Hosea 10 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1VokwaIsiraeri vaiva

mugirepisi wakanyatsopasa kwazvo

uchibereka michero yawo.

Waiti ukawadzura kubereka michero,

ivo ndopovovaka atari neatari.

Sokubudirirawo kwaiita nyika yavo

ndokunyatsogadziridzwawo

kwavaiita shongwe dzamabwe

dzakamisirwa vamwari vavo.

2Vane mwoyo wokunyengera;

nokudaro vanofanira

kupfukirwa nemhosva yavo.

Tenzi achaparadza atari dzavo

achipaza shongwe dzavo dzamabwe

dzakamisirwa vamwari vavo.

3Ndinodaro nokuti iye zvino izvi vachati,

“Hatina mambo nokuti

hatityi Tenzi.

Zvino mambo chaangatiitirewo

pakadaro ndechipi?”

4Kutaura kwavo,

ndezvepamuromo chete,

kana voita zvitsidzirano

vanoita mhiko dzechipameso.

Saka kutonga kwakarurama

kwava bise runomera

mumvinga dzomumunda.

5Vagari vomuSamaria vari kudedera

vachityira zvimhuru zvokuBhetiavheni.

Vanhu veko vachazvichema

navapristi vazvo,

vanamati vezvifananidzo vachazvichema,

mbiri yazvo inenge yasasamuka.

6Naichowo chichatakurwa

kuendwa nacho kuAsiria

somutero kuna mambo mukuru.

VokwaEfuremu vachanyadziswa,

vokwaIsiraeri vachinyadziswa

nezano ravo ravanotevedza.

7Mambo weSamaria achaparara

sakabanzu kanoyangarara pamvura.

8Nzvimbo dzakatunhumara

dzokuteurira kuna Avheni,

chitadzo chevokwaIsiraeri, dzichaparadzwa.

Minzwa norukato zvichamera paatari dzavo,

vachati kumakomo, “Tihwandisei,”

kuzvikomo vachiti, “Tiwirei.”

9“Imi vaIsiraeri,

kubvira pamazuva aye okuGibhea,

makapara zvitadzo,

kubvira ipapo makaramba muchingotadza.

Hondo haichavasvikira here kuGibhea ikoko.

10Pandinenge ndada,

nzenza dzevanhu idzodzo ndichadziranga,

uye vachamomoterwa nevechirudzi

pavanenge vachirangirwa

zvitadzo zvavo zvakapetwa.

11“VokwaEfuremu vainge vari

tsiru rakapingudzwa

raifarira kupura.

Ndichaisa joko

pamutsipa waro wakanaka,

ndichabopa vokwaEfuremu;

vokwaJudha ndivo vacharima

vokwaJakobho vachatimbinura pasi.

12‘Zvidyirirei ururami

mukohwe mwoyochena

bandirai minda yenyu yakararira

nokuti ino ndiyo nguva

yokutsvaka Tenzi

kuti auye kuzonayisa

ruponeso pamuri.’

13Makarima uipi

mukakohwa zvisina ruenzaniso,

makadya muchero wenhema.

Pamusana pokuti

makavimba nengoro dzenyu dzehondo

nokuwanda kwavarwi venyu vehondo,

14naizvozvo mukati mevanhu venyu

muchamuka manyongori ehondo,

nzvimbo dzenyu dzokuzvidzivirira muhondo

dzose zvadzo dzichaparadzwa,

sokuparadzwa kwakaita Sharumani

guta reBhetiaribheri

pazuva rakarwiwa hondo,

madzimai akaitwa kanyamakanyama

pamwechete nevana vavo.

15Izvozvo ndozvichaitwawo kwamuri

imi vemba yokuBhetieri,

pari pamusana pouipi hwenyu

hwakakura kudai.

Mambo wokwaIsiraeri

achanyatsotsakatiswa mambakwedza.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help