1Ndakadanidzira kwamuri TENZI
ndiri makadzika.
2TENZI inzwai izwi rangu,
rerekerai nzeve dzenyu
kuizwi romunamato wangu.
3Kana imi TENZI mukapfundira zvivi
ndiani angapamire.
4Asi imi munorengerera
kuitira kuti muremekedzwe.
5Ini ndinomirira TENZI,
mweya wangu unomirira,
ndinovimba neshoko rake.
6Ndinomirira TENZI
kupinda kumirira
kuita varindiri mambakwedza,
kupinda varindiri mambakwedza.
7Isiraeri ngaitarisire kuna TENZI
nokuti TENZI ane mwoyochena;
maari mune ruponeso rwakawanda.
8Achaponesa Isiraeri kuzvivi zvayo zvose.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.