Ungwaru 3 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Mugumo wavakarurama

1Mweya yavakarurama iri mumaoko aMwari,

uye hapana dambudziko rinovawana.

2Mukuona kwamapenzi vanotarisika savakafa,

kutisiya kwavo kwaionekwa sedambudziko.

3Kutisiya kwavakaita kwaionekwa sokuparadzwa,

nyamba ivo vari murugare.

4Kunyange vanhu vaifunga kuti vari kurangwa.

Asi ivo vaiva noruvimbo

ruzere rwoupenyu husingaperi.

5Vakanetsekana kashomanana,

asi zvino vava kugamuchira

makomborero makuru,

nokuti Mwari akavaedza,

akavawana vari vakamukodzera.

6Akavaedza sokuedza kunoitwa

ndarama muvirira romoto,

akavagamuchira somupiro inopiswa.

7Nezuva rokushanyirwa kwavo vachapenya,

vachiita sezvinoita mapfarivari

anovarika–varika pamurwi

wamashanga uri kutsva.

8Vachatonga dzinyika,

vachatonga marudzi avanhu,

Tenzi achavatongawo nokusingaperi.

9Vanovimba naye vachanzwisisa chokwadi;

vakatendeka vachagarawo naye murudo rwake;

nokuti vasarudzwi vake vachawana nyasha

netsitsi dzake.

Mugumo wavanhu vakaipa

10Asi vasiri vanamati vacharangwa

zvinokodzerana nepfungwa dzavo,

sezvo vasina hanya nomururami,

vakafuratira iye Mwari.

11Nokuti vane nhamo vanhu

vanoshora ungwaru nounhu,

nokuti ruvimbo rwavo ndorwenhando,

vanoshandira pasina;

mabasa avo haana mubayiro.

12Vakadzi vavo mapenzi,

vana vavo vanyangadzi,

13zvizvarwa zvavo zvine kashambwa.

Zviri nani kushaya mbereko pano kuva navana vasiri vanamati

Akakomborerwa mukadzi,

asina mbereko uye asina kusvibiswa

asina kushinha nomumwe,

achawana zvibereko zuva

rokugadzwa dare kwavanhu vose.

14Akakomborerwawo muyuniki

asina chaakabata

chisiri pamutemo,

asinawo kuitira Tenzi mwoyo mutema,

nokuti Mwari achamupa mubayiro wokutendeka kwake

usina ati amboupiwa,

uye nzvimbo yomufaro mukuru muTemberi yaTenzi

15nokuti mabasa akanaka

anounza mubayiro unorumbidzwa

uyewo dzinde roungwaru harifi.

16Vana vemhombwe

vachakurumidza kufa

chizvarwa chomwana womusango chichaparara.

17Kunyange vakararama nguva refu zvavo

vanoonekwa savasina maturo,

kana zvavo vachembera hakuna anovaremekedza.

18Kana kuri kuti vakurumidza kufa,

havachavi nechavanotarisira,

kana zvako nechinovanyaradza chose

nezuva guru rokutongwa

19nokuti mugumo wavasina kururama unosiririsa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help