Mika 5 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Ronganisa hondo dzako

iwe guta rehondo dzavarwi

nokuti watokombwa iwe.

Vacharova mutongi weIsiraeri

neshamhu padama.Mwari anoti mutongi achabva kuBheterehemu

2“Iwe Bheterehemu wokwaEfurata,

kunyange uri muduku zvako,

mukati memadzinza okwaJudha,

mauri iwe muchabuda mutongi wangu,

achatonga Isiraeri,

dzinde rokwaakabva nderakare kare

rapasichigare chaipo.”

3Naizvozvo achambovaregera vakadaro

kwechinguva kusvikira

ane pamuviri pari kurwadza asununguka.

Ipapo dzimwe hama dzake dzose

ndopadzichadzokera

kuvanhu veIsiraeri.

4Mwana iyeyo ndiye achatozomira chaizvo

achifudza danga rake rezvipfuwo

aine simba raTenzi,

aine chiremera chezita raTenzi Mwari wake

uye vachanyatsogara zvakanaka

nokuti ukuru hwake

huchasvika kwakaperera nyika.

5Iyeyu ndiye achatozovawanisa rugare.

Kununura nokuranga vasingateereri

Patichapindirwa neAsiria munyika medu

ichitsokodzera zvayo

munzvimbo dzedu,

tichaimutsira vokutifudza vanomwe

vokuonana nayo,

makurukota chaiwo avanhu,

kana kutoita masere chaiwo.

6Ivava ndivo vachatozotonga

nyika yeAsiria

nehondo yamapakatwa,

vachatonga nyika iyoyi yeNimurodhi

vakaiburitsira bakatwa.

Ivava ndivo vachatinunura kuAsiria

patinenge tapindirwa munyika medu neAsiria paya

ichitsokodzera munyika medu.

7Chitsama chevokwaJakobho chinenge chazosara

chichazova mukati mendudzi nendudzi dzavanhu,

chichiva sedova

rinobva kuna Tenzi

uye sehore dzemvura pauswa

zvisingambomirira zvazvo kana vanhu.

8Chitsama chevokwaIsiraeri

chinenge chazosara chichava

mukati memarudzi

nomukati mendudzi nendudzi dzavanhu,

seshumba mukati memhuka dzesango

seshumba ichiri duku

mumatanga ehwai

inoti kana ikapinda nomo

inotsokodzera ichibvambura-bvambura

pasina anogona kununura.

9Uchasumudzira shamhu,

vanokuvenga,

vavengi vako vose vachaurayiwa.

10“Pazuva iroro, ndizvo zviri kutaura Tenzi,

pakati penyu ndichauraya mabhiza enyu

ndichiparadza ngoro dzenyu dzehondo.

11Ndichaparadzawo maguta omunyika menyu

ndichipaza nzvimbo dzenyu dzose

dzokuzvidzivirira ndadzo muhondo.

12Ndichaparadzazve uroyi

hwamuchashandisa namaoko enyu

ndigosiya usisina

vanofembera namaminimini.

13Uye ndichaparadza mukati menyu

zvifananidzo zvenyu

zvamabwe zvokunamata,

hauchazokotamirazve kunamata

zvinhu zvamakagadzira

imi namaoko enyu.

14Ndichadzipura mukati menyu

zvifananidzo zvokunamata

zvinomiririra Ashera

nokuparadza maguta ako.

15Ndichatsiva ndakashatirwa nehasha

marudzi ose asingateereri.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help