uri mumhino dzedu unongova utsi.
Kunyange pfungwa idzi kapfarivari kanobarika
panopfura mwoyo.
3Kana kadzimwa
muviri unodzokera kuva dota,
mweya unongonyangarika semhepo isina chinhu.
4Nokufamba kwenguva
zita redu rinokanganikwa.
Hapana anozoyeuka zvatakaita
upenyu hwedu huchanyangarika
sokunyangarika kwekakorewo zvako,
huchipararira semhute
inodzingwa nemiseve yezuva
ichikundwa nokudziya kwaro.
5Nguva yatakapiwa yakangoita sokupfuura kwemumvuri
kana wafa zvokudzoka, hapana
nokuti kwakanamwa kwazvo,
hapana zvokudzoka.
6Saka huyai tifare
tinakirwe zvedu nezvinhu zviripo
tinonyatsoshandisa zvakakwana zvisikwa
sezvinoita vechidiki.
7Uyai tidutire waini inokosha
tizore mafuta anonhuwirira.
Pasave neruva renguva
yepfumvudza rinotipfuura.
8Ngatizvigadzei ndaza yemaruva amarozi
asati auna.
9Hapana anofanira kushaika pakusasana kwedu.
Ngatisiyei kose kose
zvinoratidza kufarikana kwedu nokuti uyu
ndiwo mugove wedu iyoyu
ndiyo nhakawo yedu iyoyi.
10Ngationesei nhamo murombo akarurama
tirege kuitira tsitsi chirikadzi
kana kuremekedza harahwa dzachena musoro.
11Mukundo watinawo ndiwo ngauve murao,
chinenge chisina simba
chatoratidza kuti hachina basa.
12Ngatihwandirei munhu akarurama,
nokuti anotitadzisa kuita madiro,
nokuti anopesana nezvatinoita,
anotipa mhosva yokudarika mutemo,
achitipawo mhosva
yokupandukira zvatakadzidziswa.
13Anoti iye anoziva Mwari,
achizviti mwana waMwari.
14Ndiye ava mutsoropodzi wepfungwa dzedu.
15Iko kumuona chete kwavakutiremera
nokuti magariro ake akasiyana neevamwe,
uye maitiro ake mamwewo zvawo.
16Anotiona setisiri vanhu,
anosema nzira dzedu sedzakan'ora.
Anoti kuguma kwomunhu akarurama rufaro,
achizvikudza achiti, ‘Mwari ndibaba vake.’
17Ngationei kana kutaura kwake kuri chokwadi,
tione pakupera kwoupenyu hwake
kunowira tsvimbo nedohwe.
18Kana wakarurama ari mwana waMwari,
achamubatsira, achimununura
mumaoko avavengi vake.
19Ngatimuedzei nokumunyomba nokumurwadzisa
tione kupfava kwake ikoko
timuedze kuzvibata kwake mukutambudzwa.
20Ngatimutii afe rufu runonyadzisa,
nokuti iye anoti anodzivirirwa.”
Kukanganisa kwavasiri vanamati21Aya ndiwo mafungiro avaiita,
uku kwaiva kurasika gwara,
nokuti nouipi hwavo hwakavapofomadza.
22Havazivi mazano akavandika aMwari;
kunyange chitarisiro chomubairo woururami
nezvinopiwa vanoitira Mwari,
kana kufungawo kuti pane mubairo inowanikwa
nemweya yakarurama.
23Mwari akasika munhu kuti asazofa,
akamusika akamufananidza naiye pachake.
24Asi pamusana peshanje yaSatani
rufu rwakapinda munyika,
uye vanomutevera vanozvionera
rufu pamhuno sefodya.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.