Jeremiya 40 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Kugara kwakaita Jeremiya naGedhariya

1Shoko iri rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi mushure mokunge Nebhuzaradhani mukuru wavachengetedzi vokwamambo uya amuti aende hake achibva kuRama. Izvozvo akanga atora Jeremiya amusunga nengetani pamwechete nedzimwe nhapwa dzeJerusaremu nedzokwaJudha dzakanga dzichiendwa nadzo kuBhabhironi.

2Mukuru wavachengetedzi wokwamambo uya akatora Jeremiya akamuti, “Tenzi, Mwari wenyu ndiye akati kwaari nzvimbo ino iwirwe nenhamo ino.

3Tenzi aita kuti zviitike akaita sezvaakamboreva, nokuti makatadzira Tenzi mukasateerera inzwi rake saka izvi zvakuwirai.

4Zvino, chinzwa, nhasi uno ndinokusunungura ngetani idzi mumaoko mako. Kana uchiona zvakakunakira kuti tiende tose kuBhabhironi, ngatiende, ndichazokuchengetawo zvakanaka. Asi kana uchiona zvakakuipira kuti tiende tose kuBhabhironi, usauye zvako. Chiona nyika ndiyoyi yose yauri kuona iyi! Enda hako kose kose kwaunofunga kuti ndiko chaiko kwakakunakira.

5Kana uchida kusara ungadzokere zvako kuna Gedhariya mwanakomana waAhikamu, mwanakomana waShafani akasarudzwa namambo kuva sadunhu wamaguta okwaJudha undogara naye mukati mavanhu kana kuenda hako kose kose kwaunofunga kuti kwakakunakira.”

Ipapo mukuru wavachengetedzi vokwamambo akati Jeremiya awaniswe mbuva nechipo agoenda hake.

6Jeremiya akabva aenda kuna Gedhariya mwanakomana waAhikamu, kuMizipa akandogara naye mukati mavanhu vakanga vasiyiwa munyikamo.

Kutonga kwaGedhariya sadunhu wokwaJudha(2 Madzi 25:22–24)

7Kuzoti vakuru vakuru vehondo dzavarwi vaiva mumasango navarwi vavo pavakanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga asarudza Gedhariya mwanakomana waAhikamu achimuita Sadunhu munyika iyoyo uye kuti akaisa mumaoko make varume navakadzi navana vaiva varombo vokupedzesera chaivo munyika iyoyo uye vakanga vasina kutapwa vachiendeswa kuBhabhironi,

8vakaenda kuna Gedhariya kuMizipa. Paiti: Ishimaeri mwanakomana waNetaniya naJohanani mwanakomana waKarea kwouya Seraya mwanakomana waTanhumeti vokwaEfai wokuNetofa ndokuzoti Jezaniya mwanakomana wokwaMaaka, ivo navarwi vavo.

9Gedhariya mwanakomana waAhikamu mwanakomana waShafani akapika mhiko kwavari navanhu vavo achiti, “Regai kutya kushandira henyu vaKaridhea. Garai zvenyu munyika imomo muchishandira mambo weBhabhironi zvinhu zvichakufambirai zvakanaka.

10Inini ndichagara hangu kuMizipa ndichikumiririrai kuvaKaridhea vanenge vauya kwatiri. Asi imi potai muchiunganidza waini nemichero yezhizha namafuta eorivhi muzvichengetere mumidziyo yenyu muchigara zvenyu mumaguta enyu amakawana.”

11Zvimwechetezvo navaJudha vose vaiva kuMoabhu nomukati mavaAmoni nomuEdhomu nomunyika dzimwe pavakanzwawo kuti mambo weBhabhironi akanga asiya chimwe chitsama chevokwaJudha uye kuti akanga asarudza Gedhariya mwanakomana waAhikamu, mwanakomana waShafani akamuita sadunhu wavo,

12ipapo vaJudha vose vakadzoka vachibva kunzvimbo dzose kwavakanga vaparadzirwa, vakauya kunyika yokwaJudha kuna Gedhariya kuMizipa. Vakazopota vachiunganidza waini nemichero yezhizha zvakawandisisa kwazvo.

Kupondwa kwasadunhu Gedhariya(2 Madzi 25:25–26)

13Zvino Johanani mwanakomana waKarea navakuru vakuru vehondo dzavarwi vaiva mumasango vakauya kuna Gedhariya kuMizipa

14vakati kwaari, “Munozviziva here kuti Bhaarisi mambo wevaAmoni akatuma Ishimaeri mwanakomana waNetaniya kuzopfuudza upenyu hwenyu?” Asi Gedhariya mwanakomana waAhikari haana kumbovateerera.

15Johanani mwanakomana waKareya akataura muchivande kuna Gedhariya paMizipa ipapo akati, “Regai ndiende ndinouraya Ishimaeri mwanakomana waNetaniya hakuna achazviziva. Adirei chaizvo kupfuudza upenyu hwenyu? Hakusi kuitira kuti vaJudha vakaunganidzana kwamuri vaite rumwe rumwe, chitsama chakasara chevokwaJudha ichi chichibva charova?”

16Asi Gedhariya mwanakomana waAhikamu akati kuna Johanani mwanakomana waKarea, “Iwe rega kuita izvi nokuti uri kurevera Ishimaeri nhema.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help