Mariko Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Zviri mubhuku rino Shoko Rakanaka raMariko: Chinangwa chikuru chezvidzidziso zvaJesu chaiva chokufundisa vanhu nezvoumambo hwaMwari (1:14–15). Nokudaro bhuku raMariko, rinobva ratanga nokutitaurira nezveShoko Rakanaka raJesu, Mwanakomana waMwari (1:1) akauya soMwanakomana womunhu, kwete kuzoshandirwa asi kuzoshandira vamwe kuti anunure vazhinji (10:45).Mubhuku iri tinoona Jesu achidzidzisa, nemienzaniso, zvoumambo hwaMwari. Aidzidzisa izvi kwete namazwi akawanda, asi nechiremera nesimba raaitaura naro. Airatidza simba iri mukudzidzisa kwake, nezvishamiso zvaaiita zvakashamisa nokunanisa vanhu vazhinji kwazvo uye nokudzinga kwaaiita mweya yakaipa. Mariko anotungamidza mabasa aiitwa naJesu akamusvitsa pakufa nokumuka kwake zvakanunura vazhinji. Mukudzika umambo hwaMwari, Jesu akanga ane mhandu zhinji dzinoti Satani (1:13) nenyanzvi dzomutemo (2:26) kwouya vaFarisei (2:24) nevebato revekwaHerodhi (3:6) kwoti vapristi vakuru (11:18) navaSadhusei (12:18). Mushure mokumuka kwake, Jesu asati akwira kudenga, akatuma vadzidzi vake kuti vandoita basa raakanga achiita rokudzika umambo hwaMwari panyika. Vakanzi vaende kundodzidzisa vanhu vapasi pose vanenge vadavira muna Mwari vakaombekwa vachaponeswa.Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raMarikoI: Zvakaitika Jesu asati atangisa basa rake (1:1–13)II: Kuparidza kwaJesu mudunhu reGarirea (1:14—7:23)III: Basa raJesu rokuparidza kunze kweGarirea (7:24—10:52)IV: Kuparidza kwaJesu muJerusaremu (11:1—13:37)V: Dambudziko norufu nokumuka kwaJesu (14:1—16:20)
Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help