Nziyo 55 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Muimbisi, urwu rumbo rwunoimbwa nezvokuimbisa zvine tambo dzewaya, inhetembo yaDhavhidhi.Munamato womunhu apandukirwa neshamwari

1Inzwaiwo munamato wangu, Mwari;

musavande chikumbiro changu.

2Nditeererei mundipindurewo,

nhamo yangu yandiomera.

3Ndadumbirwa ini

noruzha rwavavengi

pamusana poudzvinyiriri hwavakaipa

vanondiunzira nhamo.

Vanoita daka neni zvine hasha.

4Ndinoshunguridzika mwoyo mukati mangu,

ndawirwa nokutya rufu.

5Kutya nokudedera zvauya pandiri.

Ndabatwa nokutya kwakanyanya.

6Nezvo ndinoti

dai zvangu ndiina mapapiro senjiva,

ndaibhururuka ndikandozorora.

7Ndaibhururukira kure

ndichindogara kurenje.

Dzepfunde

8Ndaikurumidza kundozvitsvagira

pokuvanda mhepo inovhuvhuta

nesimba nedutu guru.

9TENZI paradzanisai mupesanise ndimi dzavo

nokuti ndinoona utsinye nokurwisana muguta.

10Siku nesikati vanoritenderera

napamusoro pemasvingo aro.

Unhunzvatunzva nokunetsa zvirimo.

11Mune kuparadza mukati maro;

uye udzvinyiriri nounyengedzi

hazvibvi pamusika pavo.

12Dai kuri kuti muvengi anondisokosa,

ndaitirira zvangu.

Dai kuri kuti imhandu inondisora,

ndaikwanisa kuivanda.

13Asi kuti ndiwe wezera neni,

mumwe wangu

shamwari yangu chaiyo.

14Taimbokurukurirana zvakanaka kwazvo.

Tichifamba tose noushamwari mumba yaMwari.

15Ngavaerekane vaparara

vaende kunzvimbo yavakafa

vari vapenyu kudaro

nokuti uipi huri mavanogara,

huri pakati pavo.

16Asi ini ndinochema kuna Mwari,

TENZI achandinunura.

17Manheru namangwanani uye masikati,

ndinoisa chichemo changu ndichidemba;

iye achanzwa izwi rangu.

18Achandinunura norugare

pahondo yandiri kurwisa

nokuti vanondirwisa vakawanda.

19Mwari achanzwa zvake

agovaninipisa,

iye ari pachigaro choushe

kubvira pasi chigare

nokuti havasanduki

uye havatyi Mwari.

Dzepfunde

20Mumwe wangu akarwisana

neshamwari dzake;

akatyora chitenderano chake,

kutaura kwake kwakanga kwakapfavirira

kupinda dovi

asi mumwoyo make iri hondo chaiyo.

21Mazwi ake akanga akapfava

kupinda mafuta

asi ari mapakatwa akazvomorwa.

22Turira mutoro wako kuna TENZI

iye achaita kuti urambe wakagwinya.

Haambobvumira kuti vakarurama

vazunguzwe.

23Asi imi Mwari

dzikandei mugomba rapasi pasi

mhondi idzodzi, vanhu voujarijari

vasati vambosvika pakati napakati poupenyu hwavo.

Asi ini ndichavimba nemi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help