1Ava ndivo varume vakaenda kuna Dhavhidhi kuZikiragi paye paakanga asingakwanise kufamba pamadiro pamusana paSauro mwanakomana waKishi. Ndivo vamwe vemagamba okurwa hondo vaimubatsira muhondo.
2Vaiva vokurwa nouta nemiseve vaigona kupfura nemiseve kana kukanda matombo noruoko rwose rwose, rudyi kana ruboshwe. Vaiva vokwaBhenjamini hama dzaSauro.
3Mukuru wavo ndiAhiezeru
kwouya Joashi vari vanakomana vaShemaa wokuGibhea
uyewo Jezieri naPereti vanakomana vaAzimavheti
kwouya Bheraka naJehu wokuAnatoti
4naIshimaya wokuGibheoni akanga
ari gamba rokurwa hondo pamwechete
naaye makumi matatu aivawo mutungamiriri
wamakumi matatu paivawo naJeremiya
naJahazieri naJohanani naJozabhadhi wokuGedhera
5kwouya Eruzai naJerimoti
naBheariya naShemariya naShefatiya wokuHarufu
6kwoti Erikana naIshiya
naAzareri naJoezeru naJoshebheamu wokwaKora
7kwozoti Joera naZebhadhiya
vanakomana vaJehoramu wokuGedhori.
Vedzinza rokwaGadhi vakapomekera kuna Dhavhidhi8Kune vokwaGadhi vakapomokerawo kuna Dhavhidhi kunhare yakavakirirwa kurenje vaiva magamba agara nayo hondo, panhoo apa nepapfumo dziri nyanzvi chaidzo, uso uhwu dziri shumba chaidzo, pakumhanya apa dzichinge ngururu chaidzo mumakomo.
9Mukuru wavo aiva Ezeru achiteverwa
naObhadhiya wechitatu ari Eriyabhu
10wechina Mishimana wechishanu Jeremiya
11wechitatu ari Atai
wechinomwe ari Erieri
12wechisere ari Johanani, Erizabhadhi ariye wechipfumbamwe
13wegumi ari Jeremiya, Makibhanai ari wegumi nechiposhi.
14Ivava vokwaGadhi ava ndivo vaiva vakuru vakuru vomuhondo, vadiki vacho vaitungamira zana vakuru vacho nechiuru.
15Ivava ndivo varume vakayambuka Jorodhani mumwedzi wokutanga rwakazara mhiri nemhiri vakasvikodzvamutsa vaive kumanhika kumabvazuva nokumadokero.
VokwaBhenjamini nevokwaJudha vakapomokera kuna Dhavhidhi16Vamwewo varume vokwaBhenjamini nevokwaJudha vakapomokerawo kuna Dhavhidhi kunhare yakavakirirwa.
17Dhavhidhi akabuda kundosangana navo akavati, “Kana zvamauyira kuno kwandiri zvakanaka, ini nemi tichaita mwoyo mumwechete. Asi kana mavinga kuti muwane mandiisiro mumaoko evavengi vangu, ini maoko angu akachena, Mwari wemadzibaba edu ngaakuonei akudzorei.”
18Ipapo Mweya wakaputira Amasai mutungamiriri wamakumi matatu avanhu aya iye ndokuti,
“Tiri venyu isu vaDhavhidhi
Tinemi isu mwana waJese!
Rugare ngaruve nemi! Uye dai rugare rwangovawo nemi,
navanokubatsirai ngavavewo norugare,
nokuti Mwari wenyu anokubatsirai!”
Dhavhidhi akazovagamuchira akavaita vakuru vakuru vezvikwata zvehondo yake.
VokwaManase vakapomokerawo kuna Dhavhidhi19Vamwe varume vokwaManase vakapomokerawo kuna Dhavhidhi paakanga oti auye nevaFirisitia kuzorwisa Sauro. Zvakadaro zvazvo haana kuvabatsira nokuti vatongi vevaFirisitia vakazowirirana zvokuti adzoke zvake vachiti, “Kana zvikazotiipira munhu uyu anotisiya opomokera kuna tenzi wake Sauro.”
20Paaidzokera kuZikiragi ava ndivo varume vokwaManase vakapomokera kwaari panoti:
Adhina naJozabhadhi naJedhiyaeri
naMikaeri naJozabhadhi naErihu
naZiretai vatungamiriri vezviuru kune vokwaManase.
