Vafiripi Zviri mutsamba yokuvaFiripi - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Zviri mutsamba yokuvaFiripi Tsamba kuvaFiripi, imwe yetsamba dzinonzi Pauro, akanyora ari muusungwa kuRoma, asi izere norufaro norudo. Zvorufaro, zvinogona kunzwisisika zvazvo, nokuti tsamba iyi akainyora abva mukutambira rubatsiro rwakabva kuvanhu vokuFiripi. Akainyora achida kuvatenda chipo chavo. Asi izvi zvakamuwanisawo mukana wokuvanyorera achivadzidzisa kukosha kwakaita kubatana kwavo ivo pachavo uye kukosha kokugara upenyu hokunge vakabatana naKristu Jesu. Anovakurudzira kuva nemwoyo mumwechete waiva naKristu wokuzvirereka nokuzvidukupisa kwazvo kwaakaita achiuya kuzova munhu sesu (2:5–11). Anovayambirawo kuti varege kupinda muuranda hwezvisungo zvomutemo.Aya ndiwo mamiriro akaita Tsamba yokuvaFiripiKusuma (1:1–2)Munamato nokutenda kwaPauro (1:3–11)Upenyu hwangu ndiJesu (1:12–30)Kuzvidukupisa uye ukuru hwaJesu (2:1–11)Unotoshandira ruponeso rwako (2:12–18)ZvaTimoti naEpafurodhitosi (2:19—3:1)Kuponeswa komuteveri waKristu (3:2–11)Kumhanya wakananga pakatarwa (3:12–21)Kugara zvakanaka somuKristu (4:1–9)Ndinotenda nechipo chenyu (4:10–20)Kuonekana (4:21–23)
Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help