21Vakakutsirana naDhavhidhi kurwisa chikwata chiya chevapambi nokuti vose vakanga vari mvumba dzemagamba okurwa hondo vari vatungamiriri vehondo.
22Chaivapo ndechokuti, zuva nezuva vanhu vaingoramba vachikurumukira kuna Dhavhidhi kusvikira paita hondo huru kwazvo sehondo yaMwari.
Uwandi hwavarwi vaDhavhidhi23Uhwu ndouwandi hwezvikwata zvehondo zvakauya kuna Dhavhidhi kuHebhuroni kuzobvisa umambo kuna Sauro vachihuisa kuna Dhavhidhi sokutaura kwakaita Tenzi.
24Varume vokwaJudha: vokurwa
nenhoo nepfumo vaiva zviuru zvitanhatu
zvina mazana masere avarwi.
25VokwaSimeoni: mvumba dzemagamba
okurwa hondo, vakanga vari zviuru
zvinomwe zvine zana.
26VokwaRevhi: vaiva zviuru zvina
zvine mazana matanhatu,
27muchinda Jehoyadha wemba
yokwaAroni aine zviuru zvitatu
namazana manomwe.
28Zadhoki: mvumba chaiyo, gamba
rechidikii rokurwa hondo aiva
navatungamiriri vehondo makumi
maviri vemba yokwababa vake.
29VokwaBhenjamini: hama dzokwaSauro
vari zviuru zvitatu vazhinji
vavo vakanga vachitsigirana
nevemba yokwaSauro.
30VokwaEfuremu: zviuru makumi
maviri, mvumba chaidzo dzokurwa
hondo, varume vaiva nomukurumbira
mudzimba dzemadzibaba avo.
31Chimwe chikamu chokwaManase:
zviuru gumi nezvisere vakanga
vasarudzwa kuti vauye
kuzogadza Dhavhidhi paumambo.
32VokwaIsakari: varume
vainzwisisa mamiriro ezvinhu panguva
iyoyo, vaiziva zvinofanira kuti
zviitwe navaIsiraeri, madzishe
anosvika mazana maviri pamwechete
nehama dzavo dzose dzaiva pasi pavo.
33VokwaZebhuruni: vaiva makumi
mashanu ezviuru vaikwanisa kuenda
kuhondo, vakapakata zvombo
zvehondo zvemhando nemhando vaine mwoyo
mumwechete kuzoita
chirwirangwe kubatsira Dhavhidhi.
34VokwaNafutari: vaiva nechiuru
chavatungamiriri chaiva namakumi
matatu ezviuru ane zviuru
zvinomwe zvavarume vaingewo
vakapakata nhoo namapfumo.
35VokwaDhani: kwaiva namakumi
maviri ezviuru ane zviuru zvisere
zvine mazana matanhatu avarwi
vaiva vakapakata zvombo zvehondo.
36VokwaAsheri: vaiva makumi
mana ezviuru zvavarwi
vaikwanisa kuenda kuhondo.
37VokwaRubheni nevokwaGadhi:
nevechimwe chikamu chevedzinza
rokwaManase vokumhiri kwaJorodhani
vari zana rezviuru rine zviuru
makumi maviri zvavarwi vakapakata
zvombo zvehondo zvemhando dzose.
38Varume ivava vose vokurwa vakauya kuHebhuroni vakarongana zvehondo vachida nomwoyo wose kugadza Dhavhidhi umambo hweIsiraeri yose. Vamwe vose veIsiraeri vaiva nepfungwa imwecheteyo yokugadza Dhavhidhi umambo.
39Vakaita mazuva matatu vaina Dhavhidhi ikoko vachidya nokunwa nokuti hama dzavo dzakanga dzavagadzirira.
40Vavakangawo vakabatana navo kunyange vokwaIsakari, nokwaZebhuroni nokwaNafutari uko, vakauya nechokudya chakatakurwa namadhongi, nenghamera namanyurusi nemombe zviri zvokudya zvakawanda kwazvo pachiti upfu nezvambwa zvemakuyu nezvitsumbu zvamagirepisi akaomeswa newaini nemafuta eorivhi nenyama yemombe neyehwai nokuti hakusi kufara ikoko kwaiva muIsiraeri.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.